Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mazano Okuti Mhuri Ifare

Taura Nevana Vako Nyaya Dzebonde

Taura Nevana Vako Nyaya Dzebonde

Alicia, * achiri kuyaruka, anoti: “Dzimwe nguva ndinenge ndine zvandinoda kuziva nezvebonde, asi ndinotya kuti kana ndikabvunza vabereki vangu, vanozoona sokuti ndava kuita misikanzwa.”

Inez, amai vaAlicia vanoti: “Ndingada chaizvo kugara pasi ndotaura nomwanasikana wangu nezvebonde, asi akabatikana chaizvo noupenyu hwake. Zvakaoma kuwana nguva yaanenge akambosunungukawo.”

MAZUVA ano, nyaya dzepabonde dzava kungotaurwa pose pose, mumaterevhizheni, mumafirimu, uye mune zvokushambadzira. Zvinoita sokuti vabereki nevana ndivo chete vachiri kunyara kudzitaura. “Ndinongoti dai vabereki vaimboziva kutyisa nokunyadzisa kwazvinoita kuti titaure navo nyaya dzebonde,” anodaro mumwe achiri kuyaruka wokuCanada anonzi Michael. “Zvinotova nyore kutaura neshamwari pane mubereki.”

Kazhinji zviri kwose, vabereki vanenge vachingonyarawo kutanga nyaya dzebonde nevana vavo. Mumwe anodzidzisa nezvoutano anonzi Debra W. Haffner akanyora mubhuku rake rinonzi Beyond the Big Talk kuti: “Vabereki vakawanda vakandiudza kuti vakatengera mwana wavo bhuku rinotaura nezvebonde uye kuyaruka, vachibva varisiya mumba momwana wavo, asi havana kuzombokurukurazve nyaya yacho.” Haffner anoti vabereki pavanodaro vanenge vari kutoudza vana vavo kuti: “Tinoda kuti uzive nezvomuviri wako uye nezvebonde; kungoti hatidi kutaura newe nezvazvo.”

Kana uri mubereki, haufaniri kuva nemaonero akadaro. Chokwadi zvinokosha kuti iwe pachako utaure nevana vako nezvebonde. Ngatimbokurukurai zvikonzero zvitatu zvinoita kuti titi zvinokosha:

  1. Maonerwo ava kuitwa nyaya dzebonde munyika achinja. “Hazvichaiti kungotsanangura bonde uchiti kurara kunoita murume nomukadzi pamwe chete,” anodaro James ane makore 20. “Mazuva ano vanhu vava kunanzvana nhengo dzokubereka nadzo, kurara vose nokunobudisa tsvina, kutaura zvepabonde paindaneti kana kuti kutumirana zvepabonde pafoni.”

  2. Kazhinji vana vako vachaudzwa zvisizvo nezvebonde vachiri vaduku chaizvo. Vamwe amai vanonzi Sheila vanoti, “Vachaudzwa nezvebonde pavanongotanga kuenda kuchikoro, havazoudzwi zvaunoda kuti vazive.”

  3. Vana vako vane mibvunzo yezvebonde asi kashoma kuti vatange ivo kutaura nezvazvo. “Kutaura chokwadi handitombozivi kuti ndotangira papi kutaura nyaya dzebonde nevabereki vangu,” anodaro Ana wokuBrazil, ane makore 15.

Kutaura zvazviri, kukurukura nevana vako nyaya dzebonde nderimwe remabasa awakapiwa naMwari somubereki. (VaEfeso 6:4) Zvinonzwisisika kuti vabereki nevana munogona kunyara kutaura nyaya idzi. Asiwo pwere dzakawanda dzinobvumirana naDanielle ane makore 14 anoti: “Tinoda kuudzwa nyaya dzebonde nevabereki vedu, kwete nevadzidzisi kana kuti kuita zvokuzvionera papurogiramu yeterevhizheni.” Saka ungataura sei nevana vako nyaya iyi inokosha asi inonyadzisa? *

Vadzidzise Zvinoenderana Nezera Ravo

Vana vanotanga kunzwa nezvebonde vachiri vaduku zvikuru, kunze kwokunge vachitogara vakavharirwa. Rimwe dambudziko nderokuti “mumazuva [ano] okupedzisira,” vanhu vakaipa vari kutowedzera ‘kubva pakuipa vachienda pakuipisisa.’ (2 Timoti 3:1, 13) Zvinorwadza kuti vana vakawanda vari kushungurudzwa nevanhu vakuru panyaya dzebonde.

Saka zvinokosha kuti utange kudzidzisa vana vako vachiri vaduku chaizvo, nokuti simbi inorohwa ichapisa. Vamwe amai vokuGermany vanonzi Renate vanoti, “Kana mukamirira kusvikira vati samhu, vanogona kunge vasingachadi kutaura vakasununguka zvichikonzerwa nokuyaruka kwavanenge vaita.” Saka kuti zvifambe, zvinokosha kuudza vana zvinoenderana nezera ravo.

Zera rokuenda kukireshi:

Nyanya kutaura nezvemazita chaiwo enhengo dzokubereka nadzo, wosimbisa kuti hapana munhu anofanira kudzibata. “Ndakatanga kudzidzisa mwanakomana wangu paaiva nemakore matatu,” vanodaro vamwe amai vokuMexico vanonzi Julia. “Kungoziva kuti vanhu vanorera vana, vadzidzisi, kana kuti vana vakuru kwaari vanogona kumukuvadza kwaiita kuti ndinetseke chaizvo. Aifanira kuziva kuti angazvidzivirira sei.”

EDZA IZVI: Dzidzisa mwana wako kuti arambe zvakasimba kana mumwe munhu akaedza kutambisa nhengo dzake dzokubereka nadzo. Somuenzaniso, ungamudzidzisa kuti ati: “Rega kudaro! Ndichanokumhan’arira!” Dzidzisa mwana wako kuti anofanira kumhan’arira munhu wacho, kunyange akamuvimbisa kuti achamutengera chimwe chinhu kana kuti akamutyisidzira. *

Zera rokuenda kupuraimari:

Shandisai makore aya somukana wokuwedzera ruzivo rwomwana wenyu zvishoma nezvishoma. Vamwe baba vanonzi Peter vanokurudzira kuti, “Musati matanga kunyatsotaura, tangai mamboona zvaanotoziva, uye kuti anoda here kuziva zvimwe. Musaita zvokumumanikidza kuti mukurukure. Kana mukagara muchipedza nguva yakawanda nevana venyu vangangozonzwa vakasununguka kutaura.”

EDZA IZVI: Ivai nenguva yokumbokurukura apo neapo kwete kungotaura zvose kamwe chete. (Dheuteronomio 6:6-9) Kana mukadaro vana venyu havazofinhikani nazvo. Uyezve, pavanenge vachikura, vanenge vava kuziva zvinoenderana nezera ravo.

Zera rokuyaruka:

Iyi ndiyo nguva yokunyatsova nechokwadi chokuti mwana wako ane ruzivo rwakakwana nezvezvichaitika pamuviri wake, pfungwa uye manzwiro ake panyaya dzebonde. Musikana ambotaurwa nezvake anonzi Ana anoti, “Vakomana nevasikana vokuchikoro kwangu vava kutorara vose zvokungofara havo. Ndinofunga kuti somuKristu, ndinofanira kuva noruzivo rwakanyatsokwana nezvenyaya yacho. Kunyange zvazvo nyaya yebonde ichinyadzisa kutaura nezvayo, inyaya yandinofanira kuziva.” *

Zvokungwarira: Vachiri kuyaruka vangarega kubvunza mibvunzo vachitya kuti vabereki vavo vangavafungira zvisizvo. Ndizvo zvakazozivikanwa nevamwe baba vanonzi Steven. Vanoti, “Mwanakomana wedu airatidza kuti akanga asingadi kutaura nyaya dzebonde. Asi nokufamba kwenguva takaona kuti aiona sokuti taimufungira zvisina kunaka. Takamujekesera kuti kukurukura kwataiita nyaya idzi hakurevi kuti pane zvataimufungira; taingoda kuti akwanise kugadzirira kuti asazofurirwa.”

EDZA IZVI: Pane kubvunza mwana wenyu maonero aanoita nyaya dzebonde sokunge muri mupurisa, mubvunzei kuti vaanodzidza navo vanodziona sei. Somuenzaniso, mungati, “Mazuva ano vanhu vakawanda vanoona sokuti kutamba vachinanzvana nhengo dzokubereka nadzo hakusi kuita zvepabonde. Ndiwo maonero anoita vaunodzidza navo here?” Mibvunzo yakadaro ingangoita kuti mwana wenyu asununguke obva ataura zviri pamwoyo pake.

Zvingaita Kuti Musanyara

Ichokwadi kuti kutaura nyaya dzebonde nevana vako nderimwe remabasa akaoma zvikuru anofanira kuitwa nomubereki. Asi kutamburira zviripo. Vamwe amai vanonzi Diane vanoti, “Nokufamba kwenguva, munoguma musingachanyari uye kutaura nemwana wako nezvebonde kunotokuitai shamwari dzepedyo.” Steven, ambotaurwa, anobvumirana nazvo. “Kana mukagara muchitaurirana zviri kutsi kwemwoyo panyaya chero dzipi zvadzo mumhuri, zvinova nyore kutaura nyaya dzinonyadzisa dzakaita sedzebonde,” uye anowedzera kuti: “Hakusi kuti munenge musingachanyarani zvachose, asi kutaurirana zviri pamwoyo ndiwo musimboti wemhuri yechiKristu inofara.”

^ ndima 3 Mazita ari munyaya ino akachinjwa.

^ ndima 11 Nyaya ino ichakurukura kuti sei uchifanira kutaura nyaya dzebonde nevana vako. Imwe ichabuda mumagazini inotevera ichakurukura kuti ungadzidzisa sei vana vako tsika dzakanaka pamunenge muchikurukura nyaya idzi.

^ ndima 16 Mashoko aya akatorwa papeji 171 yebhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 19 Kuti ukurukure nyaya dzebonde nomwana wako ava kuyaruka, shandisa zvitsauko 1-5, 28, 29 ne33 zvebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Vhoriyumu 2, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

ZVIBVUNZE KUTI . . .

Verengai mashoko anotevera akataurwa nepwere dziri munyika yose, mobva mazvibvunza mibvunzo iripo.

“Vabereki vangu vanonditi ndiverenge nyaya dzebonde ndozovabvunza kana pane zvandinoda kuziva. Asi ndaizoda kuti dai tikaita zvokunyatsotaurirana.”​—Ana, wokuBrazil.

Sei muchifunga kuti zvinokosha kuti musangogumira pakupa mwana wenyu mabhuku kuti averenge oga?

“Ndine zvinhu zvakawandisa zvisina kunaka zvandinoziva nezvebonde, zvinhu zvandinofunga kuti kana baba vangu havatombozivi. Kana ndikavabvunza nezvazvo vangarohwa nehana.”​—Ken, wokuCanada.

Mwana wenyu angava achityei pakutaura nemi nezvezvinomunetsa?

“Pandakapedzisira ndaita chivindi chokubvunza vabereki vangu mumwe mubvunzo wezvebonde, vakapindura sevaindipomera vachibva vandibvunza kuti, ‘Uri kubvunzirei? Pane chaitika?’”​—Masami, wokuJapan.

Kana mwana wenyu akakubvunzai nezvebonde, mapinduriro amunomuita angaita sei kuti arambe achida kukurukura nemi kana kuti asazombodzokazve kwamuri?

“Zvingabatsira kana vabereki vangu vakandivimbisa kuti pavaiva zera rangu, vaibvunzawo mibvunzo yandiri kuvabvunza uye kuti hapana chakaipa nokubvunza kwandinoita.”​—Lisette, wokuFrance.

Mungaita sei kuti mwana wenyu asununguke, kuitira kuti asanyara kutaura nemi nezvebonde?

“Amai vangu vaindibvunza nezvebonde, vachitaura nenzwi rakazonaka. Ndinofunga kuti izvozvo zvinokosha, kuitira kuti mwana asaona sokuti mune zvamuri kumupomera.”​—Gerald, wokuFrance.

Kana muchitaura nomwana wenyu nezvebonde munotaura nenzwi rakaita sei? Pane pamunofanira kugadzirisa kana kuchinja here?