Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Usatamba Neshamwari Dzakashata!

Usatamba Neshamwari Dzakashata!

Zvevechiduku

Usatamba Neshamwari Dzakashata!

Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa. Ngazviite sokuti zviri kutoitika.

Vanhu vanonyanya kutaurwa: Dhina, Shekemu, Jakobho, Simiyoni uye Revhi

Nyaya yacho muchidimbu: Dhina anobatwa chibharo naShekemu uye hanzvadzi dzake dzinoronga kutsiva.

ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA GENESISI 34:1-31.

Unofunga kuti zvii zvaiitwa naDhina paaiva neshamwari dzake kuKenani?

․․․․․

Unofunga kuti Shekemu aiti kudini ‘paairamba achitaura achinyengetedza’ Dhina?

․․․․․

Unofunga kuti inzwi Jakobho rakaita sei paari kutsiura Simiyoni naRevhi mundima 30?

․․․․․

2 DZAMISA PFUNGWA.

Unofunga kuti nemhaka yei Dhina aigara achishanyira vanasikana vokuKenani? (Somuenzaniso, chii chavangava vaifarira vose? Chii chaangadaro akawana kuvanhu vechiKenani chaiva chisiko kumba kwavo?)

․․․․․

Unhu hupi hwaiva naDhina hungadaro hwakayemurwa naShekemu? (Verengazve ndima 3, 12, uye 19.)

․․․․․

Bhaibheri rinoratidza sei kuti Dhina akanga asingadi kuita zvounzenza? (Verengazve ndima 2.)

․․․․․

Unofunga kuti zvakaitwa naSimiyoni naRevhi zvokuuraya vanhu vaigara muguta reShekemu zvakanga zvakanaka here? Sei uchidaro?

․․․․․

3 ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .

Kuchenjerera pakusarudza shamwari.

․․․․․

Kukosha kwokuzvidzora kunyange pane chikonzero chakanaka chokuti ugumbuke.

․․․․․

ZVIMWE ZVOKUTI UITE.

Matanho api aungatora kuti usashungurudzwa pabonde nevanhu vasingaremekedzi mitemo yaMwari ine chokuita netsika?

․․․․․

4 CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?

․․․․․

Kana usina Bhaibheri, Kumbira Zvapupu zvaJehovha, kana kuti verenga paIndaneti www.watchtower.org