Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Yan Zabolotnyi/stock.adobe.com

RAMBAI MAKAMUKA!

Kusateerera Mutemo Kuri Kuwedzera Pasi Rese—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

Kusateerera Mutemo Kuri Kuwedzera Pasi Rese—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

 Zvikwata zvevanhu vanorwisa vamwe kuHaiti zviri kuita zvinorova. KuSouth Africa, kuMexico nedzimwe nyika dzekuLatin America kwazara vanhu vari kupara mhosva vachikuvadza kana kuuraya vanhu. Kunyange munyika dzisisanyanyi kuita zvinhu zvakadai, vanhu vanongogara vachitya uye vachinetseka pavanonzwa nyaya dzakadai sekubiwa kwezvinhu, kupiswa kwedzimba kana kuparadzwa kwezvinhu.

 Bhaibheri rinoti kudii nezvekusateerera mutemo kwazara panyika?

Zvakagara zvataurwa neBhaibheri nezvekusateerera mutemo

 Bhaibheri rakataura kuti kusateerera mutemo ndechimwe chezvinhu zvinoumba chiratidzo chekuti “nyika yava kumagumo kwayo.” (Mateu 24:3) Jesu Kristu paaitaura zvinhu zvaizoumba chiratidzo ichi akati:

  •  Kuwedzera kwekusateerera mutemo kuchaita kuti rudo rwevazhinji rutonhore.”—Mateu 24:12.

 Bhaibheri rakataurawo kuti “mumazuva ekupedzisira” vanhu vaizova ‘vasingazvidzori, vanotyisa uye vasingadi zvakanaka.’ (2 Timoti 3:1-5) Unhu uhwu hwekungozvifunga ndihwo hunokonzera kusateerera mutemo kwatiri kuona.

 Asi hazvisi kuzoramba zvakadai. Bhaibheri rinoti munguva pfupi iri kutevera kusateerera mutemo kuchapera.

  •   “Kwangosara nguva diki, uye vakaipa havazovipozve; uchatarisa pavaiva, asi vanenge vasisipo. Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafara zvikuru vaine rugare rwakawanda.”—Pisarema 37:10, 11.

 Inzwa zvakawanda zvinovimbiswa neBhaibheri uye kuti sei tiine chokwadi chekuti zvinhu zvatiri kuona mazuva ano ndizvo chaizvo zvakagara zvataurwa neBhaibheri. Verenga nyaya dzinotevera.

 Tariro Yechokwadi Yeramangwana Rakanaka

 Chiratidzo ‘Chemazuva Ekupedzisira,’ Kana Kuti ‘Nguva Yekupedzisira’ Ndechipi?

 Bhaibheri Rakagara Rataura Here Unhu Hune Vanhu Mazuva Ano?