Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusuma Magazini yeChirungu Chisina Kuoma

Kusuma Magazini yeChirungu Chisina Kuoma

Kusuma Magazini yeChirungu Chisina Kuoma

TINOFARA kukuzivisai kuti kutanga mwedzi uno, tichamboedza kwegore rimwe chete kubudisa Nharireyomurindi yokudzidza yeChirungu chisina kuoma ichabuda panguva imwe chete neyatagara tiinayo. Ichange iine nyaya dzokudzidza, dzimwewo nyaya dzichizoiswa kana paine nzvimbo. Tinovimba kuti izvi zvichabatsira Zvapupu zvaJehovha zvakawanda pakunamata. Zvichabatsirwa sei?

Chirungu mutauro wakakurumbira unoshandiswa zvikuru nehama dzedu munyika dzakadai seFiji, Ghana, Kenya, Liberia, Nigeria, Papua New Guinea, uye Solomon Islands. Kunyange zvazvo hama dzedu munyika idzi dzingataura mimwe mitauro yemo, dzinowanzotaura Chirungu kana dzichikurukura zuva nezuva pamisangano uye mubasa romumunda. Zvisinei, Chirungu chavanotaura chakati pfavei pane chatinoshandisa mumabhuku edu. Uyewo kune vamwe vanhu vaJehovha vakatamira kune dzimwe nyika kwavanotofanira kushandisa Chirungu kunyange zvazvo vasinganyatsochigoni. Kwavanenge vari hakuna misangano inoitwa mumutauro wavo.

Nyaya dzatinodzidza vhiki nevhiki paChidzidzo cheNharireyomurindi ndidzo dzinonyanya kushandiswa kuti tigare tichiwana zvokudya zvinosimbisa pakunamata zvinoenderana nenguva. Saka kuti vanhu vose vanenge varipo vabatsirwe zvakakwana, magazini yeChirungu chisina kuoma ichange isina mashoko akaoma kunzwisisa. Ichange iine butiro rakasiyana nereyatagara tiinayo. Misoro miduku, ndima, mibvunzo yokudzokorora, uye mifananidzo zvichange zvakafanana. Saka munhu wose achafambirana nomuitisi paChidzidzo cheNharireyomurindi. Kusiyana kwakaita mashoko emagazini aya kunoonekwa pamuenzaniso uri pazasi apa wakatorwa pandima 2 yenyaya yokudzidza yokutanga mumagazini ino.

Tinovimba kuti kubudiswa kwemagazini iyi kupindurwa kweminyengetero yevakawanda vakati kuna Jehovha: “Itai kuti ndinzwisise, kuti ndidzidze mirayiro yenyu.” (Pis. 119:73) Tinovimba kuti vaya vasinganyatsoziva Chirungu, kusanganisira vana vaduku vanotaura Chirungu, vanenge vava kukwanisa kugadzirira zviri nani Chidzidzo cheNharireyomurindi vhiki yoga yoga. Tinotenda Jehovha kuti ‘nokuda kwaanoita sangano rose rehama’ ari kushandisa “muranda akatendeka, akangwara,” kuti atipe zvokudya zvakawanda zvinosimbisa pakunamata.—1 Pet. 2:17; Mat. 24:45.

Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha