Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Ane Sangano Here?

Mwari Ane Sangano Here?

Mwari Ane Sangano Here?

ZVINHU zvose zvakasikwa naMwari zvinoratidza kurongeka. Kurongeka uku hakungogumiri pane zvatinoona nemaziso, asiwo Bhaibheri rinoratidza kuti kunyange ngirozi dzakarongeka zvikuru, zvinoenderana nechinangwa choMusiki wedu. Muprofita Dhanieri akaratidzwa boka rakakura rengirozi dzaMwari dziri kudenga achibva ati: “Paiva nezviuru zvine chiuru zvairamba zvichimushumira, uye zviuru gumi zvakapetwa kane zviuru gumi zvairamba zvimire pamberi pake chaipo.” (Dhanieri 7:9, 10) Nokuwanda kwakaita ngirozi dzinosvika mamiriyoni anopfuura zana, unofungidzira kuti zvinoda kurongeka kwakadini kuti dzikwanise kuteerera uye kuita zvinotaurwa naMwari nezvevashumiri vake vari pasi pano!—Pisarema 91:11.

Kunyange zvazvo Musiki wedu Jehovha Mwari ari Murongi Wemandorokwati, haasi Mwari akangoti kwindi anogara achingopa mitemo-mitemo. Asi ndiMwari ane ushamwari, anofara uye ane hanya nezvisikwa zvake zvose. (1 Timoti 1:11; 1 Petro 5:7) Izvi tinozviona pamabatiro aakaita rudzi rwaIsraeri uye vaKristu vomuzana remakore rokutanga.

VaIsraeri Vekare Rwaiva Rudzi Rwakanyatsorongeka

Jehovha Mwari akashandisa Mosesi kuti atungamirire vaIsraeri kuti vanamate nenzira yechokwadi. Chimbofunga kurongwa kwakanga kwakaitwa misasa panguva yavakambomira murenje reSinai. Kudai mhuri imwe neimwe yakanga yangobvumirwa kudzika tende rayo payaida, zvinhu zvingadai zvakaita manyama amire nerongo. Jehovha akapa rudzi rwacho mirayiridzo yokuti dzinza rimwe nerimwe raizofanira kudzika musasa waro papi. (Numeri 2:1-34) Mutemo waMosesi wainyatsodonongodzawo mirayiro yezvoutano uye youtsanana, zvakadai semarasirwo aifanira kuitwa tsvina yevanhu.—Dheuteronomio 23:12, 13.

VaIsraeri pavakapinda muNyika Yakapikirwa, vaiva vakarongeka pane zvakawanda. Rudzi rwacho rwaiva rwakakamurwa kuva madzinza 12, rimwe nerimwe rakagoverwa nhaka yaro. Mutemo uyo Jehovha akapa rudzi rwacho achishandisa Mosesi waibata-bata mararamiro evanhu, zvakadai semanamatiro avo, kuroorana, mhuri, dzidzo, zvebhizimisi, zvokudya, kurima, kupfuya mhuka, nezvimwewo. * Kunyange zvazvo mimwe yacho yainyatsodonongodza zvaifanira kuitwa, yose yairatidza kuti Jehovha ane hanya nevanhu vake uye yaiita kuti zvinhu zvivafambire zvakanaka. VaIsraeri pavaiteerera urongwa ihwohwo hwairatidza rudo, vaifarirwa naJehovha.—Pisarema 147:19, 20.

Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti Mosesi aiva nechipo chokutungamirira, kugona kwake kana kutadza kwake zvakanga zvisinei nechipo chake, asi kuvimbika kumirayiridzo yaMwari ndikwo kwaizomubatsira. Somuenzaniso, Mosesi akaziva sei nzira yokufamba nayo murenje? Jehovha aishandisa shongwe yegore masikati uye yomoto kana hwava usiku kuti ivatungamirire. (Eksodho 13:21, 22) Kunyange zvazvo Mwari aishandisa vanhu, iye pachake ndiye aironga uye aitungamirira vanhu vake. Ndizvo zvaaiitawo muzana remakore rokutanga.

VaKristu Vomuzana Remakore Rokutanga Vaiva Vakanyatsorongeka

Muzana remakore rokutanga, kunyika dzakawanda dzokuAsia nokuEurope kwakaumbwa ungano dzechiKristu dzakawanda pamusana pekushingaira kuparidza kwaiitwa nevaapostora nevadzidzi. Kunyange zvazvo ungano idzi dzaiva kure nakure, dzakanga dzisingangoiti mazvake-mazvake. Asi dzakanga dzakanyatsorongeka, uye dzakabatsirwa nokutungamirirwa nevaapostora. Somuenzaniso, Pauro akatuma Tito kuKrete “kuti anoronga zvinhu zvose.” (Tito 1:5, The Jerusalem Bible) Uye Pauro akanyorera ungano yokuKorinde kuti dzimwe hama dzaiva “nezvipo zvokufambisa basa,” kana kuti dzaiva “varongi.” (1 VaKorinde 12:28, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi; The Bible in Contemporary Language) Asi ndiani aiita kuti zvinhu zvirongeke saizvozvo? Pauro akati ‘Mwari akaumba’ kana kuti “kuronga” ungano.—1 VaKorinde 12:24; Bhaibheri Dzvene, Testamende Itsva; The Riverside New Testament.

Vatariri vakagadzwa vomuungano yechiKristu vakanga vasiri vanatenzi vevavainamata navo. Asi vaiva “vashandi pamwe chete” vaiita zvaitaurwa nomudzimu waMwari, uye vaitarisirwa kuva “mienzaniso kuboka.” (2 VaKorinde 1:24; 1 Petro 5:2, 3) Jesu Kristu akamutswa ndiye “musoro weungano,” kwete munhuwo zvake kana kuti boka revarume vasina kukwana.—VaEfeso 5:23.

Ungano yokuKorinde payakatanga kuita zvinhu nenzira yakanga yakasiyana chaizvo nemaitiro aiita dzimwe ungano, Pauro akanyora kuti: “Chii? Shoko raMwari rakabva kwamuri here, kana kuti rakasvika kwamuri chete here?” (1 VaKorinde 14:36) Akavabvunza mubvunzo uyu wakanga usingadi hawo mhinduro achida kuti vagadzirise mafungiro avo uye vanzwisise kuti vaisafanira kuita mazvake-mazvake. Padzakatevera zano revaapostora, ungano dzacho dzakaramba dzichikura uye dzichisimbiswa.—Mabasa 16:4, 5.

Urongwa Uhwu Chiratidzo Chokuti Mwari Anotida

Mazuva ano vamwe vangazeza kuva nesangano rechitendero ravanowadzana naro. Zvisinei, uchapupu huri muBhaibheri hunoratidza kuti Mwari akagara achingoshandisa sangano rake kuti aite chinangwa chake. Akaita kuti manamatiro evaIsraeri vekare ave akarongeka uye ndizvowo zvaakaita kuvaKristu vokutanga.

Saka hazvina musoro here kuti tifunge kuti Jehovha Mwari achiri kutungamirira vanhu vake sezvaaiita kare? Kuita kuti vanhu vake vave vakarongeka uye vabatane chiratidzo chokuti anovada. Mazuva ano, Jehovha anoshandisa sangano rake kuti aite kuti chinangwa chake nokuda kwevanhu chibudirire. Tingaziva sei kuti iri ndiro sangano rake? Ngatimboongororai zvinotevera.

Marongerwo akaitwa vaKristu vechokwadi anoita kuti vabudirire kuita basa ravo. (Mateu 24:14; 1 Timoti 2:3, 4) Jesu akarayira vateveri vake kuti vaparidze mashoko akanaka oUmambo kumarudzi ose, rinova basa raisazombobudirira dai pasina sangano riri munyika yose. Somuenzaniso, zviri nyore kuti upe munhu mumwe zvokudya, asi kana wava kufanira kupa zviuru kana kuti mamiriyoni evanhu, unotofanira kuva neboka revanhu vakarongeka vanoshanda pamwe chete. Kuti vaKristu vaite basa ravo, vanofanira kushanda “vakabatana pakuita basa raMwari.” (Zefaniya 3:9; Byington) Sangano risina kubatana rinoita mazvake-mazvake rine charingabudisa here kana riine vanhu vemarudzi, mitauro uye vemadzinza zvakasiyana-siyana? Hapana charingabura.

Marongerwo akaitwa vaKristu vechokwadi anoita kuti vatsigirane uye vakurudzirane. Munhu anofarira zvokushambira anogona kusarudza kushambira ari oga, asinganetseki nokutarisira vaya vanenge vachiri kudzidzira. Asi kana onyura upenyu hwake hunova pamutanhiko, sezvo panenge pasina munhu angamubatsira. Zanondoga akapisa jira mumasese. (Zvirevo 18:1) Kuti vaKristu vaite zvavakarayirwa naJesu, vanofanira kubatsirana nokutsigirana. (Mateu 28:19, 20) Ungano yechiKristu inopa mirayiridzo yatinoda chaizvo iri muBhaibheri, inodzidzisa uye inokurudzira vose kuti varambe vachienderera uye vasadzokera kumashure. Kudai panga pasina misangano yechiKristu yakarongwa kuti tirayiridzwe uye tinamate, taizoenda kupi?—VaHebheru 10:24, 25.

Marongerwo akaitwa vaKristu vechokwadi anoita kuti vashumire Mwari vakabatana. Makwai aJesu paanoteerera inzwi rake, anova “boka rimwe chete” raanotungamirira. (Johani 10:16) Havana kudyarwa-dyarwa mumachechi kana mapoka akasiyana-siyana; uyewo havadzidzisi zvinhu zvakasiyana. Vose ‘vanotaura vachibvumirana.’ (1 VaKorinde 1:10) Kuti tigare takabatana, zvinhu zvinofanira kunge zvakarongeka. Jehovha anongokomborera chete kana hama dzakabatana.—Pisarema 133:1, 3.

Kuda Mwari nomwoyo wose uye kuda chokwadi cheBhaibheri kwakaita kuti mamiriyoni auye kusangano rinoita zvinhu izvi zvataurwa nezvimwewo zviri muBhaibheri. Sevanhu vakarongeka uye vakabatana, Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvinoedza kuita zvinodiwa naMwari. Anovavimbisa kuti: “Ndichagara pakati pavo nokufamba pakati pavo, ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.” (2 VaKorinde 6:16) Iwewo unogona kuwana chikomborero ichi chakazonaka kana ukanamata Jehovha Mwari wakabatana nesangano rake.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Ona bhuku rinonzi Insight on the Scriptures, Vhoriyumu 2, mapeji 214-220, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 13]

VaIsraeri vaidzika misasa zvakanyatsorongeka

[Mifananidzo iri papeji 14, 15]

Kuti paitwe basa rokuparidza munyika yose zvinoda kurongeka

Ushumiri hwepaimba neimba

Kuyamura vanenge vawirwa nenjodzi

Magungano

Kuvaka nzvimbo dzokunamatira