Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Tsika yokunhonga zvisaririra yaifamba sei, uye yaibatsira vanaani?

Mutemo waMosesi wairambidza varimi kunhongeredza zvose zvaiva mumunda mavo pavaikohwa. Vaya vaikohwa zviyo vakanga vasingafaniri kupedzeredza kusvikira kumucheto kweminda yavo. Vaya vaiunganidza mazambiringa vakanga vasingafaniri kunhongeredza aya akanga akapararira nemunda kana kuti kudzokerazve kunokohwa aya akanga asati aibva pakukohwa kwokutanga. Uye vaya vaizunza miti yemiorivhi vaisafanira kutsvakisisa maorivhi anenge asara. (Revhitiko 19:9, 10; Dheuteronomio 24:19-21) Varombo, nherera, chirikadzi uye vatorwa ndivo vaizonhonga zvaisaririra pakukohwa.

Mutemo uyu wokunhonga zvisaririra waibatsira vaIsraeri vose. Waikurudzira muridzi wemunda kuti ave nerupo, asangozvifunga iye uye avimbe nokukomborerwa naMwari. Kune vaya vainhonga zvisaririra, mutemo uyu waivabatsira kuti vasava nousimbe nokuti kunhonga zvisaririra kwaitoda kushanda nesimba. (Rute 2:2-17) Kunhonga zvisaririra kwaiita kuti murombo asafa nenzara uye kuti asaomesera vanhu nokumutarisira. Kwaiitawo kuti varombo vasazvitorera pasi vachingopona nokupemha chete.

Nei Soromoni akatenga matanda okuvakisa temberi yomuJerusarema kubva kuRebhanoni yaiva kure chaizvo?

Nhoroondo iri pana 1 Madzimambo 5:1-10 inorondedzera chibvumirano chakaitwa naSoromoni naHiramu mambo weTire. Kubva pachibvumirano chavakaita, matanda emisidhari neomijunipa aizounzwa kunyika yevaIsraeri nomugungwa kubva kuRebhanoni oshandiswa kuvakisa temberi.

Matanda emisidhari ndiwo ainyanya kutengeswa kuMiddle East yekare. KuIjipiti nokuMesopotamia, matanda aya ainyanya kushandiswa pakugadzira matenga ezvivako zvetemberi uye zvemizinda yemadzimambo. Zvinyorwa zvemadzimambo nezvimwewo zvakanyorwa pamatombo zvinoratidza kuti matanda emisidhari aigara achiunzwa kumaguta eMesopotamia aiva kumaodzanyemba, dzimwe nguva aita zvokutorwa nechisimba kana kuti achibhadharwa semitero. Misidhari yaishandiswa muIjipiti pakugadzirisa zvikepe zvemadzimambo, mabhokisi ezvitunha nezvimwewo zvinhu zvaishandiswa pamariro.

Misidhari yokuRebhanoni yainyanya kuzivikanwa nekusimba kwayo, kunaka, kunhuwirira uye kusamunyiwa nemujuru kana kuti kusapfukutwa. Saka Soromoni akanga achishandisa zvinhu zvakanakisisa pakuvaka temberi. Mazuva ano, kumakomo eRebhanoni kwaimbova kwakazara miti yemisidhari kwangosara miti miduku mishomanana yakati mimwe pano mimwe apo.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Zvaitakurisa misidhari yokuRebhanoni, rubatsiro rwakabva kumuzinda wamambo weAsiriya Sagoni

[Kwazvakatorwa]

Erich Lessing/Art Resource, NY