Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Varindi vomuMuzinda waMambo Vanoparidzirwa

Varindi vomuMuzinda waMambo Vanoparidzirwa

Maiva muna 59 C.E. Mauto ainge aneta, aine vasungwa vakawanda, akapinda muRoma nepagedhi rainzi Porta Capena. Pachikomo chainzi Palatine ndipo paiva nomuzinda waMambo Nero, wairindwa nemasoja emuMuzinda waMambo aiva nemapakatwa ainge akavigwa muzvipfeko zvisiri zvechiuto zvainzi toga. * Mukuru weuto ainzi Juriyasi akapfuura nevasungwa vake nepanzvimbo yaiungana vanhu yeRoma achikwidza kuchikomo chainzi Viminal. Vakapfuura nemunzvimbo yaiva nemaruva neatari dzakawanda dzakavakirwa vanamwari veRoma uye nomunhandare yaiitirwa zvakasiyana-siyana nemasoja.

Mufananidzo weVarindi vomuMuzinda waMambo uri padombo unofungidzirwa kuti wakabva muArch of Claudius, yakavakwa muna 51 C.E.

Muapostora Pauro aiva mumwe wevasungwa vacho. Munguva yainge yapfuura Pauro paaiva muchikepe chaikandwa kuno nekoko nedutu, ngirozi yaMwari yakamuudza kuti: “Unofanira kumira pamberi paKesari.” (Mab. 27:24) Izvozvo ndizvo zvainge zvava kuda kuitika here kuna Pauro? Sezvaaitarisa-tarisa muguta guru reUmambo hweRoma, hapana mubvunzo kuti Pauro akayeuka mashoko aainge audzwa naIshe Jesu paaiva munhare yainzi Tower of Antonia muJerusarema. “Shinga kwazvo!” akadaro Jesu. “Nokuti zvawave uchipupura kwazvo pamusoro pezvinhu zvine chokuita neni muJerusarema, naizvozvo unofanirawo kunopupura muRoma.”—Mab. 23:10, 11.

Zvichida Pauro akambomira achitarisa nzvimbo yaigarwa nemauto eMuzinda waMambo, nhare yaiva nemasvingo akareba ezvidhinha zvitsvuku  nenzvimbo dzekurinda pamusoro. Nhare yacho yaiva nedzimba dzevarindi vomumuzinda waMambo uyewo dzemapurisa eguta racho. Munhare yacho zvamaigara mapoka 12 * evarindi vemuMuzinda waMambo uye mamwe mapoka emasoja emuguta, maigona kugara masoja ane zviuru zvakawanda kusanganisira aya aishandisa mabhiza. Nzvimbo yaigara varindi vaMambo yaiyeuchidza vanhu nezvesimba ramambo. Sezvo varindi vemuMuzinda waMambo varivo vaitarisira vasungwa vaibva kune mamwe maruwa, Juriyasi akapinda neboka rake nepane rimwe remagedhi mana makuru. Pashure perwendo rwaiva nengozi rwemwedzi yakawanda, iye zvino ainge asvika nevasungwa kwaaifanira kuvasvitsa.—Mab. 27:1-3, 43, 44.

MUAPOSTORA WACHO ANOPARIDZA “ASINGADZIVISWI”

Pavaifamba nechikepe, Pauro akaratidzwa naMwari kuti vanhu vose vaizopona paizoparara chikepe chacho. Paakarumwa nenyoka yaiva neuturu hapana chakaitika. Akarapa vanhu vairwara pachitsuwa cheMarita, vanhu vepo vakatanga kuti aiva mwari. Varindi vemuMuzinda waMambo vaitenda mashura vangadaro vakaudzwa zvose izvi.

Pauro ainge atoonana nehama dzokuRoma dzainge ‘dzauya kuzosangana naye kuMusika weApiyo neHotera Nhatu.’ (Mab. 28:15) Asi zvaaiva musungwa, aizozadzisa sei chido chake chokuzivisa mashoko akanaka muRoma? (VaR. 1:14, 15) Vamwe vanofunga kuti vasungwa vaitanga vaendeswa kumukuru mukuru wevarindi. Kana zvirizvo zvaiitika, Pauro anofanira kunge akaendeswa kumukuru mukuru wevarindi ainzi Afranius Burrus, zvimwe aiva wechipiri pamasimba kubva kuna mambo. * Chero zvazvingava, pane kurindwa nevakuru veuto, Pauro ainge ava kurindwa nemurindi mumwe chete womuMuzinda waMambo. Akapiwa mvumo yokuzvitsvagira pokugara uye yokushanyirwa nevamwe, uye kuvaparidzira “asingadziviswi.”—Mab. 28:16, 30, 31.

PAURO ANOPUPURIRA VAKURU NEVADUKU

Masvingo eMuzinda weVarindi vaMambo sezvaari nhasi

Zvichida Burrus akabvunzurudzira muapostora Pauro mumuzinda waMambo kana kuti mumuzinda wevarindi vaMambo, asati aendesa nyaya yacho kuna Nero. Pauro akashandisa mukana uyu kuti apupurire “vose vakuru nevaduku.” (Mab. 26:19-23) Pasinei nezvakaonekwa naBurrus paakamubvunzurudza, Pauro haana kuendeswa mujeri remuMuzinda weVarindi vaMambo. *

 Imba yairenda Pauro yainge yakakura zvokuti aikwanisa kugamuchira “varume vakuru vevaJudha” uye kuvaparidzira pamwe nevamwe “vakauya kwaari vari vazhinji kwazvo munzvimbo yaaigara.” Paivawo nemasoja omumuzinda waMambo aimunzwa achi“pupurira kwazvo” vaJudha nezveUmambo uye nezvaJesu, “kubvira mangwanani kusvikira manheru.”—Mab. 28:17, 23.

Pauro paainge akasungwa, masoja akamunzwa achitaura zvaaida kuti zvinyorwe mutsamba

Boka revarindi raishanda paimba yamambo raichinjwa zuva rega rega paawa yechisere. Uye murindi aichengetedza Pauro aigara achichinjwawo. Mumakore maviri ainge akasungwa muapostora wacho, masoja akamunzwa achitaura zvaaida kuti zvinyorwe mutsamba dzaienda kuvaEfeso, vaFiripi, vaKorose, uye kuvaKristu vechiHebheru uye vakamuona achinyorera tsamba muKristu ainzi Firimoni. Paainge akasungwa, Pauro akabatsira mumwe muranda ainge atiza tenzi wake, uyo waanoti ‘akabereka paakanga akasungwa ari mujeri’ uye akamudzosera kuna tenzi wake. (Fir. 10) Hapana mubvunzo kuti Pauro akaratidzawo kufarira varindi vaimuchengetedza. (1 VaK. 9:22) Tinogona kufungidzira achibvunza musoja kuti chimwe nechimwe chaiva panguo yake yokuzvidzivirira chaishandei uye  akazoshandisa zvaakaudzwa pamuenzaniso wakanaka chaizvo.—VaEf. 6:13-17.

‘TAURA SHOKO RAMWARI USINGATYI’

Kusungwa kwaPauro kwakaitawo “kuti mashoko akanaka afambire mberi” pavarindi vose vomuMuzinda waMambo nevamwewo. (VaF. 1:12, 13) Vanhu vomumuzinda wevarindi vaizivana nevakawanda vaigara muumambo hwose hweRoma, uye namambo neveimba yake yakakura. Imba yamambo yaisanganisira vemhuri yake, vashandi uye varanda, vamwe vacho vakazova vaKristu. (VaF. 4:22) Kupupura kwaPauro asingatyi kwakaita kuti hama dzomuRoma dzive neushingi hwokutaura “shoko raMwari dzisingatyi.”—VaF. 1:14.

Pasinei nemamiriro edu ezvinhu, tinogona kuparidzira vaya vanotibatsira nenzira dzakasiyana-siyana

Kuparidza kwakaita Pauro muRoma kunotikurudzirawo patinenge ‘tichiparidza shoko mumwaka wakakodzera uye mumwaka unotambudza.’ (2 Tim. 4:2) Vamwe vedu havachakwanisi kubva pamba, vamwe vanogara munzvimbo dzinochengeterwa vakwegura, muzvipatara, kana kuti mumajeri nemhaka yokutenda kwavo. Pasinei nemamiriro edu ezvinhu, tinogona kuparidzira vaya vanouya kwatiri kuzotiona kana kuzotibatsira nenzira dzakasiyana-siyana. Kana tikashinga kuparidza pose patinowana mukana, tinozvionera kuti ‘shoko raMwari harigoni kusungwa.’—2 Tim. 2:8, 9.

^ ndima 2 Ona bhokisi rakanzi “Varindi vomuMuzinda waMambo Vepanguva yaNero.”

^ ndima 4 Boka rimwe chete raiva nemasoja anosvika 1 000.

^ ndima 7 Ona bhokisi rakanzi “Sextus Afranius Burrus.”

^ ndima 9 Herodhi Agripa akaiswa mujeri iri naTibheriyo Kesari muna 36/37 C.E. nokuti ainge ataura chido chake chokuti Caligula akurumidze kuva mambo. Caligula paakazotora chigaro akabva apawo Herodhi mubayiro woumambo.—Mab. 12:1.