Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Ane Hanya Newe Zvechokwadi Here?

Mwari Ane Hanya Newe Zvechokwadi Here?

Mwari Ane Hanya Newe Zvechokwadi Here?

UNOONA sokuti pane anokuda here? Kana kuti unomboona sokuti hapana ane hanya newe? Mukore uno vanhu pavava kuita chipatapata vasingafungiwo vamwe, zvinoita sezviri nyore kufunga kuti hapana anotombokuonawo kuti uri munhu. Ichokwadi kuti zviri kuitika mazuva ano ndizvo chaizvo zvinorondedzerwa neBhaibheri. Vanhu vakawanda havana nguva yokufunga vamwe pamusana pekunyanya kubatikana nezvavanoita.—2 Timoti 3:1, 2.

Munhu wose anoda kuratidza vamwe rudo uye iye anoda kudiwa, pasinei nezera, tsika, mutauro kana kuti dzinza. Dzimwe ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti munhu anozviona kuti apa ndaratidzwa rudo uye ndaitirwa hanya. Jehovha Mwari uyo akatisika, ndiye anonyatsonzwisisa kukosha kwokuti tiratidzirwe rudo kana kudiwa. Kana akakuudza kuti unokosha kwaari, unganzwa sei? Haungambofi wakazvikanganwa. Tingaziva sei kuti zvechokwadi Jehovha anoda vanhu kunyange vaine zvivi? Anoda munhu mumwe nomumwe here? Kana zvakadaro, chii chinoita kuti munhu azodiwa naMwari?

Jehovha Ane Hanya Newe

Makore 3 000 akapfuura mumwe munyori wepisarema ainamata Mwari akashamiswa chaizvo nokunaka kunenge kwakaita denga rizere nenyeredzi usiku. Aiziva kuti Musiki ndiye Changamire mukuru wokusingaperi akanga asika nyeredzi dzakawanda kudaro. Paakadzamisa pfungwa nezvoukuru hwaJehovha uye paakaona kuti vanhu hapana zviripo kana tichivaenzanisa naMwari, munyori wepisarema akaratidza kushamisika kwake nezverudo runa Jehovha achiti: “Pandinoona matenga enyu, iwo mabasa eminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakagadzira, munhuwo zvake chiiko zvamunomufunga, nomwanakomana womunhu wepanyika zvamunomutarisira?” (Pisarema 8:3, 4) Zvaizova nyore kuti afunge kuti Changamire Mwari ari kure uye ane zvakawanda zvokuita zvokuti haana nguva yokuswerotarisa vanhu vanoita zvivi. Asi munyori wepisarema aiziva kuti pasinei nokuti takaderera sei uye tinongorarama kwemakore mashoma, Mwari ane hanya nesu.

Mumwe munyori wepisarema akanyora mashoko anonyaradza okuti: “Jehovha anofarira vaya vanomutya, vaya vanomirira mutsa wake worudo.” (Pisarema 147:11) Zvinorehwa nemashoko ari mundima idzi zvinobaya mwoyo. Pasinei nokuti Jehovha ndiChangamire wezvinhu zvose, haangogumiri pakuziva kuti kune vanhu. Asi ‘anovatarisira’ uye ‘anovafarira.’

Pfungwa iyi inosimbiswa neuprofita hweBhaibheri hunorondedzera zvinhu zviri kuitika mazuva ano. Jehovha akashandisa muprofita Hagai kuratidza kuti kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kwaizoitwa pasi rose. Izvi zvaizoguma nei? Chimwe chacho ndechokuti, ‘Zvinhu zvinokosha zvemarudzi ose zvaizouya; uye Mwari aizozadza imba ino nokubwinya.’—Hagai 2:7.

Ko “zvinhu zvinokosha” zvinounganidzwa zvichibva mumarudzi ose zvii? Haingambovi pfuma. (Hagai 2:8) Sirivha kana ndarama hazvisi izvo zvinonyatsofadza mwoyo waJehovha. Chinomufadza vanhu vanomunamata nomwoyo wose pasinei nokuti vanotadza. (Zvirevo 27:11) Ndivo vanonzi “zvinhu zvinokosha” zvinomufadza uye iye anokoshesa kuzvipira nomwoyo wose kwavanoita uye kushingaira kwavo. Uri mumwe wavo here?

Pfungwa yokuti vanhu vanotadza vanogona kuonekwa sevanokosha pamberi poMusiki Mukuru wezvose ingaita seyakaoma kunzwisisa. Asi kutaura chokwadi kuziva izvi kunofanira kutikurudzira kubvuma kukumbira norudo kwaanotiita kuti tiswedere pedyo naye.—Isaya 55:6; Jakobho 4:8.

“Uri Munhu Anodiwa Kwazvo”

Rimwe zuva muprofita Dhanieri akwegura akashamisika nezvaakaona panguva yorubvunzavaeni. Paakanga achinyengetera, pakangoerekana pasvika mumwe muenzi anoremekedzeka. Ainzi Gabrieri. Dhanieri akambosangana naye saka akabva amuziva kuti ingirozi yaJehovha. Gabrieri akatsanangura chakaita kuti angoerekana asvika achiti: “Haiwa Dhanieri, zvino ndauya kuzoita kuti uve nenjere nokunzwisisa . . . nokuti uri munhu anodiwa kwazvo.”—Dhanieri 9:21-23.

Rimwe zuva imwe ngirozi yaJehovha yakati kuna Dhanieri: “Haiwa Dhanieri, iwe murume anodiwa kwazvo.” Kuti isimbise Dhanieri yakazoti: “Usatya, haiwa iwe murume anodiwa kwazvo. Iva norugare.” (Dhanieri 10:11, 19) Katatu kose Dhanieri ari kunzi “anodiwa kwazvo.” Mashoko aya anogona kureva munhu “anoremekedzwa zvikuru” kunyange “wapamwoyo.”

Zviri pachena kuti Dhanieri ainzwa ari pedyo zvikuru naMwari uye akaona kuti Jehovha aifarira kuzvipira kwaaiita. Asi mashoko aMwari anoratidza kumuda kwaaiita akataurwa nengirozi anofanira kunge akanyatsomusimbisa. Ndokusaka Dhanieri akazoti: “Mandisimbisa.”—Dhanieri 10:19.

Nhoroondo inotaura nezvekuda kwaiita Jehovha muprofita wake akatendeka yakanyorwa muShoko raMwari kuti itibatsire. (VaRoma 15:4) Kudzamisa pfungwa pane zvakaitika kuna Dhanieri kunogona kutibatsira kuti tione chinoita kuti munhu azodiwa naBaba vedu vokudenga vane rudo.

Dzidza Shoko raMwari Nguva Dzose

Dhanieri aishingairira kudzidza Magwaro. Tinozviziva nokuti iye akanyora kuti: “Ini . . . ndakanzwisisa kubva mumabhuku kuwanda kwemakore . . . okuzadzika kwokuparadzwa kweJerusarema.” (Dhanieri 9:2) Mabhuku angangodaro aivako panguva yaakararama aisanganisira zvinyorwa zvakafuridzirwa zvaMosesi, Dhavhidhi, Soromoni, Isaya, Jeremiya, Ezekieri uye zvevamwe vaprofita. Tinogona kuita setiri kuona Dhanieri akaunganidza mipumburu yakawanda, pfungwa dzake dzakanyura pakuverenga uye pakuenzanisa zvinotaurwa neuprofita zvinenge zvine chokuita nokuzotangazve kunamata kwakachena muJerusarema. Zvimwe aifungisisa zvairehwa nendima dzaaiverenga akagara zvake pamusoro pedenga remba pasina chaimuvhiringa. Kudzidza kwake achidzamisa pfungwa kwakasimbisa kutenda kwake kukaita kuti aswedere pedyo naJehovha.

Kudzidza Shoko raMwari kwakaumbawo unhu hwaDhanieri uye zvaakanga ava kuita muupenyu hwake hwose zvaitungamirirwa nezvaakanga adzidza. Kudzidziswa Magwaro achiri kuyaruka ndiko kwakaita kuti atsunge kuteerera Mutemo waMwari une chokuita nezvokudya waishanda panguva iyoyo. (Dhanieri 1:8) Pava paya, akazivisa mashoko aMwari noushingi kumadzimambo eBhabhironi. (Zvirevo 29:25; Dhanieri 4:19-25; 5:22-28) Kushanda kwake nesimba, kuvimbika uye kutendeseka kwake zvaizivikanwa chaizvo. (Dhanieri 6:4) Chinotokosha ndechokuti haana kuputsa mutemo waMwari achityira kuurayiwa, asi kuti akavimba naJehovha nomwoyo wose. (Zvirevo 3:5, 6; Dhanieri 6:23) Ndokusaka akanga ari munhu “anodiwa zvikuru” naMwari!

Mazuva ano pane zvimwe zvinhu zvinoita kuti kudzidza Bhaibheri kuve nyore kana tichienzanisa nenguva yaDhanieri. Aimbova makomo emipumburu iye zvino ava mabhuku anotakurika. Tava neBhaibheri rakazara kusanganisira dzimwe nhoroondo dzinotaura kuti uprofita hwaDhanieri hwakazadzika sei. Uye tizere nemabhuku anobatsira kutsanangura Bhaibheri nezvimwe zvokushandisa pakutsvakurudza. * Uri kunyatsoshandisa zvinhu izvi here? Une nguva yaunoti ndeyokuverenga Bhaibheri uye kufungisisa here zuva nezuva? Kana uchidaro uchabatsirwa sezvakaitwa Dhanieri. Uchakwanisa kusimbisa kutenda kwako uye ukama hwako naJehovha. Shoko raMwari richanyatsotungamirira upenyu hwako richikuratidza kuti anokuda zvechokwadi.

Ramba Uchinyengetera

Dhanieri aigara achinyengetera. Aiziva zvinhu zvokukumbira kuna Mwari. Paakanga achiri muduku akanzi aizourayiwa kana akatadza kududzira hope dzaMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi. Dhanieri haana kuzeza kukumbira Jehovha kuti amutsigire uye amudzivirire. (Dhanieri 2:17, 18) Pashure pemakore akati kuti, kuratidza kuti aitadzawo, muprofita akatendeka uyu akareurura zvivi zvake pamwe chete nezvevanhu vake, achiteterera Jehovha kuti avaregerere. (Dhanieri 9:3-6, 20) Dhanieri akakumbira Mwari kuti amubatsire kunzwisisa zvinhu zvaakanga aratidzwa. Rimwe zuva Dhanieri akazoshanyirwa neimwe ngirozi kuti imubatsire kunzwisisa ikati kwaari: ‘Mashoko ako anzwiwa.’—Dhanieri 10:12.

Murume akanga akatendeka Dhanieri haana kungogumira pakuteterera kuna Mwari. Dhanieri 6:10 inoti: “Katatu pazuva . . . ainyengetera achirumbidza Mwari wake, sezvaakanga agara achiita.” Dhanieri aiva nezvakawanda zvaiita kuti aonge uye arumbidze Jehovha. Uye aigara achizviita. Kutaura zvazviri, munyengetero waiva musimboti wokunamata kwake, zvokuti hapana chaimuregedzesa kutaura naMwari kunyange zvaiisa upenyu hwake pamutanhiko. Chokwadi, Jehovha aimudira kuvimbika kwake.

Ropafadzo yokunyengetera chipo chinoshamisa zvikuru! Zuva ngarirege kunyura usina kumbotaura naBaba vako vokudenga. Yeuka kumuonga uye kumurumbidza nokuda kwezvose zvakanaka zvaanoita. Sununguka kumuudza zvinokudya mwoyo uye zvaunoda. Chimboedza kufunga kuti zvikumbiro zvako uye kuteterera kwawaiita kwakapindurwa sei, wobva wamutenda. Usaita zvokumhanya-mhanya paunenge uchinyengetera. Patinodurura zviri pamwoyo pedu kuna Jehovha mumunyengetero, tinonyatsoona kutida kwaanoita. Tine chikonzero chikuru ‘chokuramba tichinyengetera.’—VaRoma 12:12.

Rumbidza Zita raJehovha

Hapana ushamwari hunopfumbira kana munhu asingafungi zvinodiwa nomumwe wake. Ndozvazvakaitawo neushamwari hwedu naJehovha. Dhanieri ainyatsozviziva. Ngatimbokurukura nezvekuda kwaaiita chaizvo kurumbidza zita raJehovha.

Mwari paakapindura munyengetero wake achimuzivisa hope dzaNebhukadhinezari uye kududzirwa kwadzo, Dhanieri akati: “Zita raMwari ngarirumbidzwe narini kusvikira narini, nokuti uchenjeri nesimba—ndezvake.” Paaiudza Nebhukadhinezari hope dzake uye zvadzaireva, Dhanieri akaramba achipa mbiri kuna Jehovha, achisimbisa kuti Jehovha ndiye chete “Muzivisi wezvinhu zvakavanzika.” Saizvozvowo, paaikumbira kuti aregererwe uye anunurwe, Dhanieri akanyengetera achiti: “Haiwa Mwari wangu, . . . guta renyu nevanhu venyu vakashevedzwa nezita renyu.”—Dhanieri 2:20, 28; 9:19.

Panyaya yokunyengetera tine zvakawanda zvatinodzidza kuna Dhanieri. Patinenge tichinyengetera, tinogona kutaura kuti ‘zita raMwari ritsveneswe.’ (Mateu 6:9, 10) Hatimbodi kufa takaita kuti maitiro edu ashorese zita dzvene raJehovha. Asi ngatirambei tichipa mbiri kuna Jehovha nokuudza vamwe mashoko akanaka atinenge tadzidza ane chokuita noUmambo hwake.

Ichokwadi kuti vanhu vari munyika nhasi havasisina rudo uye hanya nevamwe. Asi zvinonyaradza zvikuru kuziva kuti Jehovha ane hanya nemunamati wake mumwe nomumwe. Sezvinotaurwa nomunyori wepisarema: “Jehovha anofarira vanhu vake. Anonatsa vanyoro noruponeso.”—Pisarema 149:4.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 18 Zvapupu zvaJehovha zvinobudisa mabhuku akawanda anobatsira kuita kuti kuverenga Bhaibheri nokuridzidza kuve nyore uye kukubatsire. Kana uchiada sununguka kukumbira chero mumwe weZvapupu zvaJehovha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]

Mwari akaratidza kuda kwaaiita Dhanieri paakamutumira ngirozi Gabrieri kuti imusimbise

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 23]

Kushingaira kwaiita Dhanieri pakudzidza uye pakunyengetera kwakanatsa unhu hwake uye kwakaita kuti afarirwe naMwari