Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

VaKristu Vose Vakatendeka Vanoenda Kudenga Here?

VaKristu Vose Vakatendeka Vanoenda Kudenga Here?

Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .

VaKristu Vose Vakatendeka Vanoenda Kudenga Here?

▪ Vakawanda vakamboverenga mashoko aJesu anonyaradza okuti: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Jesu aireva here kuti munhu wose akatendeka anonamata Baba vake Jehovha Mwari, achaenda kudenga kunofara nokusingaperi?

Cherechedza mashoko aJesu anotibatsira kunyatsofunga nezvenyaya iyi anoti: “Hapana munhu akakwira kudenga asi uya akaburuka achibva kudenga, iye Mwanakomana womunhu.” (Johani 3:13) Izvi zvinoreva kuti vashumiri vaMwari vakatendeka vakararama kare vakadai saNoa, Abrahamu, Mosesi uye Dhavhidhi vakanga vasina kuenda kudenga. (Mabasa 2:34) Saka vakaendepi? Muchidimbu: Vakatendeka ivava vakararama kare vari mumakuva, vakazorora, vasina chavanoziva, vakamirira kumutswa.—Muparidzi 9:5, 6; Mabasa 24:15.

MuBhaibheri Jesu ndiye akatanga kutaura nezvekurarama kudenga kana munhu afa. Akaudza vaapostora vake kuti aizonovagadzirira nzvimbo kudenga. (Johani 14:2, 3) Ichi chakanga chiri chinhu chitsva kuvanhu vaMwari. Pashure pokunge Jesu afa uye amutswa kuenda kudenga, muapostora Pauro akazotsanangura kuti Jesu ‘akakumikidza vadzidzi vake nzira itsva uye mhenyu,’ nzira yakanga isingambozivikanwi nevanhu.—VaHebheru 10:19, 20.

Saka zvinoreva here kuti kubvira ipapo vanhu vose vakatendeka vakatanga kuenda kudenga? Aiwa, nokuti zvokumutsirwa kuenda kudenga ndezvevanhu vashoma vane basa ravachanoita. Pausiku hwaakapedzisira kuva nevaapostora vake, Jesu akavaudza kuti ‘vaizogara pazvigaro zvoumambo kuti vatonge’ muUmambo hwake hwokudenga. Saka basa ravo raizova rokutonga naJesu vari kudenga.—Ruka 22:28-30.

Vaapostora havasi ivo voga vaizopiwa basa iri rinokosha. Muapostora Johani achiita seari kurota akaratidzwa Jesu ane boka revakamutswa kudenga vachinzi ‘umambo uye vapristi vachatonga pamusoro penyika.’ (Zvakazarurwa 3:21; 5:10) Vaiva vangani? Kungofanana nedzimwe hurumende dzose, vanhu vashoma ndivo vanotonga. Ndizvo zvakangoitawo Umambo hwokudenga. Jesu Gwayana raMwari, richatonga riine vanhu 144 000 “vakatengwa pakati pevanhu.”—Zvakazarurwa 14:1, 4, 5.

Ichokwadi kuti vanhu 144 000 vashoma kana tichienzanisa negurumwandira revanhu vakatendeka vakararama kare uye vari kurarama iye zvino. Asi izvi zvine musoro nokuti vanhu 144 000 vachamutsirwa kudenga vane basa rinokosha ravachanoita. Ngatitii uri kuda kuvaka imba, ungadana mabhiridha ose emunharaunda yenyu here? Haungambodaro. Unenge uchingoda vashomanana vanoenderana nebasa racho. Saizvozvowo Mwari haana kutora vashumiri vose vakatendeka kuti vanoita basa iri rinokosha rokutonga naKristu kudenga.

Hurumende iyi yokudenga ichaitira vanhu zvakagara zvichidiwa naMwari kubvira pakutanga. Jesu nevaachatonga navo 144 000, vachatungamirira kuchinjwa kuchaitwa nyika yose kuva paradhiso umo vanhu vasingaverengeki vakatendeka vachararama vachifara nokusingaperi. (Isaya 45:18; Zvakazarurwa 21:3, 4) Izvi zvinosanganisira vaya vanoyeukwa naMwari vachamutswa.—Johani 5:28, 29.

Mushumiri wose waJehovha akatendeka akararama kare kana kuti iye zvino achawana chipo ichi choupenyu husingaperi. (VaRoma 6:23) Vashoma ndivo vachararama kudenga vachiita basa rinokosha, asi vazhinji vachange vachirarama pasi pano muparadhiso.