Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Hana Yako Inokutungamirira Zvakanaka Here?

Hana Yako Inokutungamirira Zvakanaka Here?

“Vavariro yomurayiro uyu rudo runobva mumwoyo wakachena nomuhana yakanaka.”—1 TIM. 1:5.

NZIYO: 57, 48

1, 2. Ndiani akatipa hana, uye nei tichifanira kutenda chipo ichi?

JEHOVHA MWARI akasika vanhu vaine rusununguko rwokusarudza zvavanoda. Akapa murume nemukadzi vokutanga hana, iyo yaizovaudza kuti zvakanaka uye zvakaipa ndezvipi. Kana hana ikashandiswa nemazvo, inogona kutibatsira kuita zvakanaka, torega kuita zvakaipa. Saka kupiwa kwatakaitwa hana kunoratidza kuti Jehovha anotida uye anoda kuti vanhu vose vabatane vachiita zvakanaka.

2 Mazuva ano vanhu vachiri kutungamirirwa nehana. (Verenga VaRoma 2:14, 15.) Vanhu vakawanda vari munyika vanoita zvakaipa, asi kune vamwe vanoita zvakanaka uye vanotosema zvakaipa. Hana yavo inorova pavanenge vava kuda kuita zvakaipa. Fungidzira kuti zvinhu zvaizowedzera kuipa zvakadini munyika kudai vanhu vasina hana. Zvinhu zvaizodai zvakatonyanya kuipa kupfuura zvazviri iye zvino. Saka tinotenda chaizvo kuti Jehovha akatipa hana.

3. Kuva nehana yakadzidziswa kunobatsira sei muungano yechiKristu?

3 Kusiyana nevanhu vari munyika, vashumiri vaJehovha vanodzidzisa hana dzavo. Vanoda kuti zvavanoudzwa nehana dzavo zvienderane nezvinonzi neShoko raMwari zvakanaka kana kuti zvakaipa. MuKristu ane hana yakanyatsodzidziswa anobatsira kuti ungano ibatane. Asi kuti tidzidzise hana yedu uye kuti tiishandise, hatifaniri kungogumira pakuziva zvinotaurwa neBhaibheri. Tinofanira kuda mitemo yaMwari uye kuva nokutenda kuti mitemo iyoyo yakatinakira. Pauro akanyora kuti: “Vavariro yomurayiro uyu rudo runobva mumwoyo wakachena nomuhana yakanaka nepakutenda kusina unyengeri.” (1 Tim. 1:5) Patinodzidzisa hana yedu toteerera zvainotiudza, tinowedzera kuda Jehovha uye kutenda kwedu kunosimba. Mashandisiro atinoita hana yedu anonyatsoratidza kuti ushamwari hwedu naJehovha hwakasimba zvakadini. Anoratidzawo zvakaita mwoyo wedu uye kuti tinoda kufadza Jehovha zvakadini. Chokwadi hana yedu inonyatsoratidza zvatiri chaizvo.

4. Tingadzidzisa sei hana yedu?

4 Asi tingadzidzisa sei hana yedu? Zvinokosha chaizvo kuti tigare tichidzidza Bhaibheri, tofungisisa zvatinoverenga uye tokumbira Jehovha kuti atibatsire kuita zvatinenge tadzidza. Zviri pachena kuti hatifaniri kungogumira pakuziva chokwadi uye kuziva mitemo. Kudzidza Bhaibheri kunofanira kutibatsira kuti tiwedzere kuziva kuti Jehovha ndiMwari akaita sei, uye kuti zvinhu zvipi zvaanoda nezvaasingadi. Kana tikaita izvozvo, hana yedu inotanga kutiudza zvinhu zvinoenderana nezvinodiwa naJehovha Mwari. Patinoramba tichidzidzisa hana yedu, tichapedzisira tava nemafungiro akafanana neaJehovha.

5. Tichakurukurei munyaya ino?

5 Asi hana yakanyatsodzidziswa ingatibatsira sei pakusarudza? Tingaremekedza sei zvinenge zvasarudzwa nevamwe vaKristu vachitungamirirwa nehana dzavo? Uye hana yedu ingatibatsira sei kuita mabasa akanaka? Tichifunga nezvemibvunzo iyoyo, ngationei kuti hana yedu ingatibatsira sei pazvinhu zvitatu zvinoti: (1) utano, (2) zvinotivaraidza, uye (3) ushumiri.

IVA MUNHU ANONZWISISA

6. Inyaya ipi inowanzobvunzwa nevamwe pavanenge vachida kusarudza zvokuita?

6 Bhaibheri rinotaura kuti hatifaniri kuita zvinhu zvinokanganisa utano hwedu uye kuti tinofanira kuva nemwero pazvinhu zvakadai sokudya nokunwa. (Zvir. 23:20; 2 VaK. 7:1) Kunyange zvazvo tichikwegura uye tichirwara, tinogona kuva neutano huri nani kana tikateerera mazano ari muBhaibheri. Munyika dzakasiyana-siyana munowanika mishonga yagara ichizivikanwa kuti inoshandiswa pakurapa uye mimwewo isinganyanyi kuzivikanwa asi ichigona kushandiswa kutsiva mishonga iyoyo. Mahofisi emapazi anogara achigamuchira tsamba dzinobva kuhama nehanzvadzi dzichibvunza nezvemarapirwo akasiyana-siyana. Vakawanda vanobvunza kuti, “Mushumiri waJehovha anofanira kurapwa nenzira ipi?”

7. Tingasarudza sei panyaya dzokurapwa?

7 Hofisi yebazi kana kuti vakuru vari muungano havasarudziri mumwe muKristu zvokuita panyaya yokurapwa, kunyange akakumbira kuti vamusarudzire. (VaG. 6:5) Asi vanogona kumubatsira kuona zvinotaurwa naJehovha uye izvozvo zvichamubatsira kusarudza zvakanaka. Somuenzaniso, muKristu anofanira kuyeuka murayiro womuBhaibheri wokuti ‘arambe achirega . . . ropa.’ (Mab. 15:29) Izvozvo zvinoreva kuti haatombobvumi kuwedzerwa ropa kana kuti chero chimwe chezvikamu zvaro zvina zvikuru. Kuziva izvozvo kunogonawo kubatsira muKristu pakusarudza kuti obvuma here kana kuti orega kurapwa pachishandiswa zvikamu zviduku zvakabviswa muzvikamu zvina zvikuru zveropa. * Asi ndeapi mamwe mazano eBhaibheri angatibatsira pakusarudza nzira dzokurapwa nadzo?

8. VaFiripi 4:5 inotibatsira sei panyaya dzoutano?

8 Zvirevo 14:15 inoti: “Munhu asina zivo anongotenda mashoko ose, asi munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.” Mazuva ano, kune zvimwe zvirwere zvisati zvawanirwa mishonga. Saka tinofanira kungwarira patinonzwa nezvemishonga inonzi inorapa chaizvo asi pasina uchapupu hunoratidza izvozvo. Pauro akafemerwa kunyora kuti: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vose.” (VaF. 4:5) Kuva vanhu vanonzwisisa kunotibatsirawo kuti tisanyanya kukoshesa nyaya dzoutano zvokuti tinopedzisira tasara nenguva shoma yokuita zvinhu zvokunamata. Kana tikanyanya kukoshesa nyaya dzoutano muupenyu hwedu, tinopedzisira tava kungofunga zvakatinakira. (VaF. 2:4) Kushumira Jehovha ndiko kunonyanya kukosha, saka tinofanira kuziva pokugumira panyaya dzine chokuita noutano.—Verenga VaFiripi 1:10.

Unomanikidza vamwe kuti vave nemaonero akafanana neako here? (Ona ndima 9)

9. VaRoma 14:13, 19 inotibatsira sei kusarudza panyaya dzoutano, uye kubatana kwedu kungakanganiswa sei?

9 MuKristu anonzwisisa haamanikidzi vamwe kuti vave nemaonero akafanana neake. Mune imwe nyika yokuEurope, mumwe murume nemudzimai vaibva vatoiita zvokushingaira kukurudzira vamwe kuti vatevedzere purogiramu yavo yekudya uye kuti vashandise imwe mhando yemapiritsi kuvandudza utano hwavo. Vakanyengetedza dzimwe hama dzikabvuma kushandisa mapiritsi iwayo, asi dzimwe dzakaramba. Mapiritsi acho paakaramba kushanda, vakawanda havana kufara nazvo. Murume nomudzimai ava vaiva nekodzero yokuzvisarudzira voga zvavanoda kudya kana kuti mapiritsi avanoda kushandisa kuti vavandudze utano hwavo. Asi zvaiva zvakakodzera here kuti vakanganise kubatana kweungano nenyaya youtano? VaKristu vaiva muRoma vaimbova nemaonero akasiyana panyaya yezvokudya uye yokuchengeta mamwe mazuva. Pauro akavapa zano rokutii? Paaitaura nezvenyaya yokuchengeta mazuva, akati: “Mumwe munhu anoti rimwe zuva rinopfuura rimwe; mumwe munhu anoti rimwe zuva rakafanana nemamwe ose; munhu mumwe nomumwe ngaave nechokwadi kwazvo mupfungwa dzake.” Zvaikosha chaizvo kuti varege kugumbura vamwe.—Verenga VaRoma 14:5, 13, 15, 19, 20.

10. Nei tichifanira kuremekedza zvinenge zvasarudzwa nevamwe? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

10 Kana tikasanzwisisa kuti nei hana yomumwe muKristu yamubvumira kana kuti yamurambidza kuita chimwe chinhu, hatifaniri kubva tatomutonga kana kumumanikidza kuti achinje zvaanenge asarudza. Zvimwe hana yake haisati ‘yasimba’ uye ichiri kuda kudzidziswa, kana kuti inokurumidza kugumburwa nezvimwe zvinhu. (1 VaK. 8:11, 12) Asi pamwe pacho ndisu tinenge tichifanira kuongorora hana yedu, iyo inogona kunge ichiri kuda kudzidziswa kuti iite zvinoenderana nezvinodiwa naMwari. Panyaya dzine chokuita noutano, mumwe nemumwe wedu anofanira kuzvisarudzira zvaanoda uye hapana anofanira kuzopa mumwe munhu mhosva kana paine zvinenge zvaitika.

VARAIDZWA NEZVINHU ZVINOVAKA

11, 12. Pakusarudza zvokuvaraidzwa nazvo, izano ripi remuBhaibheri ratinofanira kufunga nezvaro?

11 Jehovha akatisika tichikwanisa kunakidzwa nezvinhu zvinovaraidza. Soromoni akanyora kuti pane “nguva yokuseka” uye “nguva yokusvetuka-svetuka.” (Mup. 3:4) Asi hazvisi zvinhu zvose zvinovaraidza zvinobatsira, kana kuti zvinozorodza; uyewo hazvina kunaka kuti tipedze nguva yakawanda tichiita zvinhu izvozvo. Hana yedu ingatibatsira sei kuti tinakidzwe nevaraidzo yakanaka?

12 Magwaro anotinyevera kuti tisaita “mabasa enyama.” Mabasa iwayo anosanganisira “ufeve, kusachena, kusazvibata, kunamata zvidhori, tsika yokuita zvemidzimu, kuvengana, kupopotedzana, godo, kufufutirwa nehasha, kukakavadzana, kupesana, kuita tumapoka, shanje, kunwira kudhakwa, mitambo yemafaro akanyanyisa, nezvinhu zvakaita seizvi.” Pauro akanyora kuti vanhu “vane tsika yokuita zvinhu zvakadai havazogari nhaka youmambo hwaMwari.” (VaG. 5:19-21) Saka tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Hana yangu inondibatsira here kudzivisa mitambo inoda zvembabvu, yemakwikwi, kana kuti inoita kuti ndipedzisire ndava kudada nenyika yangu? Hana yangu inondinyevera here pandinosangana nomuedzo wokuona firimu rinoratidza zvinonyadzisira kana kuti rinokurudzira unzenza, udhakwa uye zvemidzimu?’

13. Mashoko ari pana 1 Timoti 4:8 uye Zvirevo 13:20 anotibatsira sei pakusarudza zvinotivaraidza?

13 Bhaibheri rinewo mazano anogona kutibatsira kudzidzisa hana yedu panyaya yevaraidzo. Rimwe zano nderokuti “kurovedza muviri kunobatsira zvishoma.” (1 Tim. 4:8) Vakawanda vakaona kuti kugara uchirovedza muviri kunoita kuti uve noutano hwakanaka uye kunoita kuti muviri nepfungwa zvishande zvakanaka. Ko kana uchida kusimbisa muviri uine vamwe vanhu, unofanira kungotora munhu wose wose here? Zvirevo 13:20 inoti: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.” Saka zvinokosha kuti titungamirirwe nehana yedu yakadzidziswa neBhaibheri pakusarudza varaidzo.

14. Imwe mhuri yakashandisa sei mazano ari pana VaRoma 14:2-4?

14 Christian naDaniela vane vanasikana vavo vaviri. Christian anoti: “Mamwe manheru pataiita Kunamata Kwemhuri, takakurukura nezvevaraidzo. Takaona kuti kune dzimwe nzira dzokunakidzwa nadzo dzakanaka asi kunewo dzimwe dzakaipa. Ndevapi vanhu vatingati ishamwari dzakanaka? Mumwe mwanasikana wedu akataura kuti pavanenge vari panguva yokuzorora kuchikoro, zvimwe Zvapupu zvinoita zvinhu zvaanoona sokuti hazvina kunaka. Akataura kuti ainzwa achida kuitawo zvavaiita. Takakurukura kuti mumwe nomumwe wedu ane hana, uye hana iyoyo inofanira kumutungamirira pakusarudza zvokuita uye vanhu vaanoita navo zvinhu izvozvo.”—Verenga VaRoma 14:2-4.

Hana yakadzidziswa neBhaibheri inogona kukubatsira kuti usaita zvakaipa (Ona ndima 14)

15. Mashoko ari pana Mateu 6:33 angatibatsira sei patinenge tichironga kuita zvinhu zvinotivaraidza?

15 Chimwewo chatinofanira kufunga nezvacho inguva yatinopedza tichiita zvinhu zvinotivaraidza. Unoita kuti zvinhu zvokunamata zvakadai sokupinda misangano, kuparidza uye kudzidza Bhaibheri zvive pokutanga muupenyu hwako here, kana kuti unoita kuti varaidzo ive pokutanga? Chii chaunonyanya kukoshesa? Jesu akati: “Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mat. 6:33) Hana yako inokubatsira kuteerera zano raJesu here?

KUITA MABASA AKANAKA

16. Hana yedu inogona kutibatsira sei panyaya yokuparidza?

16 Hana yakanaka haingogumiri pakutinyevera kuti tisaita zvakaipa. Inoitawo kuti tide kuita mabasa akanaka. Rimwe remabasa iwayo nderokuparidza paimba neimba uye kuparidza zvisina kurongwa. Hana yaPauro yakamubatsira kuita izvozvo. Akanyora kuti: “Ndinofanira kuzviita. Chokwadi, ndine nhamo kana ndikasazivisa mashoko akanaka!” (1 VaK. 9:16) Patinotevedzera Pauro, hana yedu ichatiudza kuti tiri kuita zvakanaka. Uye patinoparidza mashoko akanaka, tinobatsirawo vamwe kuti hana dzavo dziite zvinoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri. Pauro akati: “Tinoita kuti chokwadi chive pachena uye tinoratidza pachena kuti tiri muenzaniso wakanaka kuhana yomunhu wose pamberi paMwari.”—2 VaK. 4:2.

17. Imwe hanzvadzi yechiduku yakateerera sei zvayaiudzwa nehana yayo?

17 Jacqueline paaiva nemakore 16, aiita chidzidzo chebiology kuchikoro uye vakatsanangurirwa nezvedzidziso yokuti zvinhu zvakaita zvokushanduka-shanduka. Jacqueline anoti, “Paikurukurwa nyaya iyi mukirasi, hana yangu yaindirambidza kuti ndipindurewo kakawanda sezvandaiita pataidzidza zvimwe zvinhu. Zvaindiremera kuti nditsigire dzidziso yokushanduka-shanduka. Ndakaenda kumudzidzisi wangu ndikamuudza zvandaitenda panyaya iyi. Ndakashamiswa kuti ainge akasununguka pandaitaura naye uye akandipa mukana wokuti nditaure pamberi pekirasi yose nezvokuti zvinhu zvakaita zvokusikwa.” Jacqueline akafara chaizvo nokuti akaita zvaaiudzwa nehana yake yakadzidziswa neBhaibheri. Hana yako inokubatsirawo here kuti uite mabasa akanaka?

18. Nei zvichikosha kuti tive nehana yakanaka yatinogona kuvimba nayo?

18 Chinangwa chedu ndechokuti upenyu hwedu hunyatsoenderana nezvinodiwa naJehovha. Hana yedu inogona kutibatsira chaizvo kuti tiite izvozvo. Kana tikagara tichidzidza Shoko raMwari, tichifungisisa zvatinoverenga uye toedza kuzvishandisa, tinenge tichitodzidzisa hana yedu kuti ishande zvakanaka. Kana tikadaro, hana yedu ichatitungamirira zvakanaka muupenyu hwedu sevaKristu.

^ ndima 7 Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaJune 15, 2004, mapeji 29-31.