Enda pane zvauri kuda

Dutu rinonzi Typhoon Noru rakakonzera mafashamo asingaiti muPhilippines

6 OCTOBER 2022
PHILIPPINES

Dutu Rinonzi Typhoon Noru Rinoparadza Zvinhu muPhilippines

Dutu Rinonzi Typhoon Noru Rinoparadza Zvinhu muPhilippines

Musi wa25 September 2022, dutu rinonzi Super Typhoon Noru, iro rinozivikanwawo nezita rekuti Karding, rakasvika pazvitsuwa zvePolillo Islands zviri muQuezon Province, kuPhilippines. Dutu racho rakazosvikawo muAurora Province. Dutu iri raiva nemhepo yaifamba makiromita 195 paawa uye dzimwe nguva yaisvika makiromita 240 paawa. Typhoon Noru yakaparadza dzimba, migwagwa nemabhiriji uye yakakonzerawo mafashamo asingaiti.

Zvakaitika kuHama Nehanzvadzi Dzedu

  • Hapana hama kana hanzvadzi yedu yakafa

  • Mhuri 180 dzaitofanira kusiya misha yadzo

  • Dzimba 209 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

  • Dzimba 20 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba 22 dzakaparadzwa

  • Dzimba dzeUmambo 7 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

  • Imba yeUmambo imwe chete yakakanganisika zvakanyanya

Mabasa Ekuyamura

  • Pakagadzwa Makomiti Ekuyamura Panoitika Njodzi maviri

  • Vakuru vari kunyaradza hama nehanzvadzi dzakawirwa nenjodzi iyi uye vari kuvabatsirawo nezvavanoda pakurarama

  • Mabasa ekuyamura ari kuitwa pachitevedzerwa mitemo ine chekuita nekuzvidzivirira paCOVID-19

Tinoramba tichinyengeterera hama nehanzvadzi dzedu dzakaparadzirwa zvinhu nedutu iri, idzo dziri kuramba dzichipotera kuna Jehovha.—Pisarema 57:1.