Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unofarira “Ropafadzo Yokupa Nomutsa” Here?

Unofarira “Ropafadzo Yokupa Nomutsa” Here?

Unofarira “Ropafadzo Yokupa Nomutsa” Here?

VAKRISTU vokuFiripi vaiva nomukurumbira wokutsigira kunamata kwechokwadi nezvinhu zvavo. Muapostora Pauro akavanyorera tsamba achiti: “Ndinogara ndichionga Mwari wangu pose pandinokuyeukai pakuteterera kwangu kwose nokuda kwenyu mose, sezvandinoteterera nomufaro, nokuda kwezvamakaita pamusoro pemashoko akanaka kubvira pazuva rokutanga kusvikira panguva ino.” (VaF. 1:3-5) Pauro ainyatsoyeuka pakabhabhatidzwa Ridhiya nevemhuri yake. Ainyatsoyeukawo Ridhiya paakamuteterera nevamwe vake vaaiparidza navo kuti vagare mumba make.—Mab. 16:14, 15.

Pasina nguva, ungano itsva yokuFiripi yakatumira Pauro zvinhu kaviri paaiva nehama dzokuTesaronika kwevhiki dzakati kuti. Tesaronika yaiva kure neFiripi nemakiromita anenge 160. (VaF. 4:15, 16) Makore mashomanana gare gare, hama dzokuFiripi nedzimwe dzokuMakedhoniya padzaitambura uye dziine ‘urombo hukuru,’ dzakanzwa nezvokushaya kwevaKristu vaitambudzwa kuJerusarema uye dzaida kuvabatsira. Pauro akapupura kuti chokwadi “izvi zvaipfuura zvavaikwanisa kuita chaizvo.” Asi akanyora kuti: “Vakaramba vachitikumbira vachiteterera kwazvo kuti vawane ropafadzo yokupa nomutsa.”—2 VaK. 8:1-4; VaR. 15:26.

Anenge makore gumi vaFiripi vava vaKristu, vainge vachiri kuratidza kuti vaiva nerupo. Pavakanzwa kuti Pauro aiva mujeri kuRoma, vakatuma Epafrodhito kuti afambe makiromita 1 287 panyika nomugungwa achimuendesera zvinhu. Zviri pachena kuti hama dzokuFiripi dzaida kubatsira Pauro kuti arambe achisimbisa hama uye achiparidza kunyange paaiva mujeri.—VaF. 1:12-14; 2:25-30; 4:18.

Mazuva ano vaKristu vechokwadi vanoona kutsigira basa rokuparidza Umambo uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi seropafadzo. (Mat. 28:19, 20) Vanotsigira Umambo nokushandisa mari yavo, nguva, uye simba. Bhokisi riri pasi apa rinoratidza dzimwe nzira dzaunogona kutsigira nadzo basa iri ratakapiwa naMwari.

[Bhokisi riri papeji 22, 23]

MAPIRO ANOITA VAMWE

ZVIPO KUTI VATSIGIRE BASA ROMUNYIKA YOSE

Vakawanda vanochengeta kana kuronga mari yavanozoisa mumabhokisi ezvipo akanzi “Basa Romunyika Yose.”

Mwedzi woga woga ungano dzinotumira mari iyi kuhofisi yeZvapupu zvaJehovha yomunyika yadzo. Zvipo zvemari inopiwa nokuzvidira zvinogonawo kutumirwa kuWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, Attention Accounting Office, P. Bag WG-5001, Westgate, kana kuti kuhofisi yebazi romunyika yenyu reZvapupu zvaJehovha. Cheki dzinotumirwa kukero iri pamusoro apa dzinofanira kunyorerwa “Watchtower Society.” Mungapawo zvishongo kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha. Zvinofanira kuuya netsamba pfupi inotaura kuti zvipo.

CHIRONGWA CHOKUPA UCHIZOGONA KUDZORERWA

Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania ingachengeteswa mari kuti ishandiswe munyika yose. Zvisinei, muridzi anogona kudzorerwa mari yake kana ava kuida. Kuti uwane mamwe mashoko, tapota nyorera Accounting Office pakero iri pamusoro apa kana kuti fonera (04) 2910591.

DZIMWE NZIRA DZOKUPA

Kuwedzera kuzvipo chaizvo zvemari, kune dzimwe nzira dzokupa nadzo pakutsigira basa roUmambo romunyika yose. Dzimwe dzacho ndeidzi:

Inishuwarenzi: Munhu angaita kuti Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania izopiwa inishuwarenzi yake youpenyu kana kuti mari yake yomudyandigere.

Maakaundi Okubhengi: Munhu angaita kuti maakaundi ake okubhengi, magwaro anoratidza mari yaiswa mubhengi, kana kuti maakaundi okurega basa atarisirwe kana kuti azopiwa Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, kana afa, zvichienderana nezvinodiwa nebhengi romunzvimbo iyoyo.

Mari yeBhizimisi Neyakakwereteswa: Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania ingapiwa mugove waiva nomunhu pabhizimisi nemagwaro anoratidza mari yaakakweretesa yaanofanira kudzorerwa.

Zvivako Nenzvimbo: Zvivako kana nzvimbo inotengeseka zvingapiwa sechipo chaicho kana kuti, kana iri nzvimbo yokugara, anenge apa wacho anogona kuramba achigarapo paanenge achiri mupenyu. Zivisa hofisi yebazi romunyika yako usati wanyora gwaro repamutemo uchiipa chivako kana nzvimbo ipi neipi.

Zvido Zvenhaka: Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania ingasiyirwa zvinhu sechido chenhaka chepamutemo.

Kana uchida mamwe mashoko, unganyorera kana kufonera Accounting Office, pakero iri pasi apa, kana kuti hofisi yebazi romunyika yenyu.

Accounting Office

Jehovah’s Witnesses

P. Bag WG-5001

Westgate

Runhare: (04) 2910591