Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Murume wokuEast Asia Akaonekwa Kunyika Yava Kunzi Italy

Murume wokuEast Asia Akaonekwa Kunyika Yava Kunzi Italy

Murume wokuEast Asia Akaonekwa Kunyika Yava Kunzi Italy

ZVAKAFAMBA sei kuti murume wokuEast Asia azopedzisira ava munzvimbo yaitongwa neRoma makore 2 000 akapfuura? Ndiwo mubvunzo wakabvunzwa nevanochera matongo pashure pokunge vashamiswa nezvavakawana kumaodzanyemba kweItaly muna 2009.

Izvi zvakawanikwa kumakuva ekare eRoma aiva kunzvimbo yava kunzi Vagnari iri makiromita 60 kumadokero kweBari. Kwakawanikwa mapfupa evanhu 75. Kuongororwa kwakaitwa mapfupa aya kwakaratidza kuti vakawanda vavo vakaberekerwa pedyo nenzvimbo iyi. Asi vaongorori vakashamiswa nemapfupa emumwe murume. Kuongorora kwakaitwa DNA yake inowanikwa mumasero emitochondria kwakaratidza kuti amai vake vaiva vokuEast Asia. * Mapfupa ake akaratidza kuti akanga aberekwa muzana remakore rokutanga kana kuti rechipiri C.E. Maererano nemashoko akataurwa pamusoro pezvavakawana, “zvinoita sokuti ndiko kaiva kokutanga kuwana mapfupa emunhu wedzinza rokuEast Asia munyika yeRoma.” Saka murume uyu aiva ani?

Ongororo yakaitwa iyi inopfuurira ichiti, “Chinotanga kuuya mupfungwa ndechokuti murume uyu aiita bhizimisi raiva rakakurumbira pakati peChina neRoma rokutenga nokutengesa siriki.” Zvisinei, zvinofungidzirwa kuti kutengeserana uku kwaipfuura nemumaoko evanhu vakawanda zvokuti munhu aisafanira hake kufamba rwendo rwemakiromita 8 000 kubva kuChina kuenda kuItaly.

Nzvimbo yakawanikwa mapfupa aya inotiudzei? Munguva dzekare, Vagnari yaimbova nzvimbo yamambo yokumaruwa yaiva neminda kwaiva nevashandi vainyungudutsa simbi uye vaigadzira matiles evhu. Vashandi vakawanda vaiva varanda uye murume uyu wokuMabvazuva angadaro aivawo mumwe wevaranda ivavo. Chimwezve ndechokuti, haana kuvigwa zvoumbozha. Pamidziyo yaaiva nayo yose, mudziyo waakavigwa nawo yaingova poto, uyewo paiva nomumwe munhu akanga akavigwa pamusoro pake.

Nei tichida kuziva nezvenyaya iyi? Kupararira kwaiita mashoko echiKristu muzana remakore rokutanga C.E., kwaibva pakuti vanhu vekare vasvika kure zvakadini. Bhaibheri rinotaura kuti pashure pePendekosti ya33 C.E., vanhu vaibva kune dzimwe nyika vakanga vashanyira Jerusarema vakaparidzira mashoko akanaka kusvika kunzvimbo dziri kure kure. (Mabasa 2:1-12, 37-41) Mapfupa aya anoita seanopa pfungwa yokuti, panguva iyi vanhu vaifamba vachibva kuEast Asia vachienda kunzvimbo yeMediterranean. *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Kuongororwa kweDNA iri mumasero emitochondria hakuna zvakunoratidza nezvedzinza rababa.

^ ndima 6 Panewo uchapupu hunoratidza kuti vanhu vokuMadokero vaifamba kuenda kuEast Asia. Ona nyaya inoti “Mamishinari Aisvika Kure Zvakadini Nechokumabvazuva?” iri muNharireyomurindi yaJanuary 1, 2009.

[Mepu iri papeji 29]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

ROMA

Vagnari

Gungwa reMediterranean

EAST ASIA

GUNGWA REPACIFIC

[Mufananidzo uri papeji 29]

Mapfupa emurume wokuEast Asia akafukunurwa kumakuva ekare ekuRoma

[Kwazvakatorwa]

© Su concessione del Ministero per i Beni e le Attività Culturali-Direzione Regionale per i Beni Culturali e Paesaggistici della Puglia - Soprintendenza per i Beni Archeologici della Puglia