Mapikicha—Madiro Anoita Vana Mavhidhiyo
Mavhidhiyo anonzi Iva Shamwari yaJehovha, aKuda naSarudzai uye enziyo ari kufarirwa chaizvo nevakawanda. Vabereki nevana vakanyora tsamba dzekutenda mavhidhiyo aya. Zvimwe zvakataurwa nevana vacho ndeizvi:
“Makaita basa nekutipa DVD ya‘Teerera, Wozviita, Ukomborerwe.’ Ndogara ndichiiona mazuva ose ndiine chidhori changu.”—Zach, ane makore 5.
“Nziyo itsva iyi inondidzidzisa kuti Jehovha anondida uye anoda kuti ndigare ndichinyengetera kwaari chero nguva.”—Mikariah, ane makore 6.
“Ndakadzidza kuti ndinofanira kuteerera vabereki vangu uye kurongedza zvinhu kana ndapedza kuzvishandisa. Makaita basa nekutigadzirira makatuni aya.”—Nicole, ane makore 8.
“Makaita basa nevhidhiyo iri. Ende rinonakidza. Ndorida.”—Mckenzie, ane makore 5.
“Ndinoda mavhidhiyo aIva Shamwari yaJehovha. Ndinogara ndichimaona mazuva ose. Jehovha akaita hake akaita kuti mutigadzirire makatuni aya.”—Ava, ane makore 8.
“Mavhidhiyo aya ndinomada. Ndiri kudzidzira nziyo dzese. Mavhidhiyo aya anoita kuti ndide Jehovha.”—Devon, ane makore 4.
“Ndatomirira mamwe mavhidhiyo aKuda! Rambai muchitigadzirira mamwe!”—Vance, ane makore 8.
Australia—Shiloh, ane makore 6
Chidzidzo 12: Kuda naSarudzai Vanoshanya kuBheteri
Australia—Sienna, ane makore 8
Rwiyo 106: Kuva Shamwari yaJehovha
Brazil—Eduardo, ane makore 10
Chidzidzo 13: Jehovha Achakubatsira Kuti Usatya
Germany—Michele, ane makore 11
Chidzidzo 10: Iva Nomutsa Uye Usanyima Vamwe
Germany—Priscilla, ane makore 8
Chidzidzo 11: Regerera Vamwe
Japan—Miku, ane makore 7
Chidzidzo 13: Jehovha Achakubatsira Kuti Usatya
Japan—Tomoaki, ane makore 10
Chidzidzo 6: Taura Zvakanaka Uye Iti Maita Basa
Mexico—Samuel, ane makore 7
Chidzidzo 9: ‘Jehovha Akasika Zvinhu Zvose’
United States—Adriana, ane makore 6
Rwiyo 92: “Paridza Shoko”
United States—Anthony, ane makore 11
Chidzidzo 2: Teerera Jehovha