Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Zvakakodzera here kuti chitunha chomuKristu chipiswe?

MuMagwaro hapana panorambidzwa tsika yokupisa zvitunha.

Pane dzimwe nyaya dzomuBhaibheri dzinotaura nezvekupiswa kwakaitwa mapfupa evanhu kana kuti zvitunha. (Josh. 7:25; 2 Mak. 34:4, 5) Izvi zvingava zvairatidza kuti vanhu ivavo vainge vasina kukodzera kuvigwa zvakanaka. Asi hazvirevi hazvo kuti munhu wose aipiswa ainge asina kukodzera kuvigwa zvakanaka.

Izvozvo tinozviona pakafa Mambo Sauro nevanakomana vake vatatu. Vose vari vana vakafira muhondo pavairwa nevaFiristiya. Mumwe wevanakomana vacho aiva Jonatani, shamwari yaDhavhidhi yepamwoyo iyo yaiva yakavimbika kwaari. Varume vechiIsraeri vainge vakashinga vokuJabheshi-giriyedhi pavakaziva zvainge zvaitika, vakanotora zvitunha zvacho zviri zvina, vakazvipisa uye vakaviga mapfupa acho. Dhavhidhi akazorumbidza vaIsraeri ivavo nezvavakaita.—1 Sam. 31:2, 8-13; 2 Sam. 2:4-6.

Magwaro anoratidza kuti vakafa vachamutswa, kureva kuti Mwari achaita kuti munhu ave mupenyu zvekare. Jehovha anokwanisa kuita kuti munhu akafa ave mupenyu zvekare ava nemuviri mutsva pasinei nokuti chitunha chake chakaita zvokupiswa here kana kuti kwete. VaHebheru vatatu vaiva vakatendeka havana kutya kuti Mwari aizotadza kuvamutsa kana vaizokandwa muvira romoto voparara sezvakanga zvarayirwa naMambo Nebhukadhinezari. (Dhan. 3:16-18) Vashumiri vaJehovha vakatendeka vaiva mumisasa yevasungwa yeNazi havanawo kutya kuurayiwa uye kuzopiswa. Kunewo vashumiri vaMwari vakatendeka vakawanda vakafa pakaputika mabhomba kana kuti vakafa zvokubva vatotsakatika. Kunyange zvakadaro, vanhu ivavo vachatomutswa.—Zvak. 20:13.

Jehovha haafaniri hake kutanga ambobatanidza-batanidza nhengo dzemuviri womunhu kuti azokwanisa kumumutsa. Izvozvo zvinooneka pakumutsa kwaanoita vaKristu vakazodzwa vachienda kudenga. Kungofanana naJesu ‘akaitwa mupenyu mumudzimu,’ vaKristu vakazodzwa vanomutswa vari ivo pachavo asi vava nemiviri yakaita seyengirozi. Havaendi kudenga nemuviri wenyama wavaiva nawo.—1 Pet. 3:18; 1 VaK. 15:42-53; 1 Joh. 3:2.

Tariro yedu yokuti vakafa vachamutswa haibvi pakuti zvitunha zvavo zvakaita zvokupiswa here kana kuti kwete asi inobva pakuti tine kutenda kuti Mwari anokwanisa kuvamutsa uye ane chido chokuzadzisa zvaakavimbisa. (Mab. 24:15) Ichokwadi kuti tingasanyatsonzwisisa kuti Mwari akamutsa sei vanhu vekare uye kuti achazviita sei mune remangwana. Asi tinovimba kuti achazviita. Kumutsa kwaakaita Jesu kunotova “vimbiso” yokuti achamutsa vakafa.—Mab. 17:31; Ruka 24:2, 3.

Saka vaKristu vanofanira kufunga nezvetsika dzekwavanogara, manzwiro evanhu, uye mitemo yekwavo pakuona kuti voita sei nezvitunha. (2 VaK. 6:3, 4) Zvinosiyirwa kumhuri yomufi kuti isarudze kuti yopisa chitunha here kana kuti kwete.