Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Mazita akadhindwa pazvisimbiso zvevhu zvekare-kare akafanana papi nemazita anotaurwa muBhaibheri?

Kare-kare, vaya vaitarisira magwaro ehurumende vaiamonerera netambo voasunga uye voisa ivhu nyoro pachishwe vobva varidhinda nechisimbiso. Vaishandisa zvisimbiso kusaina uye kupupurira kuti gwaro racho nderepamutemo.

Dzimwe nguva zvisimbiso zvainge zviri pamarin’i ane chidhindo uye zvaionekwa sezvinhu zvinokosha. (Genesisi 38:18; Esteri 8:8; Jeremiya 32:44) Kazhinji zvisimbiso zvainge zviine zita romuridzi, zita rebasa uye zita rababa vake.

Vanotsvakurudza vakawana mazana ezvisimbiso zvaiva pazvidhindo zvaishandiswa makare-kare. Zvimwe zvacho zvine mazita evanhu vanotaurwa muBhaibheri. Somuenzaniso, vanochera matongo vakawana zviratidzo zvezvisimbiso zvinofungidzirwa kuti zvaiva zvemadzimambo maviri aJudha. Pamwe pacho panoti: “NdechaAhazi [mwanakomana] waYehotamu [Jotamu], Mambo waJudha.” Pamwe paiti: “NdechaHezekiya [mwanakomana] waAhazi, Mambo waJudha.” (2 Madzimambo 16:1, 20) Ahazi naHezekiya vakatonga muzana remakore rechisere B.C.E.

Nyanzvi dzakaongorora zvimwe zvidhindo zvakawanda zvezvisimbiso zvinofungidzirwa kuti zvakanga zviri zvevanhu vanotaurwa muBhaibheri. Vamwe vevanhu vanotaurwa mumagwaro aJeremiya ndivanaBharuki (munyori waJeremiya), Gemariya (“mwanakomana waShafani”), Jerameeri (“mwanakomana wamambo”), Jukari (“mwanakomana waSheremiya”), uye Seraya (hama yaBharuki).—Jeremiya 32:12; 36:4, 10, 26; 38:1; 51:59.

Bhaibheri rinosiyanisa sei nguva dzezuva?

Magwaro echiHebheru anoshandisa mashoko akadai sokuti “mangwanani,” “masikati,” “masikati machena,” uye “manheru.” (Genesisi 24:11; Dheuteronomio 28:29; 1 Madzimambo 18:26) VaHebheru vaikamura usiku kuita nguva nhatu dzokurinda, imwe neimwe yakareba maawa mana asi vakazopedzisira vava kushandisa nzira yevaGiriki uye vaRoma yenguva ina dzokurinda, imwe neimwe yakareba maawa matatu. Jesu anofanira kunge aitaura nezvenzira yaishandiswa nevaGiriki uye vaRoma paakati: “Rambai makarinda, nokuti hamuzivi pachauya tenzi wemba, zvimwe kumanheru kana pakati pousiku kana pakurira kwejongwe kana mangwanani-ngwanani.” (Mako 13:35) Nguva yokurinda kwe“manheru” yaitangira panonyura zuva kusvikira nguva dza9:00 usiku. Yechipiri yaibva na9:00 kusvika pakati pousiku uye yechitatu iyo yainzi “kurira kwejongwe” yaibva pakati pousiku kusvika na3:00 kwoedza. Yokupedzisira ye“mangwanani-ngwanani” yaitangawo na3:00 kusvika panobuda zuva. Jesu akafamba pamusoro pegungwa reGarireya “munguva yokurinda yechina yousiku.”—Mateu 14:23-26.

MuMagwaro echiKristu echiGiriki, shoko rokuti “awa” rinoreva chikamu chimwe pazvikamu 12 zvechiedza chemasikati kubva panobuda zuva kusvika parinonyura. (Johani 11:9) Sezvo munyika yeIsrael nguva inobuda zuva kusvika parinonyura ichisiyana mumwaka woga woga, kazhinji nguva yaiitika zvinhu yaisataurwa zvakananga. Somuenzaniso, zvaingonzi “paawa inenge yechitanhatu.”—Mabasa 10:9.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Zvisimbiso zvevhu zvine mazita okuti Hezekiya (pamberi) uye zvichida Bharuki (kumashure)

[Kwazvakatorwa]

Kumashure: Courtesy of Israel Museum, Jerusalem

Kumberi: www.BibleLandPictures.com/Alamy

[Mufananidzo uri papeji 15]

Chinhu chaishandiswa pakuziva nguva munguva yevaRoma (27 B.C.E.–476 C.E.)

[Kwazvakatorwa]

© Gerard Degeorge / The Bridgeman Art Library International