26 NOVEMBER, 2021
CANADA
Kumadokero kweCanada Kwakanaya Mvura Yakawanda Ikakonzera Mafashamo
Kubva musi wa13 kusvika musi wa15 November, 2021, mune dzimwe nzvimbo dziri muBritish Columbia nechekumadokero kweCanada makanaya mvura isingaiti. Munzvimbo 20 kwakanaya mvura yakawanda chaizvo yavasati vambowana pazuva, mudzimwe dzacho yaitopfuura 250 millimeters mumazuva matatu iwayo. Mvura iyi yakakonzera mafashamo uye kukukurwa kwematombo nevhu zvichivhara migwagwa. Zvakasiyawo dzimba dzisisagariki zvekuti vanhu vaitofanira kudzisiya uye vaiva panzendo vakakundikana kuenderera mberi nenzendo dzavo.
Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu
Hapana akakuvara
Vaparidzi 144 vaitofanira kubva padzimba dzavo
Dzimba dzehama dzedu 35 dzakakanganisika
Mabasa Ekuyamura
Hofisi yebazi rekuCanada yakaita kuti pave Komiti Yekubatsira Panoitika Njodzi (DRC)
Hama nehanzvadzi dzakanga dzasiya misha yadzo dzakanogara neveukama nezvimwe Zvapupu zviri munzvimbo dziri pedyo dzisina kukanganiswa nemvura
Vatariri vematunhu nevakuru veungano vari kunyaradza nekukurudzira mhuri dzakawirwa nemafashamo
Munzvimbo dziri kunzi nehurumende hadzina njodzi, Komiti Yekubatsira Panoitika Njodzi iri kushanda pamwe chete Dhipatimendi Remapurani Nekuvaka (LDC) kuongorora kuti idzimba ngani dzakakanganisika uye kuti zvii zviri kudiwa kuti dzigadziridzwe
Vese vari kushanda pabasa rekuyamura vari kutevedzera mirayiridzo yekuzvidzivirira pachirwere cheCOVID-19
Zvapupu zvakawanda zvakawirwa nemafashamo aya zvakatombosiya misha yazvo nemhaka yedambudziko rekutsva kwakaita masango mwedzi mitatu yakanga yapfuura muna August 2021. Nekuwedzera kuri kuita njodzi dzinongoitika dzega, vanhu vaJehovha vari kubatsirwa nekuteerera mirayiridzo yekuti vagare vaine bhegi rine zvinhu zvekushandisa kana pakaitika njodzi.
Matambudziko anokonzerwa nenjodzi dzinongoitika dzega anogona kuramba achiwedzera asi ticharamba tichivimba nesimba raJehovha rekuponesa.—Habhakuki 3:17, 18.