NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA April 2014

Magazini inotaura kuti tingava sei nokutenda sekwaiva naMosesi. Jehovha anoona sei basa rokuriritira mhuri uye anotibatsira sei kuti tiriite?

Tevedzera Kutenda kwaMosesi

Kutenda kwakabatsira sei Mosesi kuti arambe zvido zvenyama uye kuti akoshese ropafadzo dzaaiva nadzo? Nei Mosesi “akaramba akatarira kuripwa kwomubayiro”?

Unoona “Uyo Asingaoneki” Here?

Kutenda kwaiva naMosesi kwakamubatsira sei kuti asatya vanhu uye kuti atende zvainge zvavimbiswa naMwari? Simbisa kutenda kwako kuti uite seuri kutoona Jehovha uyo anoda kukubatsira.

NYAYA YEUPENYU

Kwandasvitswa Nebasa Renguva Yakazara

Ona kuti nei Robert Wallen achitaura kuti akava neupenyu hunogutsa uye hune chinangwa mumakore 65 aave ari mubasa renguva yakazara.

Hapana Munhu Anogona Kushandira Vanatenzi Vaviri

Vamwe vakaenda kunze kwenyika kuti vawane mari yakawanda. Kushandira kunze kwenyika kunokanganisa sei muchato wako, vana, uye ukama hwako naMwari?

Iva Akashinga Kwazvo—Jehovha Ndiye Mubatsiri Wako!

Vamwe baba vakagadzirisa sei ukama hwavo nemhuri yavo pashure pokunge vamboshanda kunze kwenyika? Jehovha akavabatsira sei kuti variritire mhuri yavo munyika ine upfumi hwakaderera?

Unonzwisisa Here Kuti Nei Jehovha Achititarisa?

Funga nzira shanu idzo Mwari anoratidza nadzo kuti ane hanya nesu uye kuti tinobatsirwa sei nokutitarisa kwaanoita.

Waizviziva Here?

Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, kubvarura kwaiita munhu nguo dzake kwairatidzei?