Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

4. Kusava Norudo

4. Kusava Norudo

4. Kusava Norudo

“Vanhu . . . vachange vasingadi mhuri dzavo.”—2 TIMOTI 3:1-3, God’s Word Bible

● Chris anoshandira rimwe sangano rinobatsira vanoitirwa mhirizhonga mudzimba kuNorth Wales. Anoti, “Ndinoyeuka mumwe mukadzi akauya akarohwa zvokuti ndakatadza kumuziva. Vamwe vakadzi vakashungurudzwa zvokuti havatombogoni kusimudza musoro nokutya.”

ZVIRI KUITIKA ZVINORATIDZEI? Mune imwe nyika iri muAfrica, anenge mukadzi 1 pa3 voga-voga akamboshungurudzwa pabonde achiri muduku. Ongororo yakamboitwa munyika iyoyo yakaratidza kuti inoda kusvika hafu yevarume vomunyika iyi vaisaona chakaipa nokurova vakadzi vavo. Asi havasi vakadzi voga vanorohwa. KuCanada pavarume 10 voga-voga, 3 vavo vakamborohwa kana kushungurudzwa nevakadzi vavo.

NDEDZIPI NHARO DZINOWANZOITWA NEVANHU? Mhirizhonga mudzimba yakabvira kare. Kungoti yava kunyanya kutaurwa nezvayo kupfuura kare.

NHARO IDZODZO DZINE MUSORO HERE? Mumakumi emakore adarika nyaya yemhirizhonga mudzimba iri kutaurwa chaizvo. Asi izvozvo zvaita kuti mhirizhonga mudzimba idzikire here? Kana. Kusava norudo ndiko kwanyanya kuzara.

IWE UNOFUNGEI? Rugwaro rwa2 Timoti 3:1-3 rwuri kuzadzika here? Vakawanda havadi mhuri dzavo here?

Uprofita hwechishanu hwauri kuona huchizadzika hunosanganisira musha wedu, iyo nyika. Chimboona zvinotaurwa neBhaibheri nezvenyaya iyi.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]

“Mhirizhonga mudzimba ndeimwe mhosva huru inoshungurudza isiri kumhan’arwa. Kazhinji mukadzi anoshungurudzwa nemurume wake anozomhan’ara kumapurisa pashure pokushungurudzwa ka35.”—MUTAURIRI WESANGANO ROKUWALES RINOBATSIRA VANOITIRWA MHIRIZHONGA MUDZIMBA.