Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mararamiro Epanguva Dzainyorwa Bhaibheri—Mari

Mararamiro Epanguva Dzainyorwa Bhaibheri—Mari

Mararamiro Epanguva Dzainyorwa Bhaibheri—Mari

“Akagara pasi paaikwanisa kuona midziyo yokuisa mari, akatanga kucherechedza kudonhedzera mari kwaiita boka revanhu mumidziyo yokuisa mari; uye vanhu vazhinji vakapfuma vakanga vachidonhedzera mari zhinji. Zvino imwe chirikadzi yaiva murombo yakasvika, ikadonhedzera tumari tuviri twaisambokosha.”—MAKO 12:41, 42.

MARI inowanzotaurwa nezvayo muBhaibheri. Somuenzaniso, munhoroondo dzeEvhangeri Jesu akataura nezvemhando dzemari dzakasiyana-siyana achidzidzisa zvidzidzo zvinokosha. Pane chidzidzo chaakadzidzisa achishandisa muenzaniso wemupiro wechirikadzi ‘wetumari tuviri.’ Rimwe zuva akataura nezveimwe mhando yemari yainzi dhinari kuti abatsire vateveri vake kuziva kuti vanofanira kuona sei masimba ehurumende. *Mateu 22:17-21.

Ko mari yakambogadzirirwei? Munguva dzakanyorwa Bhaibheri yaigadzirwa sei? Yaishandiswei? Uye Bhaibheri rinodzidzisa kuti tinofanira kuiona sei?

Kusiya Zvematenganagudo Pachiitwa Zvemari

Mari isati yagadzirwa vanhu vaitengeserana vachiita zvekuchinjana zvinhu. Vaichinjana zvinhu kana kuitirana mabasa zvichienderana nezvaidiwa. Asi dzimwe nguva matengesero aya akanga asinganyatsoita. Kuti matengesero aya anyatsoita mumwe nomumwe aifanira kunge achida zvinhu zvaitengeswa nomumwe wake. Uyezve vatengesi vaiwanzotakura kana kutarisira zvinhu zvinorema zvakadai semhuka kana kuti masaga ezviyo.

Vatengesi vakazoona kuti vaifanira kuwana chinhu chisinganetsi kutakura chaigona kushandiswa pakutenga. Saka vakabva vaona kuti mushonga kushandisa zvinhu zvinokosha zvakadai segoridhe, sirivha uye mhangura. Sezviri pamufananidzo apa, mutengesi ari kushandisa zvishongo zvinokosha uye dzimwe simbi kuti atenge kana kuitirwa mamwe mabasa. Zvicherwa izvi zvainyatsoyerwa pazvikero zvainyatsoshanda vasati vawirirana kuti uyu otora chipi. Somuenzaniso, Abrahamu paakatenga nzvimbo yokuti avige mudzimai wake Sara, akatanga ayera mari yaidiwa.—Genesisi 23:14-16.

Jehovha paakapa vaIsraeri Mutemo wakaita zvokunyorwa, vatengesi vanokara vakanga vachishandisa zvikero zvakafa kana kuti zvisina kururama vachibiridzira vatengi. Jehovha Mwari anonyangadzwa nokusatendeseka, zvokuti akaudza vaIsraeri vaiita zvokutengesa kuti: “Muve nechikero chakarurama, zvokuyeresa zvakarurama.” (Revhitiko 19:36; Zvirevo 11:1) Saka mazuva ano vaya vanoita zvokutengesa vanofanira kuyeuka kuti nanhasi Jehovha haana kuchinja maonero aanoita nyaya yokukara uye kusatendeseka.—Maraki 3:6; 1 VaKorinde 6:9, 10.

Magadzirirwo Aiitwa Mari Yesimbi

Mari yesimbi inofanira kunge yakatanga kugadzirwa kuLydia (yava kunzi Turkey) gore ra700 B.C.E risati rasvika. Vanhu vaichera zvicherwa munyika dzakasiyana-siyana vakatanga kugadzira mari yesimbi yakawanda kwazvo, uye vanhu vari munzvimbo dzakasiyana-siyana dzinotaurwa muBhaibheri vakatanga kuishandisa.

Mari yesimbi yaigadzirwa sei? Mushandi aibvisa simbi yakanyungudutswa muvira romoto (1) oidurura mumudziyo weraundi, kuti igobuda yaoma uye isina kunyorwa (2). Aibva azoibudisa oiisa pakati pedzimwe simbi dzakaita zvokunyorwa nezviratidzo kana kuti dzine mifananidzo (3). Aizoroverera simbi dziya nesando kuti zviratidzo kana mufananidzo uya zvidhindikire pasimbi iya yokunyungudutswa (4). Izvi zvaiwanzokonzera kuti mifananidzo ibude iri nechepadivi. Vashandi vaibva vazoyera mari yesimbi vachiona kuti yaienderana here, kana iri iya inenge isina kunyatsobuda zvakanaka yaichekererwa (5).

Vaichinja Mari, Vateresi Uye Vaiva Nemabhengi

Muzana remakore rokutanga C.E., muParestina makanga mava nemari yesimbi yaibva kunyika dzakasiyana-siyana. Somuenzaniso, vanhu vaiuya kutemberi yokuJerusarema vaiuya nemari yesimbi yekunyika dzekwavo. Asi vaitarisira temberi vaiva neimwe mari yavaigamuchira pakubhadhara mutero wetemberi, kwete yose-yose. Vaichinja mari vaizviitira mutemberi uye vaichinja nemari yakakwirira zvikuru. Jesu akashora zvaiitwa nevarume ava vaikara. Akazviitirei? Nokuti vakanga vava kuita imba yaJehovha “imba yokutengesera” uye “bako remakororo.”—Johani 2:13-16; Mateu 21:12, 13.

Vagari vokuParestina vaifanirawo kubhadhara mitero yakasiyana-siyana kuhurumende. Mumwe waiva “mutero womunhu wose” souya wakabvunzwa Jesu nevanhu vaimudenha. (Mateu 22:17) Mimwe yaiva mitero yemigwagwa uye yezvinhu zvaipinda nokubuda munyika. Vateresi vehurumende vokuParestina vakanga vane mbiri youori uye vanhu vaivashora. (Mako 2:16) Vateresi vaichaja vanhu mitero zvakanyanyisa kuitira kuti ivo vazosara neimwe muhomwe. Asi vamwe vateresi vakadai saZakeyo, vakateerera zvakataurwa naJesu ndokubva vasiya tsika dzavo dzouori. (Ruka 19:1-10) Nhasiwo vaya vanoda kutevera Kristu vanofanira kunge vakavimbika pazvinhu zvose, kusanganisira panyaya dzebhizimisi.—VaHebheru 13:18.

Kwaivawo nevamwe vaiva nemabhengi. Vakanga vasingangogumiri pakuchinja mari dzokune dzimwe nyika, asi vaichengetera vanhu mari yavo, vaikweretesa, uye vanenge vaunza mari kuti izochengetwa vaizopiwa yabereka. Ndivo vanhu vairehwa naJesu paakapa muenzaniso wevaranda vakapihwa uwandu hwemari dzakasiyana-siyana kuti vanoita bhizimisi nadzo.—Mateu 25:26, 27.

Maonero Atinofanira Kuita Mari

Iye zvino munyika dzakawanda munhu anofanira kutsvaka mari kuti atenge zvaanoda. Mashoko akanyorwa naMambo Soromoni mazana emakore apfuura pashure pokunge afuridzirwa naMwari achiri echokwadi, okuti: “Mari inodzivirira.” Asiwo Soromoni akataura kuti uchenjeri hunokosha nokure kupfuura mari nokuti “hunochengetedza varidzi vahwo vari vapenyu.” (Muparidzi 7:12) Uchenjeri uhwu hunowanikwa muBhaibheri.

Jesu akabatsira vateveri vake kuti vave nemaonero akanaka panyaya yemari paakati: “Kunyange kana munhu aine zvizhinji upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.” (Ruka 12:15) Kungofanana nevadzidzi vaJesu vomuzana remakore rokutanga, isuwo tinoratidza kuti tine uchenjeri kana tikashandisa mari zvine musoro uye takatendeseka, torega kuida.—1 Timoti 6:9, 10.

[Mashoko Omuzasi]

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 26]

 Zvakanga Zvakaita Mari

● Pamari dzesimbi dzaishandiswa muzana remakore rokutanga muParestina, imwe yeduku dzacho yainzi lepta. Munhu aishanda maminitsi 15 chete kuti apiwe mari idzi mbiri. Kunenge kuti tumari utwu tuviri nditwo twakadonhedzerwa nechirikadzi mumudziyo wokuisira mari mutemberi.—Mako 12:42.

Drakema resirivha imari yekuGirisi yaishandirwa zuva rose. (Ruka 15:8, 9) Varume vose vechiJudha vaibhadhara mutero wetemberi wemadrakema maviri pagore.—Mateu 17:24.

Dhinari resirivha imari yesimbi yokuRoma yaiva nemufananidzo waKesari. Saka Roma payaitonga yaishandiswa so“muripo” waibhadharwa nemunhurume wose wechiJudha. (VaRoma 13:7) Mushandi aibhadharwa dhinari rimwe kana ashanda maawa 12 pazuva.––Mateu 20:2-14.

Shekeri resirivha chaiyo raigadzirwa kuguta reTire uye raishandiswa kuParestina Jesu paaiva pasi pano. “Masirivha makumi matatu” akabhadharwa Judhasi Iskariyoti nevapristi vakuru paakatengesa Jesu angangodaro aiva mashekeri okuTire.—Mateu 26:14-16.

Makuriro chaiwo akaita mari dzesimbi