Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA | ZVAWAKAITIRWA NAMWARI

Chiitiko Chausingafaniri Kupotsa

Chiitiko Chausingafaniri Kupotsa

Usiku hwokupedzisira asati apa upenyu hwake, Jesu akarayira vateveri vake vakatendeka kuti vayeuke chibayiro chake. Achishandisa chingwa chisina mbiriso uye waini tsvuku, akatanga kunonzi Kudya kwaShe Kwemanheru ndokubva avarayira kuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”—Ruka 22:19.

Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvinoungana kuti zviyeuke rufu rwaJesu pamusi warwakaitika gore rimwe nerimwe. Muna 2014, Chirangaridzo chichaitwa musi weMuvhuro, 14 April zuva ranyura.

Unokokwa kuti upinde musangano uyu. Pachataurwa mamwe mashoko nezvezvinorehwa nerufu rwaJesu rwechibayiro. Kupinda musangano wacho hakubhadharwi. Hapana mari ichaunganidzwa. Munhu akakupa magazini ino anogona kukuudza nguva uye kuchaitirwa Chirangaridzo chacho munzvimbo yenyu, kana kuti unogona kutsvaka mashoko panzvimbo yedu yokubudisira mashoko paIndaneti, pajw.org. Tapota usakanganwa nezvechiitiko ichi, uye tinovimba kuti hausi kuzochipotsa.