Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidzisai Mwana Wenyu Muduku Kuti Ashumire Jehovha

Dzidzisai Mwana Wenyu Muduku Kuti Ashumire Jehovha

“Munhu waMwari wechokwadi . . . ngaauyezve kwatiri atirayiridze zvatinofanira kuitira mwana achaberekwa.”—VAT. 13:8.

NZIYO: 88, 120

1. Manoa akaita sei paakanzwa kuti aizova nemwana?

MANOA ainyatsoziva kuti mudzimai wake akanga asina mbereko. Saka anofanira kunge akashamiswa chaizvo nemashoko aakaudzwa nemudzimai wake. Ngirozi yaJehovha yakanga yauya kumudzimai waManoa ikamuudza zvinhu zvaaifunga kuti zvaisazombofa zvakaitika. Iye nemurume wake vaizova nemwanakomana. Zviri pachena kuti Manoa akafara chaizvo, asi aizivawo kuti akanga ava nebasa rakakura raaizoita. Iye nemudzimai wake vaigara munyika yainge yakazara uipi, saka vaizokwanisa sei kurera mwanakomana wavo kuti ashumire Mwari? “Manoa akatanga kuteterera Jehovha.” Akati: “Munhu waMwari wechokwadi wamuchangobva kutuma, ndapota, ngaauyezve kwatiri atirayiridze zvatinofanira kuitira mwana achaberekwa.”—Vat. 13:1-8.

2. Kudzidzisa mwana wako kunosanganisirei? (Onawo bhokisi rakanzi “ Vanhu Vanonyanya Kukosha Vokudzidza Navo Bhaibheri.”)

2 Kana uri mubereki, zvimwe unonyatsonzwisisa zvaikumbirwa naManoa. Unewo basa rinokosha rokubatsira mwana wako kuti azive Jehovha uye amude. (Zvir. 1:8) Ndokusaka vabereki vechiKristu vachironga kuti vaite Kunamata Kwemhuri kunobatsira vana vavo kuti varambe vachidzidza nezvaJehovha. Asi kuti uroverere chokwadi cheBhaibheri mumwana wako, unewo zvimwe zvaunofanira kuita. (Verenga Dheuteronomio 6:6-9.) Zvii zvimwe zvaungaita kuti uroverere chokwadi mumwoyo wemwana wako? Munyaya ino neinotevera tichaona kuti vabereki vangatevedzera sei Jesu pakudzidzisa vana vavo. Kunyange zvazvo Jesu akanga asiri mubereki, vabereki vanogona kubatsirwa nemadzidzisiro aaiita vadzidzi vake achivaratidza rudo, achizvininipisa uye achinyatsoratidza kuti aivaziva. Ngationei kuti tingatevedzera sei Jesu.

IDA MWANA WAKO

3. Jesu akaratidza sei kuti aida vadzidzi vake?

3 Jesu akanga asingazezi kuudza vadzidzi vake kuti aivada. (Verenga Johani 15:9.) Airatidzawo kuti aivada nokuti aiwana nguva yokutandara uye yokuitawo zvimwe zvinhu navo. (Mako 6:31, 32; Joh. 2:2; 21:12, 13) Jesu aisangova mudzidzisi wavo chete, asi aivawo shamwari yavo. Saka vainyatsozviona kuti aivada. Ungatevedzera sei madzidzisiro aJesu?

4. Ungaita sei kuti mwana wako azive kuti unomuda? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

4 Udza mwana wako kuti unomuda uye gara uchimuratidza kuti unomukoshesa chaizvo. (Zvir. 4:3; Tito 2:4) Samuel, uyo anogara kuAustralia anoti: “Pandakanga ndichiri muduku, baba vangu vaindiverengera Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri manheru oga oga. Vaipindura mibvunzo yandaiva nayo, uye vaizondimbundira vonditsvoda pandinenge ndava kurara. Ndakashamiswa chaizvo pandakazoziva kuti baba vangu vakakurira mumhuri yakanga isingaitwi zvokumbundirana kana zvokutsvodana. Asi vakaedza chaizvo kundiratidza rudo. Izvi zvakaita kuti ndivade chaizvo uye ndinyatsonzwa kuti ndinodiwa.” Ita kuti mwana wako anzwewo saizvozvo nokugara uchimuudza kuti “Ndinokuda.” Ratidza mwana wako kuti unomuda. Taura naye, idyai pamwe chete, uye tambai mose.

5, 6. (a) Jesu anoitei kune vaya vaanoda? (b) Tsanangura kuti kuranga vana kunovabatsira sei kuti vanzwe kuti vanodiwa.

5 Jesu akati: “Vose vandinoda kwazvo ndinovatsiura nokuvaranga.” * (Zvak. 3:19) Kunyange zvazvo vadzidzi vake vairamba vachiitisana nharo kuti ndiani aiva mukuru pakati pavo, Jesu aisavarega vakadaro asi airamba achivaruramisa. Aivatsiura panguva yakakodzera uye panzvimbo yakakodzera, achizviita nerudo.—Mako 9:33-37.

6 Ratidza kuti unoda vana vako nokuvaranga. Dzimwe nguva chinenge chichingodiwa kuudza mwana wako kuti nei kuita chimwe chinhu kwakanaka kana kuti kwakaipa. Asi zvinogona kuitika kuti mwana anotadza kuteerera zvaunomuudza. (Zvir. 22:15) Kana izvozvo zvikaitika, tevedzera zvaiita Jesu. Tsvaka nguva nenzvimbo zvakakodzera kuti umutsiure nokumururamisa uye iva nemwoyo murefu paunenge uchiita izvozvo. Imwe hanzvadzi yokuSouth Africa inonzi Elaine yakati: “Vabereki vangu vakanga vasingachinji-chinji pane zvavaitaura panyaya yokuranga. Vaindiudza kuti kana ndikaita misikanzwa vaizondiranga, uye ndizvo zvavaiita. Asi vakanga vasingandirangi vakagumbuka kana kuti vasina kundiudza zvavari kundirangira zvacho. Izvi zvaiita kuti ndinzwe kuti ndinodiwa. Ndaiziva zvandairambidzwa uye ndainzwisisa zvandaifanira kuita.”

ZVININIPISE

7, 8. (a) Jesu akaratidza sei kuti aizvininipisa paainyengetera? (b) Minyengetero yako ingadzidzisa sei vana vako kuti vavimbe naMwari?

7 Fungidzira kuti vadzidzi vaJesu vakaita sei pavakanzwa munyengetero waakapa ava kuda kusungwa uye kuurayiwa wokuti: “Abha, Baba, zvinhu zvose zvinobvira kwamuri; bvisai kapu iyi kwandiri. Asi kwete sokuda kwangu, asi sokuda kwenyu.” * (Mako 14:36) Mashoko aJesu okuteterera akabatsira vadzidzi vake kuziva kuti vaifanira kukumbira kubatsirwa naMwari nokuti Mwanakomana waMwari pachake, uyo akanga asina chivi aitonyengeterawo kuti abatsirwe naMwari.

8 Vana vako vanodzidzei paminyengetero yako? Ichokwadi kuti paunonyengetera, chinangwa chako chinenge chisiri chokungodzidzisa vana vako. Asi paunonyengetera uchizvininipisa, vanodzidza kuvimba naJehovha. Ana, uyo anogara kuBrazil akati: “Pataisangana nematambudziko akadai sekuti ambuya kana kuti sekuru varwara, vabereki vangu vainyengetera kuna Jehovha kuti avape simba rokutsungirira uye uchenjeri kuti vasarudze zvakanaka. Kunyange zvinhu pazvainyanya kuoma, vabereki vangu vaingosiyira matambudziko acho kuna Jehovha. Izvi zvakandidzidzisawo kuvimba naJehovha.” Paunonyengetera nevana vako, usangonyengeterera ivo chete. Kumbira Jehovha kuti akubatsirewo iwe pachako. Unogona kukumbira kuti akubatsire kutaura nemunhu waunoshandira kuti akupe nguva yokuti upinde gungano. Ungakumbirawo kuti Jehovha akupe ushingi hwokuparidzira muvakidzani wako kana kuti akubatsire pane zvimwewo zvinhu. Vimba naMwari, uye vana vako vachadzidzawo kuvimba naye.

9. (a) Jesu akadzidzisa sei vadzidzi vake kuti varatidze kuzvininipisa pavanoshumira vamwe? (b) Vana vako vachadzidzei paunoratidza kuti une chido chokushumira vamwe?

9 Zvaitaurwa naJesu uye zvaaiita, zvakabatsira vadzidzi vake kuti vadzidze kushumira vamwe vachizvininipisa. (Verenga Ruka 22:27.) Akavadzidzisa kuti vazvipire pabasa raJehovha uye pakubatsira vavainamata navo. Vana vako vanogonawo kudzidza kuzvipira uye kuzvininipisa kubva pane zvaunoita. Imwe hanzvadzi inonzi Debbie, ine vana vaviri inoti: “Ndaisambonzwa godo murume wangu paaimboita nguva aine vamwe vanhu achiita mabasa ake semukuru. Ndaiziva kuti kana paine zvatinenge tichida semhuri, murume wangu aitotiwanira nguva.” (1 Tim. 3:4, 5) Murume waDebbie, uyo anonzi Pranas anotiwo: “Nokufamba kwenguva vana vedu vakava nechido chokubatsirawo pamagungano uye pane mamwe mabasa ane chokuita nokunamata. Vaifara, vaiva neshamwari dzakanaka uye vainakidzwa nokuva pakati pehama nehanzvadzi dzavo.” Iye zvino mhuri yacho yose yava kushumira Jehovha mubasa renguva yakazara. Paunoratidza kuzvininipisa uye kuzvipira, vana vako vachadzidzawo kuita izvozvo.

ZIVA MWANA WAKO

10. Jesu akaratidza sei kuti aiziva zvaifungwa neboka revanhu rakauya kuzomuona?

10 Jesu aikwanisa kuziva chaiita kuti vanhu vazosarudza kuita chimwe chinhu. Pane imwe nguva, vamwe vanhu vakamunzwa achidzidzisa muGarireya vaiita sokuti vane chido chokumutevera. (Joh. 6:22-24) Asi Jesu uyo aigona kuona zviri pamwoyo akaziva kuti vanhu ava vainyanya kuda zvokudya kupfuura zvaaidzidzisa. (Joh. 2:25) Akaona chinetso chavo, akavatsiura nemwoyo murefu, uye akavaudza zvavaifanira kuita kuti vagadzirise mafungiro avo.—Verenga Johani 6:25-27.

Mwana wako anonakidzwa nekuparidza here? (Ona ndima 11)

11. (a) Taura muenzaniso unoratidza kuti kunyatsoziva mwana wako kungakubatsira sei kuona kana achinakidzwa neushumiri. (b) Ungabatsira sei mwana wako kuti anakidzwe neushumiri?

11 Kunyange zvazvo usingakwanisi kuona zviri pamwoyo wemwana wako, unokwanisa kuziva kuti anonakidzwa neushumiri here kana kuti kwete. Vabereki vakawanda vanombozorora pavanenge vari muushumiri nevana vavo kuitira kuti vambodyira-dyira. Asi unogona kuzvibvunza kuti, ‘Mwana wangu anonakidzwa nekuparidza here kana kuti anenge achingoda kudya patinombozorora?’ Kana ukaona kuti vana vako havasi kunyatsofarira ushumiri, ita zvimwe zvinhu zvinoita kuti vawedzere kunakidzwa nahwo. Unogona kuvapawo zvokuita pamunenge muchiparidza mose.

12. (a) Jesu akaratidza sei uchenjeri paakayambira vateveri vake nezveunzenza? (b) Nei yambiro yaJesu yainyatsoshanda kuvateveri vake?

12 Jesu aivawo neuchenjeri hwokuziva zvinhu zvinoita kuti munhu apedzisire aita chivi. Somuenzaniso, vateveri vake vaiziva kuti unzenza hwakaipa. Asi akavayambira nezvezvinhu zvinoita kuti munhu apedzisire aita unzenza achiti: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make. Zvino kana ziso rako rokurudyi iroro richiita kuti ugumburwe, ribvise urirasire kure newe.” (Mat. 5:27-29) Yambiro yaJesu yaishanda chaizvo kuvaKristu vaitongwa neumambo hweRoma panguva iyoyo. Mumwe munyori wenhoroondo dzekare akataura kuti vaRoma vainakidzwa nekuona mitambo yainge yakazara nevanhu vaitaura zvinonyadzisa uye vachiita zvebonde. Saka yambiro yaJesu yakanyatsoratidza kuti aida vadzidzi vake uye aiziva zvinhu zvaigona kuvatadzisa kuramba vakachena.

13, 14. Mungabatsira sei vana venyu kuti vasavaraidzwa nezvinhu zvisina kuchena?

13 Uchenjeri hunogona kukubatsirawo kuziva kuti ungadzivirira sei vana vako kuti vasakanganiswa pakunamata. Mazuva ano, kunyange vana vaduku vanogona kuva pamuedzo wokuona zvinhu zvinonyadzisira nezvimwe zvinhu zvounzenza. Ichokwadi kuti semubereki wechiKristu unofanira kuudza vana vako kuti varaidzo isina kuchena yakaipa. Asi uchenjeri huchakubatsirawo kuziva kuti mwana wako anogona kuva pamuedzo wokuda kuona kuti zvinonyadzisira zvacho zvakamboita sei. Zvibvunze kuti: ‘Chii chinogona kuita kuti mwana wangu ade kuona zvinonyadzisira? Anoziva here kuti nei kuona zvinonyadzisira kune ngozi chaizvo? Ndiri munhu anotaurika naye here zvokuti mwana wangu anogona kundiudza kana zvikaitika kuti ambonzwa achida kuona zvinonyadzisira?’ Kunyange kana vana venyu vachiri vaduku chaizvo, munogona kuvaudza kuti: “Kana zvikaitika kuti masangana nezvinonyadzisira paIndaneti monzwa muchida kuzvitarisa, uyai mozondiudza. Musanyara. Ndinoda kukubatsirai.”

14 Uchenjeri huchakubatsirawo iwe semubereki kuti usarudze zvinhu zvinokuvaraidza nekungwarira. Pranas uyo ambotaurwa nezvake akati: “Zvinhu zvatinosarudza kuvaraidzwa nazvo isu vabereki zvakadai senziyo, mafirimu kana mabhuku, ndizvo zvinopedzisira zvava kufarirwawo nevana vedu. Unogona kuudza vana vako kuti vasaita zvakati nezvakati asi vachatevedzera zvavanoona uchiita.” Kana vana venyu vachiona muchisarudza kuvaraidzwa nezvinhu zvakachena, naivowo vachasarudza kuvaraidzwa nezvinhu zvakachena.—VaR. 2:21-24.

MWARI WECHOKWADI ACHAKUNZWA

15, 16. (a) Nei uine chokwadi chokuti Mwari achakubatsira kudzidzisa vana vako? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

15 Chii chakaitika Manoa paakakumbira kubatsirwa kurera mwanakomana wake? “Mwari wechokwadi akateerera inzwi raManoa.” (Vat. 13:9) Vabereki, Jehovha achakunzwaiwo. Achapindura minyengetero yenyu uye achakubatsirai kudzidzisa vana venyu. Muchabudirira kuita izvi kana mukaratidza rudo, kuzvininipisa uye kana mukaratidza kuti munonyatsoziva vana venyu.

16 Jehovha anobatsira vabereki kuti vabudirire kudzidzisa vana vavo vaduku. Anobatsirawo vabereki kuti vakwanise kudzidzisa vana vavo vari kuyaruka. Nyaya inotevera ichataura kuti mungatevedzera sei Jesu pakuratidza rudo, kuzvininipisa uye uchenjeri pamunenge muchibatsira mwana wenyu ari kuyaruka kuti ashumire Jehovha.

^ ndima 5 MuBhaibheri, kuranga kunogona kureva kurayira, kudzidzisa, kutsiura uye dzimwe nguva kutorwadzisa anenge aita zvakaipa kuti asazozviitazve. Asi mubereki haafaniri kuranga vana akagumbuka.

^ ndima 7 Bhuku rinonzi The International Standard Bible Encyclopedia rinoti: “Mumutauro waitaurwa nevanhu vomunguva yaJesu, shoko rokuti ʼabbāʼ rainyanya kushandiswa kuratidza rudo uye ruremekedzo rwaipiwa vanababa nevana vavo.”