Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanhu Vachembera Pavachavazve Vakagwinya Sevaduku

Vanhu Vachembera Pavachavazve Vakagwinya Sevaduku

Swedera Pedyo naMwari

Vanhu Vachembera Pavachavazve Vakagwinya Sevaduku

NDIANI wedu anonakidzwa nezvinoitika kana munhu achembera? Ganda rinenge raunyana, maziso asingachaoni, nzeve dzisingachanzwi uye makumbo asisina simba. Ungazvibvunza kuti, ‘Ko iye Mwari sei akatisika tiine simba patinenge tiri vaduku dzokonokei topedzisira tava kuyaura nenhamo dzokuchembera?’ Mashoko anofadza ndeekuti hazvisi izvo zvaidiwa naMwari kuti zviitike kwatiri. Akatoita urongwa hwokuti tisachembera. Tarisa uone zvakataurirwa tateguru Jobho, pana Jobho 33:24, 25.

Imbofunga zvakaitika kuna Jobho, murume akavimbika aidiwa naJehovha. Satani haana kuva nechokwadi nokuperera kwaiva kwakaita Jobho achibva ataura kuti Jobho aingoshumira Mwari kana zvinhu zvakamunakira chete. Satani paaitaura izvi, Jobho akanga ari murima zvake asingazivi zvaiitika. Jehovha akabvumira Satani kuedza Jobho nokuti aiziva kuti iye ane simba rokugadzirisa zvinenge zvakanganisika uye kuti aiva nechivimbo muna Jobho wacho. Satani akabva “arova Jobho nemamota akaipa kubvira pasi petsoka dzake kusvikira panhongonya yomusoro wake.” (Jobho 2:7) Ganda raJobho rakatanga kubuda honye, rikaomarara, rikasviba kuti ndoo uye nyama dzaiita kudonha. (Jobho 7:5; 30:17, 30) Imboedza kufungidzira kurwadziwa kwaaiita. Asi Jobho akaramba akatendeka, achiti: “Handizorasi kuvimbika kwangu kusvikira ndafa!”—Jobho 27:5.

Asi Jobho pane paakazokanganisa zvakanyanya. Paakaona sokuti ava kutofuga rake oga, akanyanyofunga nezvokuratidza kuti iye haana mhosva, akati “mweya wake wakarurama pane kuti Mwari ndiye akarurama.” (Jobho 32:2) Mutauriri waMwari Erihu akabva atsiura Jobho. Asi Erihu akaudzawo Jobho mashoko anonyaradza aibva kuna Mwari okuti: “[Jobho] ngaarege kuburukira mugomba [muguva]! Ndawana rudzikinuro! Nyama yake ngaive itsva kupfuura paaiva muduku; ngaadzokere kumazuva esimba rouduku hwake.” (Jobho 33:24, 25) Mashoko iwayo anofanira kunge akaita kuti Jobho ave netariro. Akanga asiri kuzoramba achitambura kusvikira afa. Kudai Jobho aizopfidza, Mwari aizofara kugamuchira rudzikinuro rwaizopiwa nokuda kwaJobho obva amununura mutsekwende yaakanga ari. *

Jobho akazvininipisa akabvuma kutsiurwa, achibva apfidza. (Jobho 42:6) Zviri pachena kuti Jehovha akabvuma chibayiro chakapiwa nokuda kwaJobho, akaita kuti chibhadhare mhosva yake uye chiite kuti Mwari amukomborere uye amudzosere zvinhu zvake. Jehovha “akazokomborera makore okupedzisira aJobho kupfuura okutanga.” (Jobho 42:12-17) Pazvikomborero zvaakawana, chimbofungidzira kuzorora kwaakaita chirwere chake chaisemesa pachakati hwa-a, nyama yake ikatova “itsva kupfuura paaiva muduku”!

Chibayiro chaJobho chakagamuchirwa naMwari chaingobatsira zvishoma, nokuti akaramba ane chivi uye akazofa. Isu tine chibayiro chakanakisa kudarika chaJobho. Jehovha akatipa Mwanakomana wake Jesu kuti atidzikinure, nokuti anotida. (Mateu 20:28; Johani 3:16) Vose vanotenda muchibayiro ichocho vane tariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano. Munyika itsva iyoyo iri kuuya, Mwari achaita kuti vanhu vakatendeka vasachembera. Wadii kudzidza zvakawanda nezvezvaungaita kuti uzovapowo panguva iyo vakwegura vachaona ‘nyama yavo ichiva itsva kupfuura pavaiva vaduku’?

Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna April:

Jobho 16-37

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Shoko rokuti “rudzikinuro” rashandiswa pano rinoreva “kubhadhara.” (Jobho 33:24) Panyaya yaJobho, rudzikinuro rwaigona kunge rwuri chibayiro chemhuka, chaizogamuchirwa naMwari kuti chibhadhare kana kuti chiyananise mhosva yaJobho.—Jobho 1:5.