7 APRIL 2022
MYANMAR
Shanduro yeNyika Itsva Yakabudiswa Mumutauro weKaren (S’gaw) Language
Musi wa27 March 2022, hama Mats Kassholm, avo vari muDare Rebazi reMyanmar, vakabudisa Bhaibheri repafoni reShanduro yeNyika Itsva mumutauro weKaren (S’gaw) papurogiramu yakarekodhwa ichibva yazotepfenyurwa kuvanhu vanenge 620. MaBhaibheri akaprindwa achange ava kuwanika muna April 2022.
Nhoroondo yeZvapupu zvaJehovha muMyanmar inotangira muna 1914, pakasvika Vadzidzi veBhaibheri vekutanga munyika yacho. Pashure pa1940, muparidzi wekutanga aitaura mutauro weKaren (S’gaw) akabhabhatidzwa muMyanmar.
Shanduro yeNyika Itsva iyi ichabatsira chaizvo nekuti mamwe maBhaibheri ari mumutauro uyu ane mashoko asisashandiswe nevanhu, akaoma kunzwisisa kana kuti anotsanangura zvisiri izvo. Semuenzaniso, mune rimwe Bhaibheri riri mumutauro weKaren (S’gaw) mashoko ari pana Pisarema 72:16 akashandurwa achinzi “panyika pachava nezvirimwa zvishoma.” Asi muShanduro yeNyika Itsva mashoko acho akashandurwa zvakanaka achinzi “panyika pachava nezvirimwa zvakawanda chaizvo.”
Bhaibheri iri chikomborero chakapiwa vaparidzi vemutauro weKaren (S’gaw) naJehovha. Tinonyengeterera kuti dai Bhaibheri iri rikavabatsira kusimbisa kutenda kwavo muna Jehovha.—1 Petro 5:10.