Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?

Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?

Dzidza Kubva Mushoko raMwari

Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?

Nyaya ino inokurukura mibvunzo ingave yakakunetsa uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.

1. Chinangwa chaMwari nokuda kwenyika ndechei?

Nyika ndiwo musha wevanhu. Mwari asika ngirozi kuti dzigare kudenga akabva asika munhu kuti agare panyika. (Jobho 38:4, 7) Saka Jehovha akaisa munhu wokutanga muparadhiso yaiva yakanaka yainzi Edheni uye akamupa iye nevana vake vaaizobereka tarisiro yokurarama nokusingaperi pasi pano.—Genesisi 2:15-17; verenga Pisarema 115:16.

Munda weEdheni wakanga uchingori chikamu chiduku chenyika. Murume nomukadzi vokutanga Adhamu naEvha vaifanira kuzobereka vana. Vanhu zvavaizoramba vachiwanda, vaizofanira tarisira nyika yopedzisira yava paradhiso. (Genesisi 1:28) Nyika haifi yakaparadzwa.—Verenga Pisarema 104:5.

2. Sei nyika isiri paradhiso?

Adhamu naEvha havana kuteerera Mwari, saka vakabva vadzingwa muEdheni. Paradhiso yakabva yaparara, uye hapana kana munhu akakwanisa kuita kuti ivepozve. Bhaibheri rinoti: “Nyika yakaiswa muruoko rwomunhu akaipa.”—Jobho 9:24; verenga Genesisi 3:23, 24.

Asi Jehovha haana kubva akanganwa chinangwa chake chepakutanga nokuda kwevanhu uye achatochizadzisa. (Isaya 45:18) Achaita kuti vanhu vararame upenyu hwaakagara avarongera.—Verenga Pisarema 37:11.

3. Mwari achazviita sei kuti nyika ivezve norugare?

Kuti vanhu vave norugare, Mwari achatanga nokubvisa vanhu vakaipa. Pahondo yeAmagedhoni, ngirozi dzaMwari dzichaparadza vose vanopikisana naMwari. Satani achasungwa kwemakore 1 000, asi vanhu vanoda Mwari vachaponeswa kuti vanakidzwe nokurarama munyika itsva pasi pano.—Verenga Zvakazarurwa 16:14, 16; 20:1-3; 21:3, 4.

4. Kutambura kuchapera rini?

Mumakore 1 000 Jesu achatonga nyika ari kudenga oita kuti ivezve paradhiso. Zvimwe zvaachaitawo, kubvisa zvivi zvevanhu vanoda Mwari. Saka Jesu achabvisa urwere, kuchembera uye rufu.—Verenga Isaya 11:9; 25:8; 33:24; 35:1.

Mwari achabvisa uipi panyika rini? Jesu akapa “chiratidzo” chokuti mugumo waswedera. Zvinhu zviri kuitika zviri kuvhiringidza upenyu hwevanhu zviri kuratidza kuti tiri kurarama ‘kumagumo kwemamiriro ezvinhu epanguva ino.’—Verenga Mateu 24:3, 7-14, 21, 22; 2 Timoti 3:1-5.

5. Ndivanaani vachazogara muParadhiso?

Jesu akarayira vateveri vake kuti vaite kuti vanhu vave vadzidzi uye vavadzidzise nzira dzaMwari dzorudo. (Mateu 28:19, 20) Pasi rose Jehovha ari kuunganidza mamiriyoni evanhu vachazorarama munyika itsva pasi pano. (Zefaniya 2:3) PaDzimba dzoUmambo dzeZvapupu zvaJehovha, vanhu vanodzidziswa kuti zvii zvavanofanira kuita kuti vave varume uye vanababa vakanaka uye kuva vakadzi uye vanaamai vakanaka. Vabereki nevana vanodzidza pamwe chete zvikonzero zvinoita kuti vave nechokwadi chokuti ramangwana rakanaka ririko.—Verenga Mika 4:1-4.

PaImba yoUmambo uchasangana nevanhu vanoda Mwari uye vanoda kuita zvinomufadza.—Verenga VaHebheru 10:24, 25.

Kuti unzwe zvakawanda, ona chitsauko 3 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.