Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Namata Jehovha, Mambo Asingagumi

Namata Jehovha, Mambo Asingagumi

“Kuna Mambo asingagumi . . . ngakuve nokuremekedzwa nokukudzwa nokusingaperi-peri.”—1 TIM. 1:17.

1, 2. (a) “Mambo asingagumi” ndiani, uye nei zita iroro rakamukodzera? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Chii chinoita kuti tide kutongwa naJehovha?

MAMBO SOBHUZA II wokuSwaziland akatonga kwemakore anoda kusvika 61. Iwayo aiva makore akawanda chaizvo. Kunyange zvazvo tingashamiswa nenguva yakatonga Mambo Sobhuza, kune mumwe mambo asingafi anotonga nokusingaperi. Bhaibheri rinomuti “Mambo asingagumi.” (1 Tim. 1:17) Munyori wepisarema akataura nezvezita raChangamire uyu achiti: “Jehovha ndiMambo nokusingagumi kunyange nokusingaperi.”—Pis. 10:16.

2 Utongi hwaMwari hwakasiyana nehwevanhu nokuti iye anotonga nokusingaperi. Zvisinei matongero ake ndiwo anoita kuti tide kuswedera pedyo naye. Mumwe mambo akatonga Israeri kwemakore 40 akarumbidza Mwari nemashoko aya: “Jehovha ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo. Jehovha akasimbisa kwazvo chigaro chake mumatenga; umambo hwake hunodzora zvinhu zvose.” (Pis. 103:8, 19) Ichokwadi kuti Jehovha ndiMambo wedu, asiwo ndiBaba vedu vokudenga vane rudo. Izvi zvinoita kuti pave nemibvunzo miviri yokuti: Jehovha ave achiratidza sei kuti ndiBaba? Jehovha ave achiratidza sei kuti ndiMambo kubva paakapandukirwa muEdheni? Mhinduro dzemibvunzo iyi dzichaita kuti  tide kuswedera pedyo naJehovha uye timunamate nemwoyo wedu wose.

MAMBO ASINGAGUMI ANOVA NEMHURI KUDENGA NEPANYIKA

3. Ndiani akatanga kusikwa mumhuri yaJehovha uye ndevapi vamwe “vanakomana” vaMwari vakazosikwa?

3 Chokwadi Jehovha anofanira kunge akafara chaizvo paakasika mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga! Mwari aisatarisira pasi Mwanakomana wake wedangwe. Asi aimuda uye vakashanda pamwe chete vachifara pakusika zvimwe zvisikwa zvakakwana. (VaK. 1:15-17) Zvisikwa izvi zvinosanganisira zviuru zvengirozi. Sezvo ngirozi idzi dzichitsanangurwa se“vashumiri vake, vanoita kuda kwake,” dzinoshumira Mwari dzichifara uye anodziremekedza nokudzidana kuti “vanakomana” vake. Ngirozi idzi dziri mumhuri yaJehovha inobatanidza zvisikwa zvokudenga nezvepanyika.—Pis. 103:20-22; Job. 38:7.

4. Zvakafamba sei kuti vanhu vazova mumhuri yezvisikwa zvaMwari?

4 Jehovha paakangosika matenga nenyika, akabva awedzerawo mhuri yezvisikwa zvake. Pashure pokunge asika nyika yakanaka chaizvo inokwanisa kuzvitsigira, Jehovha akazopedzisa nokusika munhu wokutanga, Adhamu, mumufananidzo wake. (Gen. 1:26-28) Jehovha ndiye Musiki, saka zvainge zvakakodzera kuti atarisire kuti Adhamu amuteerere. Zvaari Baba, Jehovha akamuudza zvaaifanira kuita uye akazviita nerudo uye nemutsa. Haana kumupa mitemo yaimushayisa rusununguko.—Verenga Genesisi 2:15-17.

5. Mwari akaita urongwa hupi kuti nyika izare nevana vake vepanyika?

5 Kusiyana nemadzimambo akawanda, Jehovha anoda kupawo vanhu vaanotonga masimba, uye anovaona senhengo dzemhuri yake dzakavimbika. Somuenzaniso, akapa Adhamu simba pane zvimwe zvisikwa zvipenyu, uye akatomupa basa rinonakidza uye rakaoma rokutumidza mhuka mazita. (Gen. 1:26; 2:19, 20) Mwari haana kuita zvokusika mamiriyoni evanhu vasina chivi panguva imwe chete kuti vazadze nyika. Asi akasarudza kusika mukadzi aiva akakwana ainzi Evha kuti ave mudzimai waAdhamu. (Gen. 2:21, 22) Akabva apa vaviri ava mukana wokuti vazadze nyika nevana vavo. Sezvo vanhu vaizenge vasina chivi, zvishoma nezvishoma vaizoita kuti Paradhiso iwedzere kusvikira yazadza nyika yose. Vaizonamata Jehovha nokusingaperi pamwe chete nengirozi dziri kudenga semhuri imwe chete. Chokwadi izvi zvaizova zvinhu zvakanaka chaizvo uye zvairatidza kuti Jehovha ndibaba vane rudo!

VANAKOMANA VAKAPANDUKA VANORAMBA KUTONGWA NAMWARI

6. (a) Kupanduka kwakatanga sei mumhuri yaMwari? (b) Nei kupandukirwa kwakaitwa Jehovha kwaisareva kuti akanga asisina masimba?

6 Zvinosuwisa kuti Adhamu naEvha vakaramba kuti Jehovha ave Changamire wavo. Asi vakasarudza kuteerera mwanakomana waMwari akapanduka, Satani. (Gen. 3:1-6) Kurarama vasingatongwi naMwari kwakaita kuti ivo nevana vavo vave nemarwadzo, vatambure uye vafe. (Gen. 3:16-19; VaR. 5:12) Mwari ainge asisina vanhu vanomuteerera panyika. Izvi zvaireva here kuti akanga asisina masimba uye aramba kuva changamire panyika uye pavanhu? Kana! Akaratidza simba rake paakadzinga murume uyu nemudzimai wake mumunda weEdheni uye akaita kuti makerubhi arinde nzira yacho kuti vasadzoka. (Gen. 3:23, 24) Panguva iyoyo, Mwari akaratidzawo rudo rwake sababa paakavimbisa kuti chinangwa chake chokuti ave nemhuri yevanakomana vakavimbika vokudenga uye vepanyika chaizozadziswa. Akavimbisa kuti paizova “nomwana” aizoparadza Satani uye aizobvisa  zvose zvinokonzerwa nechivi chaAdhamu.—Verenga Genesisi 3:15.

7, 8. (a) Mumazuva aNoa, zvinhu zvainge zvaipa sei? (b) Jehovha akaitei kuti achenese nyika uye aponese vanhu?

7 Mumazana emakore akazotevera, vamwe vanhu vakasarudza kuramba vakavimbika kuna Jehovha. Vamwe vacho vaiva Abheri naInoki. Zvisinei, vanhu vakawanda vakaramba kuti Jehovha ave Baba uye Mambo wavo. Pakazosvika nguva yaNoa, nyika yainge ‘yazara nechisimba.’ (Gen. 6:11) Izvi zvaireva here kuti Jehovha ainge asisina simba pazvinhu zvaiitika panyika? Nhoroondo iri muBhaibheri inoratidzei?

8 Jehovha akapa Noa purani uye mirayiridzo ine udzamu yokuti avake areka yakakura yaizomuponesa pamwe nemhuri yake. Mwari akaratidzawo kuti ainyatsoda mhuri yake yose yepanyika paakapa Noa basa rokuva “muparidzi wokururama.” (2 Pet. 2:5) Zviri pachena kuti Noa paaiparidza aiudzawo vanhu kuti vapfidze uye aivanyevera nezvokuparadzwa kwainge kwava kuda kuitika, asi vakaisa zvimiti munzeve. Kwemakumi emakore, Noa nemhuri yake vairarama munyika yaiva nechisimba uye unzenza hwakanyanya. Jehovha zvaari Baba vane rudo, akadzivirira uye akakomborera mweya misere iyoyo yaiva yakavimbika. Jehovha paakaunza Mafashamo akaitika munyika yose, akaratidza kuti aiva nesimba pavanhu vainge vapanduka uye ngirozi dzakaipa. Chokwadi Jehovha akanga achine masimba.—Gen. 7:17-24.

Jehovha agara achiratidza kuti ndiMambo (Ona ndima 6, 8, 10, 12, 17)

UTONGI HWAJEHOVHA PASHURE PEMAFASHAMO

9. Jehovha akapa vanhu mukana wei pashure peMafashamo?

9 Noa nemhuri yake pavakabuda muareka vachiona nyika yakachena, vanofanira kunge vakaonga Jehovha nemwoyo wose nokutarisirwa uye kudzivirirwa kwavainge vaitwa. Noa akabva angovaka atari akapa zvibayiro kuti anamate Jehovha. Mwari akakomborera Noa nemhuri yake uye akavarayira kuti “berekai muwande, muzadze nyika.” (Gen. 8:20–9:1) Vanhu vainge vavazve nemukana wokunamata vakabatana uye wokuzadza nyika.

10. (a) Pashure peMafashamo, vanhu vakatangazve kupandukira Jehovha kupi uye sei? (b) Jehovha akaitei kuti ave nechokwadi chokuti kuda kwake kwaitwa?

10 Zvisinei, Mafashamo haana kubvisa kusakwana kwevanhu, uye vanhu vaitofanira kurwisana naSatani nengirozi dzakapanduka. Hazvina kutora nguva utongi hwaJehovha hwakanaka husati hwapandukirwa zvakare. Somuenzaniso, muzukuruchibvi waNoa, Nimrodhi, akapandukira utongi hwaJehovha zvakanyanyisa. Nimrodhi anonzi aiva “muvhimi ane simba airwisana naJehovha.” Akavaka maguta makuru akadai seBhabheri uye akazvigadza kuva mambo “munyika yeShinari.” (Gen. 10:8-12) Mambo wokusingagumi aizoitei namambo uyu aipandukira aida kuti chinangwa chaMwari ‘chokuzadza nyika’ chikundikane? Mwari akavhiringidza mutauro wevanhu zvikaita kuti vanhu vaNimrodhi vapararire “panyika pose.” Vakatakurana nekunamata kwavo kwenhema uye tsika yokuva neutongi hwevanhu.—Gen. 11:1-9.

11. Jehovha akaratidza sei kuti ainge akavimbika kushamwari yake Abrahamu?

11 Kunyange zvazvo vakawanda vainamata vanamwari venhema pashure peMafashamo, pane vamwe vanhu vakatendeka vakaramba vachikudza Jehovha. Mumwe wacho aiva Abrahamu uyo akabvuma kusiya upenyu hwakanaka muguta reUri akanogara mumatende kwemakore akawanda. (Gen. 11:31; VaH. 11:8, 9) Abrahamu paaitama-tama, aiwanzogara munzvimbo dzaiva nemadzimambo uye akawanda acho aigara mumaguta akavakirirwa. Asi Jehovha akadzivirira Abrahamu nemhuri yake. Munyori wepisarema akataura nezvekudzivirira  kunoita Jehovha sababa achiti: “[Mwari] haana kubvumira kuti chero munhu upi zvake avabiridzire [avadzvinyirire], asi akatsiura madzimambo nokuda kwavo.” (Pis. 105:13, 14) Jehovha akaratidza kuti ainge akavimbika kushamwari yake Abrahamu paakamuvimbisa kuti: “Madzimambo achabuda mauri.”—Gen. 17:6; Jak. 2:23.

12. Jehovha akaratidza sei kuti ndichangamire kuvaIjipiti uye izvozvo zvakabatsira sei vanhu vake?

12 Mwari akavimbisawo mwanakomana waAbrahamu Isaka uye muzukuru wake Jakobho kuti aizovakomborera nokuita kuti madzimambo abve muvana vavo. (Gen. 26:3-5; 35:11) Zvisinei, vana vaJakobho vasati vava madzimambo, vakava varanda muIjipiti. Izvi zvaireva here kuti Jehovha aisazozadzisa vimbiso yake kana kuti ainge aramba kuva changamire panyika? Kana! Panguva yake yakakodzera, Jehovha akaratidza simba rake uye uchangamire hwake kuna Farao ainge akaoma musoro. VaIsraeri vakavimba naJehovha, uye akavanunura zvinoshamisa chaizvo pavakayambuka Gungwa Dzvuku. Zviri pachena kuti Jehovha ainge achiri Changamire wezvinhu zvose, uye saBaba vane hanya nevana vavo, akashandisa simba rake guru kuvadzivirira.—Verenga Eksodho 14:13, 14.

JEHOVHA ANOVA MAMBO WEVAISRAERI

13, 14. (a) VaIsraeri vakaimba kuti chii nezveUmambo hwaJehovha? (b) Mwari akavimbisei Dhavhidhi panyaya yeumambo?

13 VaIsraeri vachangonunurwa zvinoshamisa muIjipiti, vakaimba rwiyo rwokukunda vachirumbidza Jehovha. Rwiyo irworwo rwuri muchitsauko 15 chaEksodho uye rwunosanganisira mashoko ari mundima 18 okuti: “Jehovha achava mambo nokusingagumi kunyange nokusingaperi.” Zvechokwadi, Jehovha akava Mambo parudzi rwacho rutsva. (Dheut. 33:5) Zvisinei, vaIsraeri havana kugutsikana nokutongwa naJehovha, Mutongi wavaisaona. Makore anenge 400 vabuda muIjipiti, vakakumbira Mwari kuti avagadzire mambo sezvainge zvakaita vahedheni vavainge vakavakidzana navo. (1 Sam. 8:5) Pasinei neizvi, Jehovha ainge achiri Mambo uye izvozvo zvakava pachena munguva yaitonga Dhavhidhi, mambo wechipiri wevaIsraeri.

14 Dhavhidhi akaunza areka yesungano kuJerusarema. Panguva iyi yaifadza chaizvo, vaRevhi vakaimba rwiyo rwokurumbidza  rwaiva nemashoko anokosha ari pana 1 Makoronike 16:31 okuti: “Ngavati pakati pemarudzi, ‘Jehovha ava mambo!’” Asi tingabvunza kuti, ‘Jehovha zvaari Mambo asingagumi, nei zvichinzi akava Mambo panguva iyoyo?’ Jehovha anova Mambo paanoratidza utongi hwake kana kuti paanogadza umambo kuti humumiririre kana kuti hugadzirise zvimwe zvinhu. Pfungwa iyi youtongi hwaJehovha inokosha chaizvo. Dhavhidhi asati afa, Jehovha akamuvimbisa kuti umambo hwake hwaisazoguma achiti: “Ndichamutsa mwana wako anokutevera, achabuda mukati mako; uye chokwadi ndichasimbisa umambo hwake kwazvo.” (2 Sam. 7:12, 13) “Mwana” uyu waDhavhidhi akazoonekwa papera makore anopfuura 1 000. Mwana wacho aiva ani uye aizova Mambo riini?

JEHOVHA ANOGADZA MAMBO MUTSVA

15, 16. Jesu akazodzwa riini kuti azova Mambo, uye paaiva panyika akaita urongwa hupi hwaiva nechokuita noUmambo hwake?

15 Mugore ra29 C.E., Johani Mubhabhatidzi akatanga kuparidza kuti “umambo hwokumatenga [hwainge] hwaswedera pedyo.” (Mat. 3:2) Jesu paakabhabhatidzwa naJohani, Jehovha akamuzodza kuti ave Mesiya akapikirwa uye kuti azova Mambo woUmambo hwaMwari. Jehovha akaratidza kuda kwaaiita Jesu nemashoko okuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.”—Mat. 3:17.

16 Muushumiri hwake hwose, Jesu akakudza Baba vake. (Joh. 17:4) Akaita izvi nokuparidza nezveUmambo hwaMwari. (Ruka 4:43) Akatodzidzisawo vateveri vake kunyengeterera kuti Umambo ihwohwo huuye. (Mat. 6:10) SaMambo ainge asarudzwa, Jesu aigona kuudza vaimupikisa kuti: “Umambo hwaMwari huri pakati penyu.” (Ruka 17:21) Usiku hwokupedzisira asati aurayiwa, Jesu akaita “sungano youmambo” nevateveri vake. Paakaita izvozvo akapa vamwe vadzidzi vake vakatendeka mukana wokuzotonga naye muUmambo hwaMwari.—Verenga Ruka 22:28-30.

17. Muna 33 C.E., Jesu akatanga kutonga pakuti kudii asi aifanira kumirirei?

17 Jesu aizotanga riini kutonga saMambo woUmambo hwaMwari? Zvaisaita kuti abve angotanga kutonga ipapo ipapo. Masikati akatevera, Jesu akaurayiwa uye vateveri vake vakapararira. (Joh. 16:32) Zvisinei, Jehovha akangoramba ari Changamire sezvaagara ari. Pazuva rechitatu, akamutsa Mwanakomana wake uye pazuva rePendekosti ya33 C.E., Jesu akava mambo paungano yechiKristu yehama dzake dzakazodzwa. (VaK. 1:13) Asi Jesu aifanira kumirira kuti azonyatsova mambo panyika yose ‘semwana’ akapikirwa. Jehovha akaudza Mwanakomana wake kuti: “Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.”—Pis. 110:1.

NAMATA MAMBO ASINGAGUMI

18, 19. Tinonzwa tichida kuitei uye tichadzidzei munyaya inotevera?

18 Kwezviuru zvemakore, utongi hwaJehovha hwakapandukirwa nengirozi uye nevanhu. Asi Jehovha akaramba ari changamire uye aine masimba. SaBaba vane rudo, akadzivirira uye akatarisira vanhu vakavimbika vakadai saNoa, Abrahamu uye Dhavhidhi. Izvi hazviiti kuti tinzwe tichida kuzviisa pasi paMambo wedu uye kuswedera pedyo naye here?

19 Asi iye zvino tingabvunza kuti: Jehovha akava Mambo pakuti kudii mazuva ano? Tingaratidza sei kuti tinozviisa pasi poUmambo hwaJehovha uye tova vanakomana vakakwana mumhuri yake inobatanidza zvisikwa zvokudenga nepanyika? Patinonyengeterera kuti Umambo hwaMwari huuye, tinenge tichirevei? Mibvunzo iyi ichapindurwa munyaya inotevera.