NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA December 2015

Magazini ino ine nyaya dzichadzidzwa kubva musi wa1 February kusvika 28 February, 2016.

Unoyeuka Here?

Mibvunzo iyi ichakubatsira kuona kana uchiri kuyeuka nyaya dziri mumagazini eNharireyomurindi aJune kusvika kuna December 2015.

Jehovha ndiMwari Anotaura Nevashumiri Vake

Kushandisa kunoita Mwari mitauro yakasiyana-siyana kutaura nevanhu kunotidzidzisa chimwe chinhu chinokosha nezvake.

Shanduro Inoratidza Kuti Shoko raMwari Ibenyu

Zvinhu zvitatu zvaifungwa nezvazvo neKomiti Inoshandura Bhaibheri reNyika Itsva pakushandura.

Shandisa Rurimi Rwako Zvakanaka

Ungatevedzera sei Jesu pakuziva nguva yekutaura, pakusarudza mashoko akakodzera uye pakutaura zvine nyasha?

Jehovha Achakutsigira

Tinofanira kuona sei nyaya yokurwara? Tingaita sei kana tikarwara?

NYAYA YEUPENYU

Ndava Neushamwari naMwari Uye Naamai Vangu

Michiyo Kumagai paakarega kunamata madzitateguru, amai vake havana kufara nazvo. Akazoita sei kuti avezve neushamwari naamai vake?

Indekisi Yenyaya dzeNharireyomurindi dza2015

Indekisi inoratidza nyaya dzinowanika muNharireyomurindi yokudzidza uye yevoruzhinji.