Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Sean Gladwell/Moment via Getty Images

RAMBAI MAKAMUKA!

Hurumende Dzepasi Rese Dzakashandisa Mari Inopfuura USD2 Trillion Pazvinhu Zvehondo—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

Hurumende Dzepasi Rese Dzakashandisa Mari Inopfuura USD2 Trillion Pazvinhu Zvehondo—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

 Muna 2022, hurumende pasi rese dzakashandisa mari yakawanda kupfuura yadzati dzamboshandisa inosvika UDS2, 24 trillion pazvinhu zvehondo. Izvi zvakanyanya kukonzerwa nehondo iri kurwiwa pakati peRusia neUkraine. Maererano nemushumo wakabudiswa muna April 2023 nesangano rinoona nezvekutsvakurudza reStockholm International Peace Research Institute (SIPRI), muna 2022:

  •   Hurumende dzemuEurope “dzakawedzera mari yadzinoshandisa pazvinhu zvine chekuita nehondo ne13%. Kubvira pakapera hondo yemashoko muna 1991, hapana gore radzakawedzera mari yadzinoshandisa pazvinhu zvehondo sezvadzakaita muna 2022.”

  •   “Russia…yakawedzera mari yainoshandisa pazvinhu zvehondo neinoda kusvika 9, 2%. Izvi zvakabva zvaita kuti Russia ibve panhamba 5 ichienda panhamba 3 panyika dzinoshandisa mari yakawanda pasi rese pazvinhu zvehondo.”

  •   United States ndiyo yakaramba iri pamusoro pakushandisa mari yakawanda pazvinhu zvehondo kupfuura dzimwe nyika dzese. Pamari inoshandiswa nenyika dzese pazvinhu zvehondo, 39% yacho inoshandiswa neUnited States.”

 Dr. Nan Tian, avo vakabatanidzwa pakunyora mushumo uyu weSIPRI vakati: “Kuwedzera kuri kuita mari inoshandiswa nehurumende pasi rese pazvinhu zvehondo mumakore apfuura kunoratidza kuti nyika yatiri kurarama mairi iri kuwedzera kusachengeteka.”

 Bhaibheri rakagara rataura kuti hurumende dzine simba kupfuura dzimwe dzaizoramba dzichirwisana uye rinotiudza nezvechinhu chimwe chete chichaunza rugare panyika.

Zvakagara zvataurwa kuti kurwisana kwaizowedzera

  •   Bhaibheri rinodana nguva yatiri kurarama mairi kuti ‘nguva yekuguma.’Dhanieri 8:19.

  •   Bhuku raDhanieri rakagara rataura kuti panguva iyoyo, paizova nehurumende dzine simba kupfuura dzimwe dzinenge dzichikwikwidzana. Hurumende idzi ‘dzaizosundidzirana,’ kureva kuti dzaizorwisana dzichida kutonga pasi rese. Kurwisana ikoko kwaizoita kuti dzishandise zvinhu ‘zvinokosha’ zvakawanda kana kuti mari yakawanda.—Dhanieri 11:40, 42, 43.

 Kuti udzidze zvakawanda nezveuprofita uhwu hweBhaibheri, ona vhidhiyo yakanzi Uprofita Hwakazadzika—Dhanieri Chitsauko 11.

Rugare rwechokwadi ruchavapo sei?

  •   Bhaibheri rinotaura kuti Mwari achabvisa hurumende dzevanhu ogadza imwe hurumende. “Achaita kuti pave neumambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzosiyirwi vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwese uhwu, uye ndihwo hwega hucharamba huripo nekusingaperi.”—Dhanieri 2:44.

  •   Munguva pfupi iri kuuya, Jehovha a Mwari achaita zvinhu zvisingakwanisi kuitwa nevanhu. Achaita kuti pave nerugare rwechokwadi rusingazomboperi. Achazviita sei? Umambo hwake hwekudenga huchaparadza zvombo zvese, hwopedza kurwisana.—Pisarema 46:8, 9.

 Kuti unzwe zvakawanda nezvezvichaitwa neUmambo hwaMwari, verenga nyaya yakanzi “Umambo hwaMwari Huchaita Kuti Pave ‘Nerugare Rukuru.’

a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.