RWIYO 115
Kuonga Kushivirira kwaMwari
-
1. Jehovha Mwari mune simba,
Munoda zvakarurama.
Uipi hwazara m’nyika,
M’noziva zvinotirwadza.
Hamusi kuzombononoka;
Nguva yenyu ya’kutosvika.
(KORASI)
Totarisira nem’faro,
Tichirumbidza zita renyu.
-
2. Churu chemakore chapera,
Kwamuri izuva rimwe.
Zuva guru raswedera,
Harisi kuzononoka.
Hamutombofariri chivi.
Asi m’nofara tikapfidza.
(KORASI)
Totarisira nem’faro,
Tichirumbidza zita renyu.
(Onawo Neh. 9:30; Ruka 15:7; 2 Pet. 3:8, 9.)