NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA February 2015

Magazini ino ine nyaya dzokudzidza vhiki inotanga naApril 6 kusvika May 3, 2015.

Chipo Chakapiwa Vanhu vokuJapan

Kabhuku katsva kanonzi Bhaibheri—Evhangeri yaMateu kakabudiswa kuJapan. Zvii zviri mukabhuku aka? Nei kakanyorwa?

Tevedzera Kuzvininipisa Uye Unyoro hwaJesu

Pana 1 Petro 2:21 tinokurudzirwa kunyatsotevera tsoka dzaJesu. Tingakwanisa sei kutevedzera kuzvininipisa uye unyoro zvaiva naJesu kunyange zvazvo tiri vanhu vanotadza?

Tevedzera Jesu Pakuva Neushingi Uye Anonzwisisa

Nhoroondo iri muBhaibheri inotibatsira kuziva zvakaita Jesu. Funga kuti tinganyatsotevera sei tsoka dzake nokuva noushingi uye kunzwisisa.

Ramba Uchishingaira Muushumiri

Tinoziva kuti kuparidza mashoko akanaka ndiro basa rinokosha chaizvo panyika mazuva ano. Tingaitei kuti tiwedzere kushingaira muushumiri?

Kugadzirira Kuti Marudzi ‘Adzidziswe naJehovha’

VaKristu vepakutanga vakabudirira zvakadini pakuparidza mashoko akanaka? Chii chingangodaro chakaita kuti kuparidza kuve nyore munguva yevaKristu vepakutanga kupfuura imwe nguva?

Jehovha Ari Kutungamirira Basa Redu Rokudzidzisa Munyika Yose

Zvii zvakaitika mumakore achangopfuura zvakabatsira vashumiri vaJehovha kuparidza mashoko akanaka munyika yose?

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Chii chingaitwa kuti tibatsire hama nehanzvadzi dzinokanganiswa utano nemapefiyumu? Muparidzi woUmambo wechikadzi anofanira kufukidza musoro mumamiriro ezvinhu akaita sei?

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

“Mwaka Unokosha Chaizvo”

Zion’s Watch Tower yakataura nezvenguva yeChirangaridzo chorufu rwaKristu ichiti “mwaka unokosha chaizvo” uye yakakurudzira vaverengi kuti vachiyeuke. Chirangaridzo chaiyeukwa sei kare?