RWIYO 78
‘Kudzidzisa Shoko raMwari’
-
1. Tinonzwa m’faro mukuru,
Kudzidzisa Shoko.
Hapana chingaenzana
Nezvatinowana.
Madzidzisire aKristu
Toatevedzera.
Vatinodzidzisa vanova
Pedyo naJehovha.
-
2. Zvatinodzidzisa vamwe,
Ndozvatinoita.
Vanobva vagutsikana,
Tiri pachokwadi.
Tinochera muMagwaro
Toisa mumwoyo
Pfuma yatinozovapawo;
Tinoikoshesa.
-
3. Tine zvese zvatinoda
Kudzidzisa Shoko.
Mwari anotibatsira
Patinom’kumbira.
Shoko rake tinorida,
Shoko rechokwadi.
Tinodawo vadzidzi vatsva;
Vachadzidzisawo.
(Onawo Pis. 119:97; 2 Tim. 4:2; Tito 2:7; 1 Joh. 5:14.)