Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA

Zvawakaitirwa naMwari

Zvawakaitirwa naMwari

“Nokuti Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparara asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16, King James Version.

Mashoko aya emuBhaibheri ari pakati pemamwe anonyanya kuzivikanwa uye anodzokororwa nevakawanda. Zvinonzi hapana imwe ndima inopfuura iyi “pakutsanangura muchidimbu uye zvakajeka nezveukama hwaMwari nevanhu uye nezvenyaya yokuponeswa kwevanhu.” Ndosaka mune dzimwe nyika muchiwanzonyorwa kuti “Johani 3:16” kana kuti mashoko erugwaro rwacho pazviitiko zvinenge zviine vanhu vakawanda, pamapepa anonamirwa pamotokari, pamashoko anonyorwa pamadziro ezvivako nedzimwewo nzvimbo.

Zvinotoita sokuti vanhu vanonyora mashoko acho vane chivimbo chokuti rudo rwaMwari runoita kuti vave nechokwadi chokuzonunurwa nokusingaperi. Ko iwe? Rudo rwaMwari runorevei kwauri? Uye unofunga kuti Mwari akaitei zvinoratidza kuti anokuda?

“MWARI AKADA NYIKA KWAZVO”

Vanhu vakawanda vanobvuma kuti Mwari ndiye akasika zvinhu zvatinoona uyewo vanhu. Zvinhu zvipenyu zvakagadzirwa nenzira yakaoma kunzwisisa uye zvinoratidza kuti panofanira kunge pakashandiswa uchenjeri hwakakura kuti zvivepo. Vakawanda vanotenda Mwari zuva nezuva nekuda kwechipo cheupenyu. Vanozivawo kuti vanotoda kutsigirwa naMwari pane zvose zvinodiwa muupenyu zvakadai semhepo, mvura, uye zvokudya kuitira kuti varambe vachirarama uye vanakidzwe neupenyu.

Zvakanaka kuti titende Mwari nekuda kwezvose izvi, nokuti zvechokwadi ndiye Musiki wedu uye ndiye anoita kuti  tirarame. (Pisarema 104:10-28; 145:15, 16; Mabasa 4:24) Tinogona kunyatsonzwisisa kudiwa kwatinoitwa naMwari patinofunga nezvezvose zvaari kuita kuti tirarame. Muapostora Pauro akati: “[Mwari] anopa vanhu vose upenyu nemhepo yokufema nezvinhu zvose. Nokuti naye tine upenyu, tinofamba uye tiripo.”—Mabasa 17:25, 28.

Asi rudo rwaMwari runoratidzwa nedzimwe nzira dzinopfuura kutitarisira kwaanoita. Akatipa chido chokunamata chinoita kuti tive vakasiyana nemhuka uye anotibatsira kugutsa chido chacho. (Mateu 5:3) Nokudaro, vanhu vanoteerera vane tariro yokuva “vana” vaMwari.—VaRoma 8:19-21.

Maererano nezvinozotaurwa pana Johani 3:16, Mwari akaratidza rudo rwake kwatiri nokutuma Mwanakomana wake Jesu panyika, kuti azotidzidzisa nezvaMwari wake uye Baba vake uye kuti azotifira. Asi vakawanda vanobvuma kuti havanyatsonzwisisi kuti nei Jesu aifanira kufira vanhu uye kuti rufu rwaJesu runoratidza sei rudo rwaMwari kwatiri. Ngationei kuti Bhaibheri rinotsanangura sei chikonzero nei Jesu akafa uye kukosha kwerufu rwake.

“AKAPA MWANAKOMANA WAKE AKABEREKWA ARI MUMWE OGA”

Vanhu vose vanorwara, vanochembera, uye vanofa. Asi handicho chaiva chinangwa chaJehovha Mwari chepakutanga. Akapa vanhu vokutanga tariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso panyika. Asi pane chinhu chimwe chete chavaitarisirwa kuita: Vaifanira kumuteerera. Mwari akati vaizofa kana vaizosarudza kusamuteerera. (Genesisi 2:17) Zvechokwadi, murume wokutanga akapandukira Mwari, zvikaita kuti iye nevana vake vafe. Muapostora Pauro akatsanangura kuti, “chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.”—VaRoma 5:12.

Asi Mwari “anoda kururamisira.” (Pisarema 37:28) Kunyange zvazvo aisagona kubva angofuratira kutadza kwakaita munhu wokutanga achiziva hake, Mwari haana kubva atongera vanhu vose kuti vatambure uye vafe nokusingaperi pamusana pokusateerera kwemunhu mumwe chete. Asi achishandisa mutemo wokutsiva “upenyu noupenyu,” Mwari akaita kuti pave nokururamisira uye akaita kuti vanhu vanoteerera vakwanise kuwanazve upenyu husingaperi. (Eksodho 21:23) Mubvunzo ndewokuti, Upenyu hwakakwana hwakaraswa naAdhamu hwaizowanikazve sei? Mhinduro: Mumwe munhu aifanira kupa, kana kuti kubayira upenyu hwomunhu asina chivi hwakaenzana nehwaAdhamu.

Jesu akauya panyika achizvidira uye akapa upenyu hwake kuti anunure vanhu kubva muchivi nerufu

Zviri pachena kuti hapana mwana waAdhamu aiva nechivi aikwanisa kubhadhara muripo wakadaro, asi Jesu aikwanisa. (Pisarema 49:6-9) Jesu akaberekwa asina chivi uye akakwana kungofanana nezvakanga zvakaita Adhamu. Saka Jesu akanunura vanhu muuranda hwechivi nokupa kwaakaita upenyu hwake. Nokuita kudaro, akapa vana vaAdhamu naEvha mukana wokunakidzwa noupenyu hwakafanana nehwaimbova naAdhamu  naEvha. (VaRoma 3:23, 24; 6:23) Pane here chatinofanira kuita kuti tibatsirwe nerudo rwakakura kudaro?

“MUNHU WOSE ANOTENDA MAARI”

Tikatarisazve pana Johani 3:16, tinoona mashoko okuti, “munhu wose anotenda maari [Jesu] arege kuparara asi ave noupenyu husingaperi.” Izvi zvinoreva kuti pane zvatinotofanira kuita kuti tiwane chipo choupenyu husingaperi. Kana tichizowana “upenyu husingaperi,” tinofanira kutenda muna Jesu tomuteerera.

Unganetseka kuti: ‘Ko kuteerera kwapinda papi? Jesu haana here kuti “munhu wose anotenda maari” achawana upenyu husingaperi?’ Zvechokwadi, kutenda kunokosha. Asi zvinokoshawo kuyeuka kuti Bhaibheri rinoratidza kuti hatifaniri kungotenda chete kuti Jesu ariko. Maererano neduramazwi rinonzi Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words, shoko rakashandiswa naJohani mumutauro wokutanga rinoreva “kuvimba naye kwete kungotenda kuti ariko.” Kuti munhu afarirwe naMwari, anofanira kuita zvinopfuura kungoziva kuti Jesu ndiye Muponesi. Mutendi anofanirawo kuedza nemwoyo wose kushandisa zvakadzidziswa naJesu. Kana pasina mabasa, kungotaura kuti ndinotenda hakuna kukwana. Bhaibheri rinoti, “kutenda kusina mabasa kwakafa.” (Jakobho 2:26) Saka, tingati mutendi anotarisirwa kuti ave nekutenda muna Jesu, kureva kuti anofanira kurarama maererano nezvaanotenda.

Pauro akatsanangura pfungwa yacho achiti: “Rudo runa Kristu runotigombedzera, nokuti izvi ndizvo zvatakaziva, kuti munhu mumwe chete [Jesu] akafira vose . . . Zvino akafira vose kuti vanorarama varege kuzviraramirazve, asi vararamire iye akavafira, akamutswa.” (2 VaKorinde 5:14, 15) Kuonga nemwoyo wose chibayiro chaJesu kunofanira kuita kuti tichinje upenyu hwedu, torega kuzviraramira tichiita zvoudyire asi toraramira Jesu uyo akatifira. Izvi zvinoreva kuti zvakadzidziswa naJesu ndizvo zvatinofanira kuisa pokutanga muupenyu hwedu. Zvichachinjawo zvatinokoshesa, zvatinosarudza, uye zvose zvatinoita. Vaya vanotenda muna Jesu vachawanei?

“AREGE KUPARARA ASI AVE NOUPENYU HUSINGAPERI”

Mashoko ekupedzisira aJohani 3:16 anotaura nezvevimbiso yaMwari kune vaya vanotenda muchibayiro cherudzikinuro uye vanorarama maererano nezvinodiwa naMwari. Mwari anoda kuti vakatendeka ivavo ‘varege kuparara, asi vave noupenyu husingaperi.’ Asi vaya vanobatsirwa nerudo rwaMwari vane tariro dzakasiyana dzeramangwana.

Jesu akavimbisa kuti rimwe boka richawana upenyu husingaperi kudenga. Akaudza vadzidzi vake zvakajeka kuti akanga ava kuda kunovagadzirira nzvimbo kuitira kuti vazotonga naye. (Johani 14:2, 3; VaFiripi 3:20, 21) Vaya vachamutsirwa kunorarama vari kudenga “vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye semadzimambo kwemakore acho ane chiuru.”—Zvakazarurwa 20:6.

Vateveri vaKristu vashoma chete ndivo vaizowana ropafadzo yakadaro. Jesu akatoti: “Musatya, imi boka duku, nokuti Baba venyu vakabvumira kukupai Umambo.” (Ruka 12:32) “Boka duku” racho raizova nevanhu vangani? Zvakazarurwa 14:1, 4 inoti: “Zvino ndakaona, uye, tarira! Gwayana [Jesu Kristu akamutswa] rimire paGomo reZiyoni [rokudenga], riine vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina vakanga vaine zita raro nezita raBaba varo rakanyorwa pahuma dzavo. . . . Ava vakatengwa pakati pevanhu sezvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana.” Kana tichienzanisa nemabhiriyoni akawanda evanhu vakamborarama, vanhu 144 000 vanongova “boka duku.” Ava vanonzi madzimambo, saka vachatonga vanaani?

Jesu akataura nezveboka rechipiri revakatendeka vachabatsirwa neUmambo hwokudenga. Sezviri pana Johani 10:16, Jesu akati: “Ndine mamwe makwai, asiri edanga rino; iwayowo ndinofanira kuuya nawo, achateerera inzwi rangu, uye achava boka rimwe chete, pasi pomufudzi mumwe chete.” “Makwai” aya anotarisira kuzorarama nokusingaperi panyika, inova tariro yaiva naAdhamu naEvha pakutanga. Tinoziva sei kuti tariro yavo ndeyekuzorarama panyika?

 Kakawanda Bhaibheri rinotaura zvichange zvakaita nyika inenge yava Paradhiso. Kuti uzvionere, ungada kuvhura Bhaibheri rako woverenga ndima dzinotevera: Pisarema 37:9-11; 46:8, 9; 72:7, 8, 16; Isaya 35:5, 6; 65:21-23; Mateu 5:5; Johani 5:28, 29; Zvakazarurwa 21:4. Ndima idzodzo dzinofanotaura nezvekuguma kwehondo, nzara, urwere, uye rufu. Dzinotaura nezvenguva apo vanhu vakanaka vachafara kuvaka dzimba dzavo, kurima minda yavo, uye kurera vana vavo murugare. * Tariro yakadaro unoifarira here? Tine chikonzero chakanaka chokutenda kuti vimbiso idzodzo dzichazadzika nokukurumidza.

MWARI AKAITA ZVAKAWANDA

Kana ukambofunga zvose zvawakaitirwa naMwari uye zvaakaitira vanhu vose, zvinova pachena kuti akatoita zvakawanda zvikuru. Tine upenyu, uchenjeri, utano, uye zvinodiwa kuti tirarame. Pamusoro peizvozvo, chipo chaMwari cherudzikinuro rwaJesu uyo akatifira, chinogona kureva zvikomborero zvakakura zvatinodzidza pana Johani 3:16.

Kurarama nokusingaperi murunyararo, tisingatyi kurwara, hondo, nzara, kana rufu kuchaita kuti tive nemufaro uye zvikomborero nokusingagumi. Zviri kwauri kuti uchawana zvikomborero izvozvo here kana kuti kwete. Mubvunzo uripo ndewokuti, Zvii zvauri kuitirawo Mwari?

^ ndima 24 Kuti uwane mamwe mashoko nezveuprofita hwacho, ona chitsauko 3 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.