Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

“Ndakanga Ndakaita Sekamba Iri Mumakwati”

“Ndakanga Ndakaita Sekamba Iri Mumakwati”

MUNA August naSeptember 1929 vaparidzi vanopfuura 10 000 vakaita chipatapata pamushandirapamwe wemazuva mapfumbamwe wekuparidza muUnited States yose. Vakapa vanhu mabhuku anopfuura 250 000. Pakati pevaparidzi voUmambo ava paiva nemacolporteur ane chiuru. Vakanga vawanda zvechokwadi! Bulletin * yakataura kuti “zvaiita sezvisingabvumike” kuti nhamba yemapiyona yakanga yawedzera kakapetwa katatu kubva muna 1927 kusvika muna 1929.

Gore ra1929 rava kunopera, upfumi hwakaderera zvisingaiti. Musi weChipiri, October 29, 1929 mitengo yakaderera pamusika wemari weNew York, zvikakonzera dambudziko guru renyika yose rakazozivikanwa seGreat Depression. Zviuru zvemabhangi zvakabhuroka. Basa rakamira mumapurazi. Mafekitari makuru akavharwa. Mamiriyoni evanhu akamiswa basa. Muna 1933, muUnited States vanhu vangasvika 1 000 pazuva vaitorerwa dzimba nekusabhadhara zvikwereti.

Vaparidzi venguva yakazara vaizoita sei mumamiriro ezvinhu akadai? Chimwe chakabatsira dzimba dzaiva nemavhiri. Motokari dzainge dzakagadzirwa seimba kana kuti macaravan, zvaibatsira mapiyona akawanda kuti aite basa reushumiri asingashandisi mari yakawanda sezvo zvaisabhadharwa rendi kana mutero. * Uye pamazuva egungano, dzimba idzi dzaibva dzaita sehotera dzemahara. Muna 1934, Bulletin yakataura magadzirirwo angaitwa imba yakadai, iine zvinhu zvakaita semvura, chitofu, mubhedha wekupeta, uye zvimwe zvinobatsira kuti mudziye.

Vaparidzi vaiva neunyanzvi munyika yose vakatanga kugadzira dzimba dzine mavhiri. “Noa akanga asina ruzivo rwekuvaka zvikepe,” akadaro Victor Blackwell, “uye iniwo ndakanga ndisina ruzivo rwekugadzira imba ine mavhiri.” Asi akavaka zvakadaro.

Motokari yaigarwa seimba ichiyambutswa rwizi munguva inonaya mvura zhinji kuIndia

Avery naLovenia Bristow vaiva nemotokari yainge yakagadzirwa seimba. Avery anoti, “Ndakanga ndakaita sekamba iri mumakwati, ndichifamba nemba yangu.” Mhuri yekwaBristow yakapayona pamwe chete naHarvey naAnne Conrow, avo vaigara mucaravan yavo yainge iine mukati makanamwa pepa retara. Pose pavaifamba mamwe mapepa aya aikwatanuka. “Hapana akanga amboona caravan yakadaro” anoyeuka kudaro Avery, “uye nanhasi hapana imwe yakafanana nayo yati yamboonekwa!” Asi Avery anoti mhuri yavanaConrow nevanakomana vavo vaviri “yaiva mhuri yaifara zvikuru.” Harvey Conrow akanyora kuti, “Hapana kana chatakamboshayiwa, uye tainyatsonzwa takachengetedzwa mubasa raJehovha achitiratidza rudo rwake.” Mhuri yavanaConrow yakazopinda Chikoro cheGiriyedhi uye vakatumirwa kuPeru semamishinari vose vari vana.

Mhuri yekwaBattainos yakapayonawo. Giusto naVincenza pavakaziva kuti vaizova nemwana, vakachinja mota yavo yerudzi rweA Ford ya1929 kuti ive “imba yakaita sehotera yakanaka” painoenzaniswa nematende avaimbogara. Ivo nekamwanasikana kavo, vakaramba vachiita basa ravo ravaida zvikuru,  rokuparidzira vanhu vanobva kuItaly vaigara muUnited States.

Mashoko akanaka aya aiteererwa nevakawanda, asi varombo vakanga vasingashandi, vaisawanzokwanisa kupa mipiro yemari yemabhuku anotsanangura Bhaibheri. Asi vaipawo zvinhu zvakasiyana-siyana kana vapiwa mabhuku. Mamwe mapiyona maviri akanyora marudzi ezvinhu anokwana 64 zvavakange vapiwa nevanhu vanofarira. Pepa ravakanyorera raitoita kunge “pepa rezvinhu zvemuchitoro chekumusha.”

Fred Anderson akasangana nemumwe murimi aida mabhuku edu akati aizopa mupiro wemagirazi ekuverengesa aimbova aamai vake. Papurazi raitevera, mumwe murume akafarira mabhuku edu zvikuru asi akati, “Handina magirazi ekuverengesa.” Akapiwa magirazi emuvakidzani wake, akabva akwanisa kuverenga mabhuku acho zvakanakanaka akabvisa mari yemupiro wemabhuku acho nemagirazi.

Herbert Abbott aifamba nekachirugu kehuku kanotakurika mumotokari yake. Aiti kana asvitsa huku nhatu kana ina dzemipiro, ainodzitengesa kumusika ozoshandisa mari yaaiwana kuti aise mafuta mumotokari. “Pane pataisvika pakusara tisina kana sendi here? Hongu,” akanyora kudaro, “asi izvozvo hazvina kuita kuti tirege kuparidza. Chero bedzi taiva nemafuta mumotokari, taizoenderera mberi, tiine kutenda uye tichivimba naJehovha.”

Kuvimba naJehovha uye chido chakasimba chekuita basa ndizvo zvakaita kuti vanhu vake vabudirire panguva iyi yakaoma. Mumwe musi kuchinaya zvakasimba, Maxwell naEmmy Lewis vakati vachingobuda mucaravan yavo, muti uchidonha uchiitsemura nepakati. “Zvinhu izvi hazvina kumisa basa redu,” akanyora kudaro Maxwell, “taingozvitora sezvinhu zvaingoitikawo, uye hatina kumbova nepfungwa yekukanda mapfumo pasi. Paiva nebasa rakawanda raifanira kuitwa uye taida kuriita.” Vasingadzokeri shure, Maxwell naEmmy vakabatsirwa neshamwari dzavo dzaivada kugadzirazve imba yavo ine mavhiri.

Kuzvipira kwakadaro kuri kuitwawo nemamiriyoni anoshingaira eZvapupu zvaJehovha zvinosanganawo nematambudziko mazuva ano. Kungofanana nemapiyona aya ekare, tine chido chakasimba chekuramba tichiita basa rekuparidza kusvikira Jehovha ati zvakwana.

^ ndima 3 Yava kunzi Ushumiri Hwedu hwoUmambo.

^ ndima 5 Makore iwayo, mapiyona akawanda akanga asingaendi kumabasa. Vaipiwa mabhuku eBhaibheri nemari yakaderera vozoshandisa mipiro yavaiwana pamabhuku acho pakutenga zvinhu zvekurarama nazvo.