Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvatingaita Kuti Tibatsire Vamwe

Zvatingaita Kuti Tibatsire Vamwe

“MHIRIZHONGA yakangotanga pashure pesarudzo, zvikaita kuti zviuru zveZvapupu zvaJehovha zvitize misha yazvo,” anodaro François, mukuru anogara mune imwe yenyika dzichiri kusimukira. “Zvokudya uye mishonga zvakatanga kunetsa, uye zvaiwanika zvacho zvaidhura zvekudhura zviya. Mabhangi akavhara, uye michina yekudhirowa mari yakasara isisina chinhu kana kuti yafa.”

Hama dzepabazi dzakabva dzatumira mari uye zvinhu zvaidiwa nekukurumidza kuZvapupu zvakanga zvabva mumisha yazvo zvakanga zvakaungana paDzimba dzoUmambo munyika yose. Mapato ainetsana akavhara migwagwa, asi sezvo vose vaiziva kuti Zvapupu hazvina kwazvakarerekera, motokari dzebazi dzaiwanzoregwa dzichipfuura.

“Tichienda kune imwe Imba yoUmambo vanhu vakanga vakahwanda vakatanga kupfura motokari yedu,” anodaro François. “Asi mabara acho akatipotsa. Patakaona musoja aimhanyira kwatiri akapakata, takabva tangodzora mota nekukurumidza ndokuivhetemutsa tichidzoka kubazi. Takatenda Jehovha kuti takapona. Musi waitevera, hama 130 dzaiva muImba yoUmambo iyoyo dzakakwanisa kutizira kusina ngozi. Vamwe vakauya kuhofisi yebazi, kwatakavakabatsira nezvinhu zvekunamata nezvavaida pakurarama kusvikira mhirizhonga yapera.”

“Hofisi yebazi yakazogamuchira tsamba dzakawanda dzaibva kuhama munyika yose dzichitenda zvikuru zvadzakaitirwa,” anodaro François. “Kuona hama dzavo dzokune dzimwe nzvimbo dzichivabatsira, kwakawedzera kuvimba kwavo naJehovha.”

Patinosangana nenjodzi dzinoitika dzoga kana kuti dzinokonzerwa nevanhu, hatiudzi hama dzedu nehanzvadzi dzinoshayiwa kuti ‘dzidziyirwe uye dzigute.’ (Jak. 2:15, 16) Panzvimbo paizvozvo tinoedza kuvabatsira nezvavanenge vachida. Izvozvo ndizvo zvakaitwa nevaKristu vekutanga pavakanzwa nyevero yekuti kwaizova nenzara. “Vadzidzi vakasarudza, mumwe nomumwe wavo maererano nezvaaigona, kuti vaite basa rokuyamura nokutumira zvinhu kuhama dzaigara muJudhiya.”—Mab. 11:28-30.

Sevashumiri vaJehovha tine chido chekubatsira vanoshayiwa nezvinhu zvavangada pakurarama. Asi vanhu vanodawo kubatsirwa pakunamata. (Mat. 5:3) Kuti vazive kuti vanoda rubatsiro rwakadaro, Jesu akapa vateveri vake basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Mumwe nemumwe wedu anopa nguva yake yakawanda, simba uye zvinhu kuti aite basa iri. Sesangano, tinoshandisa imwe mari inenge yabviswa semipiro pakubatsira vanoshayiwa, asi mipiro iyi inonyanya kushanda pakutsigira Umambo uye kuparidza mashoko akanaka. Patinoita izvi tinoratidza kuti tinoda Jehovha nemuvakidzani.—Mat. 22:37-39.

Vaya vanotsigira basa remunyika yose reZvapupu zvaJehovha vanogona kuva nechokwadi chekuti mipiro yavo iri kushandiswa zvakanaka. Unokwanisa here kubatsira hama dzako dzinoshayiwa? Unoda here kutsigira basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi? Kana zvakadaro, “usarega kuitira zvakanaka vaya vanofanira kuitirwa zvakanaka, kana ruoko rwako ruine simba rokuzviita.”—Zvir. 3:27.