Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekupa?
Mhinduro yeBhaibheri
Bhaibheri rinokurudzira kuti munhu ape zvichibva pamwoyo uye nechinangwa chakanaka. Rinotaura kuti kupa kwakadaro kunobatsira anenge agamuchira neanenge apa wacho. (Zvirevo 11:25; Ruka 6:38) Jesu akati: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.
Kupa kunofadza Mwari kwakaita sei?
Mwari anoda munhu anopa zvichibva pamwoyo. Bhaibheri rinoti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asinganyunyuti kana achigombedzerwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.”—2 VaKorinde 9:7.
Kupa zvinobva pamwoyo ndiko “kunamata” kunodiwa naMwari. (Jakobho 1:27) Munhu ane rupo anenge achishanda pamwe chete naMwari, uye Mwari anoona rupo rwakadaro sechikwereti. (Zvirevo 19:17) Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari pachake ndiye acharipa munhu anenge aratidza rupo.—Ruka 14:12-14.
Kupa kusingafadzi Mwari kwakaita sei?
Kana munhu akapa aine chinangwa chakaipa. Izvi zvinosanganisira:
Kuda kushamisira.—Mateu 6:2.
Kuti uzopiwawo chimwe chinhu.—Ruka 14:12-14.
Kuti Mwari akuponese.—Pisarema 49:6, 7.
Kana zvichitsigira zvinhu zvisingadiwi naMwari. Semuenzaniso, zvinenge zvakaipa kupa munhu mari kuti abheje kana kuti adhakwe. (1 VaKorinde 6:9, 10; 2 VaKorinde 7:1) Hazvinawo kunaka kupa munhu zvinhu asi iye achikwanisa kushanda kuti azviriritire.—2 VaTesaronika 3:10.
Kana zvichitadzisa munhu kuriritira mhuri yake. Bhaibheri rinodzidzisa kuti vanababa vanofanira kuriritira mhuri dzavo. (1 Timoti 5:8) Hazvina kunaka kuti baba vape vamwe vanhu zvimwe zvinhu asi mhuri yavo ichisara ichitambura. Jesu akashorawo vaya vaitadza kuchengeta vabereki vainge vakwegura, vachiti zvese zvavaiva nazvo “chipo chakatsaurirwa kuna Mwari.”—Mako 7:9-13.