Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidzisai Vana Venyu

Wati Wambonzwa Sokuti Uri Zambiringa Munyemba Here?

Wati Wambonzwa Sokuti Uri Zambiringa Munyemba Here?

KUVA zambiringa munyemba kuonekwa nevamwe sokuti haukodzeri kushamwaridzana navo. Zvingava zvichibva pakusiyana kweruvara rweganda, kwaunobva, matauriro kana maitiro ako. Iwe unombonzwa sokuti uri zambiringa munyemba here? *

Ngatimbokurukurai nezvomumwe murume akambonzwa saizvozvo. Ainzi Mefibhosheti. Ngationei kuti aiva ani uye kuti chii chaiita kuti anzwe semanzwiro aaiita. Kana wakamboona sokuti wava zambiringa munyemba, une zvakawanda zvaungadzidza kubva kuna Mefibhosheti.

Mefibhosheti aiva mwanakomana waJonatani, shamwari yaDhavhidhi yepamwoyo. Jonatani asati afira kuhondo, akanga audza Dhavhidhi kuti: ‘Uitire vana vangu zvakanaka.’ Dhavhidhi akava mambo, uye kwapera makore akati akazoyeuka zvakanga zvataurwa naJonatani. Mefibhosheti akanga achiri mupenyu. Paaiva achiri muduku, akaita tsaona yakamukuvadza akasara asingachagoni kufamba. Uri kuona here chingava chaiita kuti Mefibhosheti aone sokuti aiva zambiringa munyemba?

Dhavhidhi aida kuitira mwanakomana waJonatani zvakanaka. Saka akaronga kuti Mefibhosheti azogara pedyo naye muJerusarema, uye akaita kuti achengeterwe nzvimbo patafura yaDhavhidhi yokudyira. Zibha nevanakomana vake nevashumiri vake, vakanzi vashandire Mefibhosheti. Uku ndiko kunonzi kukudzwa chaiko kwakaitwa mwanakomana waJonatani! Unoziva here kuti chii chakazoitika?

Mumba maDhavhidhi zvinhu zvakatanga kuita manyama amire nerongo. Mumwe wevanakomana vake ainzi Absaromu akamupandukira achida kumubvutira umambo. Dhavhidhi aifanira kutiza kuti asaurayiwa. Vanhu vakatevera Dhavhidhi nokuti vainyatsoziva kuti ndiye akanga akakodzera kuva mambo. Mefibhosheti aidawo kuenda asi akatadziswa nenyaya yokuremara.

Zibha akabva audza Dhavhidhi kuti Mefibhosheti akanga asara nokuti aitoda kuva mambo. Zvinosuwisa kuti Dhavhidhi akatenda nhema idzodzo! Saka akabva apa Zibha zvinhu zvose zvaiva zvaMefibhosheti. Munguva pfupi Dhavhidhi akakurira Absaromu achibva adzoka kuJerusarema. Dhavhidhi ndopaakazonzwa mafambiro akanga aita nyaya naMefibhosheti. Dhavhidhi akazoti Mefibhosheti naZibha vagovane pfuma yacho. Unofunga kuti Mefibhosheti akaita sei?

Haana kumbochema-chema kuti zvakanga zvaitwa naDhavhidhi zvaiva zvisina kunaka. Mefibhosheti aiziva kuti mambo aida runyararo kuitira kuti atonge zvakanaka. Saka akati Zibha atore hake pfuma yacho yose. Kuna Mefibhosheti chikuru chaiva chokuti Dhavhidhi mushumiri waJehovha akanga adzoka kuJerusarema ari mambo.

Mefibhosheti akatambura zvokutambura zviya. Kazhinji aizviona sezambiringa munyemba. Asi Jehovha aimuda uye aimutarisira. Tingadzidzei panyaya iyi?— Kunyange patinoita zvakanaka, vanhu vangatinyepera. Jesu akati: “Kana nyika ichikuvengai, munoziva kuti yakandivenga isati yakuvengai.” Vanhu vakatouraya Jesu! Tine chokwadi chokuti kana tikaita zvakanaka, Mwari wechokwadi Jehovha pamwe noMwanakomana wake Jesu, vachatida.

^ ndima 3 Kana uri kuverenga nomwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kumbotura befu uye kukurudzira mwana kuti ataure zvaanofunga.