12 MAY 2023
CZECH REPUBLIC
Nharireyomurindi Yava Nemakore 100 Ichibuda Mumutauro weCzech
Muna 2023, Nharireyomurindi yakasvitsa makore 100 ichibudiswa mumutauro weCzech. Pakatanga basa rekushandura muna 1923, muCzechoslovakia maingova neZvapupu 30. Iye zvino, muCzech Republic mava neZvapupu zvaJehovha 16 000 zviri kuita basa rekuparidza.
Vashanduri vakasangana nematambudziko akawanda mumakore 100 adarika. Asi zvinhu zvakanga zvakanyanya kuoma makore 40 akatongwa Czechoslovakia nehurumende yechiKomonisiti, kubva muna 1948 kusvika muna 1989. Panguva iyoyo, Nharireyomurindi yaishandurwa yoprindwa pachivande. Zvaisazivikanwa kuti ndiani aishandura, aiongorora kuti zvashandurwa zvacho zviri kunzwisisika here, uye kuti ndiani aiprinda. Asi vaya vaiita basa iri vakaona kutsigirwa kwavaiitwa naJehovha uye kutenda kwavo kwakasimbiswa. Hanzvadzi Jarmila Hálová, avo vakashandurira Nharireyomurindi mumutauro weCzech kwemakore akawanda vakati: “Ndinonyatsoziva kuti Jehovha anoda vashumiri vake uye mabhuku atiri kuwana uchapupu hwekutida kwaanoita. Saka ndinotenda Jehovha chaizvo kuti ndakabatanidzwawo pabasa rekushandura Nharireyomurindi. Ndinoyeuka zvinhu zvakawanda zvinofadza zvaiitika panguva iyoyo uye ndinoona sekuti basa iri rakandibatsira pane zvakawanda muupenyu hwangu.”
Pari zvino, pane hama nehanzvadzi dzinopfuura 20 dzinoshandurira mabhuku edu anotsanangura Bhaibheri nemavhidhiyo mumutauro weCzech uye mumutauro wemasaini wemuCzechoslovakia. Vashanduri vacho vari kushandira pamahofisi maviri eshanduro ari muHavířov uye muHorní Bludovice.
Tinotenda Jehovha chaizvo nekutipa Nharireyomurindi yemutauro weCzech, iyo yava nemakore 100 ichitisimbisa pakunamata!—Zvirevo 10:22.