NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA August 2015

Magazini ino ine nyaya dzichadzidzwa kubva musi wa28 September kusvika 25 October, 2015.

NYAYA YEUPENYU

“Zvitsuwa Zvizhinji Ngazvifare”

Verenga nyaya youpenyu yaGeoffrey Jackson, uyo ari muDare Rinodzora.

Fungisisa Nezverudo rwaJehovha Rwusingaperi

Ungava sei nechokwadi chokuti Jehovha anewe kunyange paunenge uri mumatambudziko?

Ramba Wakamirira!

Tine zvikonzero zviviri zvinoita kuti tirambe takamirira kuguma kwenyika ino yakaipa.

Gadzirira Iye Zvino Kuzorarama Munyika Itsva

Vanhu vaMwari vakafanana nevanhu vanenge vachironga kutamira kune imwe nyika.

Ngwarira Shamwari Dzakaipa Mumazuva Ano Okupedzisira

Shamwari dzako hadzisi vanhu vaya vaunopedza nguva navo chete.

Zvatinodzidza Kuna Joana

Zvii zvaaifanira kugadzirisa muupenyu hwake kuti akwanise kutevera Jesu?

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

“Jehovha Akakuunzai kuFrance Kuti Muzodzidza Chokwadi”

Chibvumirano chakaitwa neFrance nePoland muna 1919 chakaita kuti pave nemhedzisiro yakanaka.