Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jesu—Mararamiro Aaiita

Jesu—Mararamiro Aaiita

“Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.”—JOHANI 4:34.

ZVAKANGA zvaitika Jesu paakataura mashoko ari pamusoro apa zvinoratidza zvinhu zvaainyanya kukoshesa muupenyu hwake. Jesu nevadzidzi vake vakanga vapedza mangwanani ose vachifamba munzvimbo ine makomo yeSamariya. (Johani 4:6) Vadzidzi vake vakamupa zvokudya vachifungidzira kuti akanga ava nenzara. (Johani 4:31-33) Mhinduro yakapiwa naJesu yairatidza chinangwa chake muupenyu. Jesu ainyanya kukoshesa kuita basa raMwari kupfuura kudya. Mashoko ake nezvaaiita zvairatidza kuti airaramira kuita kuda kwaMwari. Zvimwe zvacho ndezvipi?

Kuparidza nokudzidzisa nezveUmambo hwaMwari

Bhaibheri rinorondedzera basa rainyanya kukosheswa naJesu muupenyu hwake richiti: “Akapota neGarireya yose, achidzidzisa . . . nokuparidza mashoko akanaka oumambo.” (Mateu 4:23) Jesu haana kungogumira pakuparidza kana kuzivisa vanhu nezveUmambo hwaMwari. Aivadzidzisawo, kureva kuti aivarayiridza, ovatsanangurira uye okurukura navo nenzira yaiita kuti vagutsikane. Umambo ndihwo hwaiva dingindira remashoko aiparidzwa naJesu.

Jesu panguva yose yaaiita ushumiri hwake, aidzidzisa vateereri vake chinonzi Umambo hwaMwari uye zvahuchaita. Cherechedza chokwadi chinotevera nezveUmambo, pamwe chete neMagwaro anoratidza zvakataurwa naJesu nezvahwo.

  • Umambo hwaMwari ihurumende yokudenga, uye Jehovha ndiye akasarudza Jesu kuti ave Mambo.—MATEU 4:17; JOHANI 18:36.

  • Umambo huchatsvenesa zita raMwari hwoita kuti kuda kwake kuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.—MATEU 6:9, 10.

  • Umambo hwaMwari pahunenge hwava kutonga, pasi rose richachinjwa kuva paradhiso.—RUKA 23:42, 43.

  • Munguva pfupi iri kuuya, Umambo hwaMwari huchauya hwoita kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika. *MATEU 24:3, 7-12.

Kuita zvishamiso

Jesu ainyanya kuzivikanwa so“Mudzidzisi.” (Johani 13:13) Asi panguva yaaiita ushumiri hwake kwemakore matatu nehafu, akaitawo zvishamiso zvakati wandei. Pane zvikonzero zviviri zvakaita kuti aite zvishamiso izvi. Chokutanga, zvakabatsira kuratidza pachena kuti zvechokwadi akanga atumwa naMwari. (Mateu 11:2-6) Chechipiri, zvakapa vanhu nzwisa yezvakawanda zvaachaita paanenge ava kutonga saMambo woUmambo hwaMwari munguva yemberi. Cherechedza zvimwe zvishamiso zvaakaita.

Chimbofungidzira kuti upenyu panyika huchange hwakaita sei kana Mambo iyeye ane simba ava kutonga!

Kuratidza unhu hwaJehovha Mwari

Kana iri nyaya yokudzidzisa vamwe nezvaJehovha, hapana mumwe anonyatsokwanisa kupfuura Mwanakomana waMwari, uyo akazozivikanwa saJesu Kristu. Sezvo ari “dangwe rezvisikwa zvose,” Jesu akagara naJehovha kudenga kwenguva yakareba kupfuura dzimwe ngirozi dzose. (VaKorose 1:15) Chimbofunga nezvemikana yaaiva nayo yokunyatsodzamisa pfungwa paaiona mafungiro aBaba vake, zvavaida, mitemo yavo uye maitiro avaiita zvinhu.

Ndokusaka Jesu akati: “Kuti Mwanakomana ndiani hapana anoziva kunze kwaBaba; uye kuti Baba ndiani, hapana anoziva kunze kwoMwanakomana, uye munhu uyo Mwanakomana anenge ada kuzarurira.” (Ruka 10:22) Jesu paaiva pasi pano, ainzwa manyukunyuku paairondedzera kuti Baba vake munhu akaita sei. Madzidzisiro uye matauriro aJesu aiva akasiyana neevamwe; zvaaidzidzisa zvaibva pane zvinhu zvaakanga azvionera uye azvinzwira paaiva kudenga aina Mwari Wokumusorosoro.—Johani 8:28.

Zvakaitwa naJesu pakuita kuti vanhu vazive nezvaBaba vake tinogona kuzvifananidza nezvinoitwa nemudziyo wemagetsi unonzi transformer. Mudziyo uyu unotora magetsi anenge ane simba rakawandisa worichinja kuti rive simba shoma rinogona kushandisika mudzimba. Jesu paaiva pasi pano akashandisa zvaakanga adzidza paaiva naBaba vake kudenga achibva azviudza vanhu nenzira iri nyore kunzwisisa uye kuzvishandisa.

Chimbofunga nzira mbiri dzinokosha dzakashandiswa naJesu kuti adzidzise vanhu nezvaBaba vake.

  • Jesu paaidzidzisa akaita kuti vanhu vazive chokwadi nezvaJehovha, kusanganisira zita rake, chinangwa chake uye maitiro aanoita zvinhu.—JOHANI 3:16; 17:6, 26.

  • Maitiro aJesu akanyatsobudisa pachena unhu hwakanaka hwakawanda huna Jehovha. Zvakaitwa naJesu zvainyatsoratidza unhu hwaBaba vake zvokuti aiita seari kutaura kuti: ‘Kana muchida kuziva zvakaita Baba vangu, tarisai ini.’—JOHANI 5:19; 14:9.

Zvechokwadi mararamiro aiita Jesu anoshamisa. Tinogona kubatsirwa chaizvo kana tikaongorora chakaita kuti Jesu afe uye tikaita zvatinenge tadzidza.

^ ndima 9 Kuti udzidze zvakawanda nezveUmambo hwaMwari uye maziviro atinoita kuti hwava pedyo kuuya, ona chitsauko 8 chinoti, “Umambo hwaMwari Chii?,” uye chitsauko 9 chinoti, “Tiri Kurarama Mu‘mazuva Okupedzisira’ Here?,” mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.