Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA | SEI ZVAKAIPA ZVICHIITIKA KUVANHU VAKANAKA?

Zvakaipa Zvatekeshera!

Zvakaipa Zvatekeshera!

Smita * aiva nemakore 35 okuberekwa, aigara muguta reDhaka, muBangladesh uye aizivikanwa nokuva nerudo uye kuva nehanya nevamwe. Vanhu vaimuziva semudzimai wechiduku aifara, aishanda nesimba, uye aida kubatsira vamwe kuziva zvaakadzidza nezvaMwari. Vemumhuri yake neshamwari vakavhunduka paakangorwara ndokufa pasati pambopera vhiki!

James nemudzimai wake avo vaiva mumakore ekuma30, vaivawo neunhu hwakafanana nehwaiva naSmita. Pane imwe nguva mukupera kwechirimo, vakashanyira shamwari dzavo kunyika dzekumadokero muUnited States. Havana kuzombodzokazve kumba kwavo kuNew York. Vakafa mutsaona yemotokari, zvikaita kuti pave nevende rakakura kuhama neshamwari uye kune vavaishanda navo.

Hazvidi hazvo kuti utsanangurirwe kuti uipi nekutambura zvatekeshera. Hondo dzinouraya vanhuwo zvavo uye masoja. Kuparwa kwemhosva uye chisimba zvinoitika kuvanhu vasina mhosva. Tsaona dzinouraya uye zvirwere zvinoremadza zvinowira vanhu pasinei nezera kana zvavari. Njodzi dzinongoitika dzega dzinotsvaira vanhu vakawanda. Rusaruro uye udzvinyiriri zvakapararira. Pamwe zvakamboitikawo kwauri.

Hazvishamisi kuti vanhu vabvunze mibvunzo yakaita seiyi:

  • Nei zvakaipa zvichiitika kuvanhu vakanaka?

  • Mwari ndiye ari kuzvikonzera here?

  • Matambudziko anongoitika ega here kana kuti anokonzerwa nevanhu?

  • Munhu anotambura nemhaka yezvaakaita kare asati aberekwazve mune mumwe muviri here?

  • Kana kuina Mwari wemasimbaose, nei asingadziviriri vanhu vakanaka pamatambudziko?

  • Kutambura neuipi zvichazombopera here?

Kuti tipindure mibvunzo iyi, tinofanira kuziva zvinhu zviviri zvinotevera: Nei zvakaipa zvichiitika, uye Mwari achaitei?

^ ndima 3 Mazita akachinjwa.